Shona

Croatian

Genesis

28

1Zvino Isaka wakadana Jakove, ndokumuropafadza, ndokumuraira ndokuti kwaari: Usawana mukadzi kuva­kunda veKanani.
1Stoga Izak pozove Jakova, blagoslovi ga te mu naloži: "Nemoj uzimati ženu od kanaanskih djevojaka.
2Simuka uende Padhani-Aramu, kuimba yaBhetueri baba vamai vako, uye uzviwanire ikoko mukadzi kubva kuvaku­nda vaRabhani, hanzvadzi yamai vako.
2Odmah se zaputi u Padan Aram, u dom Betuela, oca svoje majke, pa odande sebi uzmi ženu, od kćeri Labana, brata svoje majke.
3Zvino Mwari Wemasimbaose ngaakuropafa­dze, akuberekese vana, nekukuwanza, kuti uve chaunga chendudzi;
3A Bog Svemožni, El-Šadaj, neka te blagoslovi i neka te učini rodnim i brojnim, tako da postaneš mnoštvo naroda.
4agopa­ropafadzo yaAbhurahamu, kwauri nekumbeu yako pamwe newe; kuti ugare nhaka yenyika maugere uri mutorwa, Mwari yaakapa Abhurahamu.
4Neka protegne na te blagoslov Abrahamov, na te i na tvoje potomstvo, tako da zaposjedneš zemlju u kojoj boraviš kao pridošlica, a koju je Bog predao Abrahamu!"
5Isaka ndokuendesa Jakove, iye ndokuenda Padhani-Aramu kuna Rabhani mwanako­mana waBhetueri, muSiriya, hanzvadzi yaRabheka, mai vaJakove naEsau.
5Tako Izak otpremi Jakova, i on ode u Padan Aram Labanu, sinu Aramejca Betuela, bratu Rebeke, majke Jakova i Ezava.
6Zvino Esau wakaona kuti Isaka waropafadza Jakove, akamue­ndesa Padhani-Aramu kunozvitorera ikoko mukadzi, pakumuropafadza kwake wakamuraira achiti: Usatora mukadzi kuvakunda veKanani;
6Kad je Ezav vidio kako je Izak blagoslovio Jakova kad ga je otpremao u Padan Aram da odande sebi uzme ženu, naređujući mu kad ga je blagoslivljao: "Ne smiješ uzeti ženu od kanaanskih djevojaka",
7uye kuti Jakove wakateerera baba vake namai vake, akaenda Padhani-Aramu.
7i da je Jakov poslušao svoga oca i svoju majku te otišao u Padan Aram,
8Esau ndokuona kuti vakunda veKanani vaiva vakaipa pameso aIsaka baba vake.
8Ezav shvati koliko su djevojke kanaanske mrske njegovu ocu Izaku.
9Naizvozvo Esau wakaenda kuna Ishimaeri, akazvitorera Maharati muku­nda walshimaeri, mwanakomana waAbhurahamu, hanzvadzi yaNebhayoti ave mukadzi wake pamusoro pevakadzi vaaiva navo.
9Stoga ode k Jišmaelu te se, uza žene koje već imaše, oženi Mahalatom, kćerju Jišmaela, sina Abrahamova, a sestrom Nebajotovom.
10Zvino Jakove wakabuda paBheeri­shebha, ndokuenda akananga Harani.
10Jakov ostavi Beer Šebu i zaputi se u Haran.
11Zvino wakasvika panzvimbo, akavatapo usiku, nekuti zuva rakange ravira. Ndokutora ibwe pamabwe enzvimbo iyo, akaita mutsamhiro, ndokurara panzvimbo iyo.
11Stigne u neko mjesto i tu prenoći, jer sunce bijaše već zašlo. Uzme jedan kamen s onog mjesta, stavi ga pod glavu i na tom mjestu legne.
12Zvino wakarota, uye tarira, danhiko rakange rami­swa panyika, musoro waro uchibata matenga, zvino tarira, vatumwa vaMwari va­chikwira nekuburuka pariri.
12I usne san: ljestve stoje na zemlji, a vrhom do neba dopiru, i anđeli Božji po njima se penju i silaze.
13Zvino tarira, Je­hovha amire pamusoro paro, akati: Ndini Jehovha Mwari waAbhurahamu baba vako naMwari waIsaka; nyika yauvete pairi ndichakupa iyo, nembeu yako;
13Uza nj je Jahve te mu govori: "Ja sam Jahve, Bog tvoga praoca Abrahama i Bog Izakov. Zemlju na kojoj ležiš dat ću tebi i tvome potomstvu.
14uye mbeu yako ichaita seguruva renyika; zvino uchapararira kumavirazuva nekumabvazuva, nokumaodzanyemba nekuchamhembe; uye mauri nemumbeu yako dzimba dzose dzepanyika dzicharopafadzwa.
14Tvojih će potomaka biti kao i praha na zemlji; raširit ćete se na zapad, istok, sjever i jug; tobom će se i tvojim potomstvom blagoslivljati svi narodi zemlje.
15Zvino tarira, ndi­newe, uye ndichakuchengeta kwese kwaunoenda, nekukudzosera kunyika ino; ne­kuti handingakusii kusvikira ndaita izvo zvandataura kwauri.
15Dobro znaj: ja sam s tobom; čuvat ću te kamo god pođeš te ću te dovesti natrag u ovu zemlju; i neću te ostaviti dok ne izvršim što sam ti obećao."
16Zvino Jako­bho wakapepuka pahope dzake, ndokuti: Zvirokwazvo Jehovha uri panzvimbo ino, asi ini ndanga ndisingazivi.
16Jakov se probudi od sna te reče: "Zaista se Jahve nalazi na ovome mjestu, ali ja nisam znao!"
17Zvino wakatya, ndokuti: Nzvimbo ino inotyisa zvakadii! Haisi chimwe chinhu kunze kweimba yaMwari, iri isuwo rekudenga.
17Potresen, uzviknu: "Kako je strašno ovo mjesto! Zaista, ovo je kuća Božja, ovo su vrata nebeska!"
18Jakove ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokutora ibwe raakange aita mutsamhiro, akari­misa kuva mbiru, ndokudira mafuta pamusoro pepamusoro paro.
18Rano ujutro Jakov uzme onaj kamen što ga bijaše stavio pod glavu, uspravi ga kao stup i po vrhu mu izlije ulja.
19Zvino wakatumidza zita renzvimbo iyo Bheteri, asi zita reguta pakutanga rainzi Ruzi.
19Ono mjesto on nazva Betel, dok je ime tome gradu prije bilo Luz.
20Jakove ndokupika mhiko achiti: Kana Mwari akava neni, akandichengeta panzira yandinoenda, uye akandipa chikafu chekudya, nezvipfeko zvekupfeka;
20Tada učini zavjet: "Ako Bog ostane sa mnom i uščuva me na ovom putu kojim idem, dade mi kruha da jedem i odijela da se oblačim,
21uye ndidzokere nerugare kuimba yababa vangu, ipapo Jehovha uchava Mwari wangu,
21te se zdravo vratim kući svoga oca, Jahve će biti moj Bog.
22neiri ibwe randakamisa rikava mbiru richava imba yaMwari; nezvose zvamuchandipa, zvirokwazvo ndicha­pa chegumi chazvo kwamuri.
22A ovaj kamen koji sam uspravio kao stup bit će kuća Božja. A od svega što mi budeš davao za te ću odlagati desetinu."