Shona

Croatian

Mark

6

1Zvino wakabvapo, akaenda kunyika yekwake; vadzidzi vake vakamutevera.
1I otišavši odande, dođe u svoj zavičaj. A doprate ga učenici.
2Zvino rava sabata, akatanga kudzidzisa musinagoge; vazhinji vakamunzwa, vakashamisika vachiti: Uyu wakawanepi zvinhu izvi? Injere dzipi dzakapiwa kwaari, kuti nemabasa esimba akadai anoitwa nemaoko ake?
2I kada dođe subota, poče učiti u sinagogi. I mnogi što su ga slušali preneraženi govorahu: "Odakle to ovome? Kakva li mu je mudrost dana? I kakva se to silna djela događaju po njegovim rukama?
3Uyu haazi muvezi here, mwanakomana waMaria, nemukoma waJakobho naJose naJudha naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here? Vakagumburwa naye.
3Nije li ovo drvodjelja, sin Marijin, i brat Jakovljev, i Josipov, i Judin, i Šimunov? I nisu li mu sestre ovdje među nama?" I sablažnjavahu se o njega.
4Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haangashaiwi kukudzwa, kunze kwemunyika yekwake, nepakati pehama dzake, nemumba make.
4A Isus im govoraše: "Nije prorok bez časti doli u svom zavičaju i među rodbinom i u svom domu."
5Akasagona kubata chero basa resimba ipapo, kunze kwekuti wakaisa maoko pamusoro pevairwara vashoma, akaporesa.
5I ne mogaše ondje učiniti ni jedno čudo, osim što ozdravi nekoliko nemoćnika stavivši ruke na njih.
6Akashamisika nekusatenda kwavo. Uye akapota-pota nemisha achidzidzisa.
6I čudio se njihovoj nevjeri. Obilazio je selima uokolo i naučavao.
7Zvino wakadanira kwaari vanegumi nevaviri, kuvatuma vaviri-vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina.
7Dozva dvanaestoricu te ih poče slati dva po dva dajući im vlast nad nečistim dusima.
8Akavaraira kuti varege kutora chinhu cherwendo kunze kwemudonzvo chete; kwete chikwama, kwete chingwa, kwete mari mubhanhire.
8I zapovjedi im da na put ne nose ništa osim štapa: ni kruha, ni torbe, ni novaca o pojasu,
9Asi vafuke manyatera, varege kupfeka nguvo mbiri.
9nego da nose samo sandale i da ne oblače dviju haljina.
10Zvino akati kwavari: Pose pamunopinda mumba, mugaremo kusvikira muchibvapo.
10I govoraše im: "Kad uđete gdje u kuću, u njoj ostanite dok ne odete odande.
11Asi vose vasingakugamuchiriyi kana kukunzwai, kana muchibvapo, zuzai guruva riri pasi petsoka dzenyu, chive chapupu kwavari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvicharerukira Sodhoma kana Gomora nezuva rekutongwa kupfuura guta iro.
11Ako vas gdje ne prime te vas ne poslušaju, iziđite odande i otresite prah ispod svojih nogu njima za svjedočanstvo."
12Vakati vabuda, vakaparidza kuti vatendeuke;
12Otišavši, propovijedali su obraćenje,
13zvino vakabudisa madhimoni mazhinji, vakazodza nemafuta vazhinji vairwara, vachiporesa.
13izgonili mnoge zloduhe i mnoge su nemoćnike mazali uljem i oni su ozdravljali.
14Mambo Herodhe ndokuzvinzwa, nekuti zita rake rakava pachena, akati: Johwani unobhabhatidza wakamutswa kuvakafa, naizvozvo masimba anobata maari.
14Dočuo to i kralj Herod jer se razglasilo Isusovo ime te se govorilo: "Ivan Krstitelj uskrsnuo od mrtvih i zato čudesne sile djeluju u njemu."
15Vamwe vakati: NdiEria; nevamwe vakati: Muporofita, kana wakaita seumwe wevaporofita.
15A drugi govorahu: "Ilija je!" Treći opet: "Prorok, kao jedan od proroka."
16Asi Herodhe wakati anzwa, akati: Uyu ndiJohwani uya wandakagura ini musoro; iye wamuka kuvakafa.
16Herod pak na to govoraše: "Uskrsnu Ivan kojemu ja odrubih glavu."
17Nekuti Herodhe pachake wakange atuma vanhu akabata Johwani, akamusunga mutirongo nekuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munin'ina wake; nekuti Herodhe wakange amuwana.
17Herod doista bijaše dao uhititi Ivana i svezati ga u tamnici zbog Herodijade, žene brata svoga Filipa, kojom se bio oženio.
18Nekuti Johwani wakange ati kuna Herodhe: Hauna kutenderwa kuti uve nemukadzi wemunin'ina wako.
18Budući da je Ivan govorio Herodu: "Ne smiješ imati žene brata svojega!",
19Herodhiasi akamuvenga nechemumoyo, akada kumuuraya, asi wakakonewa;
19Herodijada ga mrzila i htjela ga ubiti, ali nije mogla
20nekuti Herodhe waitya Johwani, achiziva kuti murume wakarurama, mutsvene, akamuchengetedza. Zvino paakamunzwa wakaita zvinhu zvakawanda, akamunzwa nemufaro.
20jer se Herod bojao Ivana; znao je da je on čovjek pravedan i svet pa ga je štitio. I kad god bi ga slušao, uvelike bi se zbunio, a rado ga je slušao.
21Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhe nezuva rekuberekwa kwake akaitira chirairo madzishe ake nevatungamiriri vezvuru nevatungamiriri veGarirea,
21I dođe zgodan dan kad Herod o svom rođendanu priredi gozbu svojim velikašima, časnicima i prvacima galilejskim.
22zvino mukunda waHerodhiasi uyo paakapinda akatamba, akafadza Herodhe nevakange vagere pakudya naye; mambo akati kumusikana: Kumbira kwandiri chipi zvacho chaunoda, ndigokupa.
22Uđe kći Herodijadina i zaplesa. Svidje se Herodu i sustolnicima. Kralj reče djevojci: "Zaišti od mene što god hoćeš i dat ću ti!"
23Zvino akamupikira achiti: Chero chii chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvikira pahafu yeushe hwangu.
23I zakle joj se: "Što god zaišteš od mene, dat ću ti, pa bilo to i pol mojega kraljevstva."
24Akabuda akati kuna mai vake: Ndichakumbirei? Vakati: Musoro waJohwani Mubhabhatidzi.
24Ona iziđe pa će svojoj materi: "Što da zaištem?" A ona će: "Glavu Ivana Krstitelja!"
25Pakarepo akakurumidza kupinda kuna mambo, akakumbira achiti: Ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohwani Mubhabhatidzi.
25I odmah žurno uđe kralju te zaište: "Hoću da mi odmah dadeš na pladnju glavu Ivana Krstitelja!"
26Mambo akashungurudzika zvikuru, asi nekuda kwemhiko, nekwevakange vagere naye pakudya, wakange asingadi kumurambira.
26Ožalosti se kralj, ali zbog zakletve i sustolnika na htjede je odbiti.
27Pakarepo mambo akatuma mhondi, akaraira kuti musoro wake uuyiswe. Akaenda, akamugura musoro mutirongo,
27Kralj odmah posla krvnika i naredi da donese glavu Ivanovu. On ode, odrubi mu glavu u tamnici,
28akauya nemusoro wake mundiro, akaupa kumusikana, musikana ndokuupa mai vake.
28donese je na pladnju i dade je djevojci, a djevojka materi.
29Vadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakauya vakatora chitunha chake, vakachiisa muguva.
29Kad za to dočuše Ivanovi učenici, dođu, uzmu njegovo tijelo i polože ga u grob.
30Zvino vaapositori vakaunganira kuna Jesu, vakamuudza zvose, nezvavakange vaita, nezvavakange vadzidzisa.
30Uto se apostoli skupe oko Isusa i izvijeste ga o svemu što su činili i naučavali.
31Akati kwavari: Uyai imwi pachenyu moga kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma. Nekuti vaiva vazhinji vaiuya nekuenda, vakasava nemukana kunyange wekudya.
31I reče im: "Hajdete i vi u osamu na samotno mjesto, i otpočinite malo." Jer mnogo je svijeta dolazilo i odlazilo pa nisu imali kada ni jesti.
32Vakaenda nechikepe kunzvimbo yerenje vari vega.
32Otploviše dakle lađom na samotno mjesto, u osamu.
33Zvaunga zvikavaona vachienda, uye vazhinji vakamuziva, vakamhanyirako pamwechete netsoka vachibva pamaguta ose, vakavatangira, vakasangana kwaari.
33No kad su odlazili, mnogi ih vidješe i prepoznaše te se pješice iz svih gradova strčaše onamo i pretekoše ih.
34Zvino Jesu wakati achibuda, akaona chaunga chikuru, akachinzwira tsitsi, nekuti vakange vakaita semakwai asina mufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.
34Kad iziđe, vidje silan svijet i sažali mu se jer bijahu kao ovce bez pastira pa ih stane poučavati u mnogočemu.
35Zvino nguva yakati yaenda zvikuru, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati: Iyi inzvimbo yerenje, uye nguva yatoenda;
35A u kasni već sat pristupe mu učenici pa mu reknu: "Pust je ovo kraj i već je kasno.
36varegei, kuti vaende kuruwa rwakapoteredza nemisha vanozvitengera zvingwa. Nekuti havana chavangadya.
36Otpusti ih da odu po okolnim zaseocima i selima i kupe sebi što za jelo."
37Akapindura akati kwavari: Vapei imwi kuti vadye. Vakati kwaari: Tingaenda here tinotenga zvingwa zvemadhenari* mazana maviri, tivape vadye?
37No on im odgovori: "Podajte im vi jesti." Kažu mu: "Da pođemo i kupimo za dvjesta denara kruha pa da im damo jesti?"
38Akati kwavari: Mune zvingwa zvingani? Endai munoona. Vakati vaziva vakati: Zvishanu, nehove mbiri.
38A on će im: "Koliko kruhova imate? Idite i vidite!" Pošto izvidješe, kažu: "Pet, i dvije ribe."
39Zvino akavaraira kuti vavagarise vose pasi nemapoka-mapoka pauswa unyoro.
39I zapovjedi im da sve, u skupinama, posjedaju po zelenoj travi.
40Zvino vakagara pasi nemapoka mapoka nemazana uye nemakumi mashanu.
40I pružiše se po sto i po pedeset na svaku lijehu.
41Zvino wakati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa kuvadzidzi vake, kuti vazvigadzike pamberi pavo; nehove mbiri akavagovera vose.
41On uze pet kruhova i dvije ribe, pogleda na nebo, izreče blagoslov pa razlomi kruhove i davaše učenicima da posluže ljude. Tako i dvije ribe razdijeli svima.
42Zvino vakadya vose, vakaguta.
42I jeli su svi i nasitili se.
43Vakanunga matengu gumi nemaviri azere nezvimedu, nezvehove.
43I od ulomaka nakupiše dvanaest punih košara, a i od riba.
44Zvino avo vakadya zvingwa vaiva varume vanenge zvuru zvishanu.
44A jelo je pet tisuća muškaraca.
45Pakarepo akamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vatungamire kuenda mhiri kuBhetisaidha, iye achirega chaunga chichienda.
45On odmah prisili učenike da uđu u lađu i da se prebace prijeko, prema Betsaidi, dok on otpusti mnoštvo.
46Akati avaoneka, akabva akaenda mugomo kunonyengetera.
46I pošto se rasta s ljudima, otiđe u goru da se pomoli.
47Zvino ava madekwana chikepe chakange chiri pakati pegungwa, iye ari oga panyika.
47Uvečer pak lađa bijaše posred mora, a on sam na kraju.
48Zvino wakavaona vachirwadziwa nekukwasva, nekuti mhepo yakange ichipesana navo; akauya kwavari nenguva inenge seyechina yekurinda yeusiku, achifamba pamusoro pegungwa; ndokuda kuvapfuura.
48Vidjevši kako se muče veslajući, jer im bijaše protivan vjetar, oko četvrte noćne straže dođe k njima hodeći po moru. I htjede ih mimoići.
49Zvino vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti idzangaradzimu, vakaridza mhere.
49A oni, vidjevši kako hodi po moru, pomisliše da je utvara pa kriknuše.
50Nekuti vose vakamuona, vakavhunduka; asi pakarepo akataura navo, akati kwavari: Tsungai moyo, ndini, musatya.
50Jer svi su ga vidjeli i prestrašili se. A on im odmah progovori: "Hrabro samo! Ja sam! Ne bojte se!"
51Akakwira kwavari muchikepe, mhepo ikanyarara; vakakatyamara zvikuru mukati mavo zvisingaverengeki vakashamisika.
51I uziđe k njima u lađu, a vjetar utihnu. I veoma se, prekomjerno, snebivahu;
52nekuti vakange vasina kunzwisisa zvezvingwa, nekuti moyo wavo wakange uri mukukutu.
52još ne shvatiše ono o kruhovima, nego im srce bijaše stvrdnuto.
53Vakati vayambuka, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira chikepe pamahombekombe.
53Pošto doploviše na kraj, dođu u Genezaret i pristanu.
54Vakati vabuda muchikepe, pakarepo vakamuziva,
54Kad iziđu iz lađe, ljudi ga odmah prepoznaju
55vakamhanyira munharaunda iyo yose yakapoteredza, vakatanga kutenderera vakatakura vairwara pamichanja, kwavainzwa kuti ndiko kwaari.
55pa oblete sav onaj kraj. I počnu donositi na nosilima bolesnike onamo gdje bi čuli da se on nalazi.
56Zvino pose paakapinda pamisha kana pamaguta kana paruwa, vakaradzika varwere pamisika, vakamukumbira zvikuru kuti vabate mupendero wenguvo dzake chete; uye vose vakamubata vakaponeswa.
56I kamo bi god ulazio - u sela, u gradove, u zaseoke - po trgovima bi stavljali bolesnike i molili ga da se dotaknu makar skuta njegove haljine. I koji bi ga se god dotakli, ozdravljali bi.