Shona

Croatian

Luke

9

1Zvino wakadanira pamwe vadzidzi vake gumi nevaviri, akavapa simba nechikuriri pamusoro pemadhimoni ose, nekuporesa zvirwere.
1Sazva dvanaestoricu i dade im moć i vlast nad svim zlodusima i da liječe bolesti.
2Akavatuma kuparidza ushe hwaMwari nekuporesa varwere.
2I posla ih propovijedati kraljevstvo Božje i liječiti bolesnike.
3Zvino akati kwavari: Musatakura chinhu cherwendo, kana mudonzvo, kana nhava, kana chingwa, kana mari; uye musava nenguvo mbiri umwe neumwe.
3I reče im: "Ništa ne uzimajte na put: ni štapa, ni torbe, ni kruha, ni srebra! I da niste imali više od dvije haljine!
4Uye imba ipi neipi yamunopinda mairi, garaimo, mugobvamo.
4U koju god kuću uđete, ondje ostanite pa odande dalje pođite.
5Uye ani nani usingakugamuchirii, kana mobuda paguta iro, zuzai kunyange guruva patsoka dzenyu, hwuve uchapupu hwakamirisana navo.
5Gdje vas ne prime, iziđite iz toga grada i stresite prašinu s nogu za svjedočanstvo protiv njih."
6Zvino vakabva vakaenda vachigura misha, vachiparidza evhangeri, nekuporesa panzvimbo dzose.
6Oni krenuše: obilazili su po selima, navješćivali evanđelje i liječili posvuda.
7Zvino Herodhe, umwe wevatongi vana, wakanzwa zvose zvakaitwa naye; akakanganisika, nekuti zvairehwa nevamwe kuti Johwani wakange amuka kuvakafa;
7Dočuo Herod tetrarh sve što se događa te se nađe u nedoumici jer su neki govorili: "Ivan uskrsnu od mrtvih";
8nevamwe kuti Eria waonekwa; nevamwe kuti umwe wevaporofita vekare wamuka.
8drugi: "Pojavio se Ilija"; treći opet: "Ustao je neki od drevnih proroka."
9Asi Herodhe wakati: Johwani ndakagura musoro ini; asi ndiani uyu, ini wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake? Akatsvaka kumuona.
9A Herod reče: "Ivanu ja odrubih glavu. Tko je onda ovaj o kom toliko čujem?" I tražio je priliku da ga vidi.
10Zvino vaapositori vakati vadzoka, vakamurondedzera zvose zvavakange vaita. Akavatora, akaenda navo vari vega kunzvimbo yerenje reguta rinonzi Bhetisaidha.
10Apostoli se vrate i ispripovjede što su učinili. Isus ih povede sa sobom i povuče se nasamo u grad zvani Betsaida.
11Zvino zvaunga zvakati zvazviziva, zvikamutevera; akavagamuchira, akataura kwavari zveushe hwaMwari, akaporesa vakange vachida kuporeswa.
11Saznalo to mnoštvo po pođe za njim. On ih primi te im govoraše o kraljevstvu Božjem i ozdravljaše sve koji su trebali ozdravljenja.
12Zuva raiva rotanga kuvira; vanegumi nevaviri vakaswedera vakati kwaari: Regai chaunga chiende, kuti vaende kumisha nekuruwa rwakapoteredza, vagare, vawane chikafu; nekuti pano patiri panzvimbo yerenje.
12Dan bijaše na izmaku. Pristupe dakle dvanaestorica pa mu reknu: "Otpusti svijet, neka pođu po okolnim selima i zaseocima da se sklone i nađu jela jer smo ovdje u pustu kraju."
13Asi wakati kwavari: Vapei imwi ivo kuti vadye. Vakati: Hatina zvinopfuura zvingwa zvishanu, nehove mbiri, kunze kwekuti isu taenda kunotengera vanhu ava vose chikafu.
13A on im reče: "Podajte im vi jesti!" Oni rekoše: "Nemamo više od pet kruhova i dvije ribe, osim da odemo kupiti hrane za sav ovaj narod."
14Nekuti vaiva varume vanenge zvuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake: Vagarisei pasi mumapoka, rimwe nerimwe makumi mashanu.
14A bijaše oko pet tisuća muškaraca. Nato će on svojim učenicima: "Posjedajte ih po skupinama, otprilike po pedeset."
15Vakaita saizvozvo, vakavagarisa vose pasi.
15I učine tako: sve ih posjedaju.
16Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, akazvimedura, ndokupa vadzidzi kuti vagadzike pamberi pechaunga.
16A on uze pet kruhova i dvije ribe, pogleda na nebo, blagoslovi ih i razlomi pa davaše učenicima da posluže mnoštvo.
17Vakadya, vakaguta vose; kukanongwa zvimedu zvakasara kwavari, matengu gumi nemaviri.
17Jeli su i svi se nasitili. I od preteklih ulomaka nakupilo se dvanaest košara.
18Zvino zvakaitika ari oga achinyengetera, vadzidzi vakange vanaye; akavabvunza, achiti: Zvaunga zvinoti ndini ani?
18Dok je jednom u osami molio, bijahu s njim samo njegovi učenici. On ih upita: "Što govori svijet, tko sam ja?"
19Ivo vakapindura vakati: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; nevamwe vakati: Umwe muporofita wevekare wamuka.
19Oni odgovoriše: "Da si Ivan Krstitelj, drugi: da si Ilija, treći opet: da neki od drevnih proroka usta."
20Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati: Kristu waMwari.
20A on im reče: "A vi, što vi kažete, tko sam ja?" Petar prihvati i reče: "Krist - Pomazanik Božji!"
21Akavayambirisa, akaraira kuti varege kuudza munhu izvozvo;
21A on im zaprijeti da toga nikomu ne kazuju.
22achiti: Mwanakomana wemunhu unofanira kutambudzika zvikuru, nekurambwa nevakuru nevapristi vakuru nevanyori, nekuurawa, nekumutswa zuva retatu.
22Reče: "Treba da Sin Čovječji mnogo pretrpi, da ga starješine, glavari svećenički i pismoznanci odbace, da bude ubijen i treći dan da uskrsne."
23Zvino wakati kune vose: Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.
23A govoraše svima: "Hoće li tko za mnom, neka se odrekne samoga sebe, neka danomice uzima križ svoj i neka ide za mnom.
24Nekuti ani nani unoda kuponesa upenyu hwake, ucharasikirwa nahwo; asi ani nani unorasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu, iye uchahuponesa.
24Tko hoće život svoj spasiti, izgubit će ga; a tko izgubi život svoj poradi mene, taj će ga spasiti.
25Nekuti munhu ungabatsirwa nei, kana akawana nyika yose, asi iye pachake azvitadzire kana kurasikirwa?
25Ta što koristi čovjeku ako sav svijet zadobije, a sebe samoga izgubi ili sebi naudi?"
26Nekuti ani nani unonyara pamusoro pangu nepamashoko angu, Mwanakomana wemunhu uchanyara pamusoro pake paanouya mukubwinya kwake nekwaBaba, nekwevatumwa vatsvene.
26"Doista, tko se zastidi mene i mojih riječi, toga će se i Sin Čovječji stidjeti kada dođe u slavi svojoj i Očevoj i svetih anđela."
27Asi ndinokuudzai zvechokwadi: Varipo vamwe vevamire pano vasingazoraviri rufu, kusvikira vaona ushe hwaMwari.
27"A kažem vam uistinu: neki od nazočnih neće okusiti smrti dok ne vide kraljevstva Božjega."
28Zvino zvakaitika mazuva anenge masere mushure memashoko awa, kuti wakatora Petro naJohwani naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera.
28Jedno osam dana nakon tih besjeda povede Isus sa sobom Petra, Ivana i Jakova te uziđe na goru da se pomoli.
29Zvino zvakaitika mukunyengetera kwake, chimiro chechiso chake chikashanduka, uye nguvo yake ikachena, ikapenya.
29I dok se molio, izgled mu se lica izmijeni, a odjeća sjajem zablista.
30Zvino tarira, varume vaviri vakataura naye, vaiva Mozisi naEria;
30I gle, dva čovjeka razgovarahu s njime. Bijahu to Mojsije i Ilija.
31Vakaonekwa mukubwinya, akataura zvekubva kwake kwaakange achinopedzisa paJerusarema.
31Ukazali se u slavi i razgovarali s njime o njegovu Izlasku, što se doskora imao ispuniti u Jeruzalemu.
32Asi Petro nevaiva naye vakange varemerwa nehope; asi vakati vapepuka, vakaona kubwinya kwake, nevarume vaviri vaiva vamire naye.
32No Petra i njegove drugove bijaše svladao san. Kad se probudiše, ugledaše njegovu slavu i dva čovjeka koji stajahu uza nj.
33Zvino zvakaitika pakubva kwavo paari, Petro akati kuna Jesu: Tenzi, zvakanaka kuti tive pano; zvino ngatiite matende matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.
33I dok su oni odlazili od njega, reče Petar Isusu: "Učitelju, dobro nam je ovdje biti. Načinimo tri sjenice: jednu tebi, jednu Mojsiju, jednu Iliji." Nije znao što govori.
34Wakati achitaura izvozvo, kwakauya gore rikavadzikatira; vakatya pakupinda kwavo mugore.
34Dok je on to govorio, pojavi se oblak i zasjeni ih. Ušavši u oblak, oni se prestrašiše.
35Zvino kwakabuda inzwi mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodika; inzwai iye.
35A glas se začu iz oblaka: "Ovo je Sin moj, Izabranik! Njega slušajte!"
36Zvino inzwi rakati raitika, Jesu akawanikwa ari oga. Asi ivo vakanyarara, vakasaudza munhu mumazuva iwayo chimwe chezvinhu zvavakange vaona.
36I upravo kad se začu glas, osta Isus sam. Oni su šutjeli i nikomu onih dana nisu kazivali što su vidjeli.
37Zvino zvakaitika kuti nezuva raitevera, vaburuka mugomo, chaunga chikuru chikamuchingamidza.
37A kad su sutradan sišli s gore, pohiti mu u susret silan svijet.
38Zvino tarira, murume muchaunga wakadanidzira, achiti: Mudzidzisi, ndinokukumbirisai, tarirai mwanakomana wangu nekuti ndiye wakaberekwa umwe woga;
38I gle, čovjek neki iz mnoštva povika: "Učitelju, molim te pogledaj mi sina: jedinac mi je,
39zvino tarirai, mweya unomubata, pakarepo woridza mhere, uye unomugwinhisa achipupuma furo, unorema kubva paari, asi uchimusvuura.
39a gle, duh ga spopada te on odmah udari u kriku; trza njime i on se pjeni te jedva da od njega odstupi dok ga nije posve satro.
40Zvino ndakakumbirisa vadzidzi venyu kuti vaubudise, asi vakasagona.
40Molio sam tvoje učenike da ga izagnaju, ali ne mogoše."
41Jesu achipindura akati: Haiwa zera risina rutendo rakatsauka, ndichava nemwi kusvikira rinhi, ndichikuitirai moyo murefu? Uyisa mwanakomana wako pano.
41Isus odvrati: "O rode nevjerni i opaki, dokle mi je biti s vama i podnositi vas? Dovedi ovamo svoga sina!"
42Zvino wakati achaswedera, dhimoni rikamudambura, rikamugwinhisa zvikuru; asi Jesu wakatsiura mweya wetsvina, akaporesa mwana, akamudzosera kuna baba vake.
42I dok je prilazio, obori ga zloduh i potrese. A Isus zaprijeti nečistom duhu te izliječi dječaka i preda ga njegovu ocu.
43Vose vakashamiswa zvikuru neukuru hwaMwari. Zvino vose vachakashamisika nezvose Jesu zvaakaita, akati kuvadzidzi vake:
43Svi se zapanjiše zbog veličanstva Božjega. Dok su se svi divili svemu što je činio, reče on učenicima:
44Imwi isai mashoko awa munzeve dzenyu: Nekuti Mwanakomana wemunhu uchakumikidzwa mumaoko evanhu.
44"Uzmite k srcu ove riječi: Sin Čovječji doista ima biti predan ljudima u ruke."
45Asi havana kuziva chirevo ichi, uye chakange chakavanzika kwavari, kuti vasachinzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pechirevo ichi.
45Ali oni nerazumješe te besjede, bijaše im skrivena te ne shvatiše, a bojahu se upitati ga o tome.
46Zvino kwakamuka nharo pakati pavo, kuti ndiani ungava mukurusa kwavari.
46U njima se porodi misao tko bi od njih bio najveći.
47Asi Jesu wakati achiona kufunga kwemoyo wavo, akatora mucheche, akamuisa parutivi rwake,
47Znajući tu misao njihova srca, uzme Isus dijete, postavi ga uza se
48akati kwavari: Ani nani unogamuchira mucheche uyu muzita rangu, unogamuchira ini, uye ani nani unogamuchira ini unogamuchira wakandituma; nekuti mudukusa pakati penyu mose, ndiye uchava mukuru.
48i reče im: "Tko god primi ovo dijete u moje ime, mene prima. A tko mene prima, prima onoga koji me je poslao. Doista, tko je najmanji među vama svima, taj je velik!"
49Johwani akapindura akati: Tenzi, taona umwe achibudisa madhimoni muzita renyu, tikamudzivisa, nekuti haateverani nesu.
49Prihvati Ivan i reče: "Učitelju, vidjesmo jednoga koji u tvoje ime izgoni zloduhe. Mi smo mu branili, jer ne ide za nama."
50Asi Jesu akati kwaari: Musamudzivisa, nekuti uyo usingatipikisi, ndewedu.
50Reče mu Isus: "Ne branite! Ta tko nije protiv vas, za vas je!"
51Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva ekukwidzwa kwake, kuti iye akarinzira chiso chake kuenda kuJerusarema,
51Kad su se navršili dani da bude uznesen, krenu Isus sa svom odlučnošću prema Jeruzalemu.
52akatuma vatumwa pamberi pechiso chake; vakaenda, vakapinda mumusha wevaSamaria, kunomugadzirira.
52I posla glasnike pred sobom. Oni odoše i uđoše u neko samarijansko selo da mu priprave mjesto.
53Asi havana kumugamuchira, nekuti chiso chake chaienda kuJerusarema.
53No ondje ga ne primiše jer je bio na putu u Jeruzalem.
54Zvino vadzidzisi vake, Jakobho naJohwani, vakati vachizviona vakati: Ishe, munoda kuti tiraire moto uburuke kubva kudenga, uvapedze, Eriawo sezvaakaita here?
54Kada to vidješe učenici Jakov i Ivan, rekoše: "Gospodine, hoćeš li da kažemo neka oganj siđe s neba i uništi ih?"
55Asi wakatendeuka akavatsiura akati: Hamuzivi kuti muri vemweya wakadii.
55No on se okrenu i prekori ih.
56Nekuti Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoparadza upenyu hwevanhu asi kuhwuponesa. Ndokuenda kune umwe musha.
56I odoše u drugo selo.
57Zvino zvakaitika vachifamba munzira, umwe wakati kwaari: Ishe, ndichakuteverai kupi zvako kwamunoenda.
57Dok su išli putom, reče mu netko: "Za tobom ću kamo god ti pošao."
58Jesu akati kwaari: Makava ane mwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana wemunhu haana paanotsamhidza musoro.
58Reče mu Isus: "Lisice imaju jazbine, ptice nebeske gnijezda, a Sin Čovječji nema gdje bi glavu naslonio."
59Akati kune umwe: Nditevere. Asi iye akati: Ishe, nditenderei ndiende kunoviga baba vangu pakutanga.
59Drugomu nekom reče: "Pođi za mnom!" A on će mu: "Dopusti mi da prije odem i pokopam oca."
60Asi Jesu wakati kwaari: Rega vakafa vavige vakafa vavo; asi iwe enda undoparidza ushe hwaMwari.
60Reče mu: "Pusti neka mrtvi pokapaju svoje mrtve, a ti idi i navješćuj kraljevstvo Božje."
61Umwezve akati: Ndichakuteverai Ishe, asi nditenderei kutanga kuti ndinovawoneka ivo vari mumba mangu.
61I neki drugi reče: "Za tobom ću, Gospodine, ali dopusti mi da se prije oprostim sa svojim ukućanima."
62Asi Jesu akati kwaari: Hakuna ungati kana aisa ruoko rwake pagejo, akacheukira kuzvinhu zviri shure, wakafanira ushe hwaMwari.
62Reče mu Isus: "Nitko tko stavi ruku na plug pa se obazire natrag, nije prikladan za kraljevstvo Božje."