Shona

Croatian

Revelation

14

1Zvino ndakaona, tarira, Gwayana rimire pagomo Ziyoni, rine zvuru zana nemakumi mana nevana, vane zita raBaba varo rakanyorwa pahuma dzavo.
1I vidjeh: gle, Jaganjac stoji na gori Sionu, a s njime sto četrdeset i četiri tisuće - na čelima im napisano ime njegovo i ime Oca njegova!
2Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga senzwi remvura zhinji, uye senzwi remutinhiro mukuru; ndikanzwa inzwi revaridzi veudimbwa vachiridza udimbwa hwavo.
2I začujem s neba glas, kao šum voda mnogih i tutnjavu silna groma; glas taj koji začuh bijaše kao glas citraša što sviraju na citrama.
3Vakaimba sezvinonzi rwaiva rwiyo rutsva pamberi pechigaro cheushe, nepamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, nevakuru; uyo hakuna wakagona kudzidza rwiyo, asi zvuru zana nemakumi mana nevana, vakadzikinurwa panyika.
3Pjevali su pjesmu novu pred prijestoljem i pred četiri bića i pred starješinama. Nitko ne mogaše naučiti te pjesme doli one sto četrdeset i četiri tisuće - otkupljeni sa zemlje.
4Ndivo vasina kusvibiswa nevakadzi; nekuti imhandara. Ndivo avo vanotevera Gwayana kose kwarinoenda. Ndivo vakadzikinurwa kubva pakati pevanhu, zvibereko zvekutanga kuna Mwari nekuGwayana.
4Ti se ne okaljaše sa ženama, djevci su! Oni prate Jaganjca kamo god pođe. Otkupljeni su od ljudi kao prvine Bogu i Jaganjcu;
5Mumuromo mavo hamuna kuwanikwa kunyengera, nekuti havana chavangapomerwa pamberi pechigaro cheushe chaMwari.
5na ustima se njihovim laž ne nađe, neporočni su.
6Zvino ndakaona umwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, ane evhangeri yekusingaperi, kuti aiparidzire avo vanogara panyika, nekurudzi rwose, nedzinza, nerurimi, nevanhu.
6I vidjeh: drugi jedan anđeo leti posred neba s evanđeljem vječnim da ga proglasi svim pozemljarima, svakom narodu i plemenu i jeziku i puku.
7Achiti nenzwi guru: Ityai Mwari, mupe rumbidzo kwaari; nekuti nguva yekutonga kwake yasvika; uye namatai iye wakasika denga nenyika negungwa nezvitubu zvemvura.
7Viče iza glasa: "Bojte se Boga i dajte mu slavu jer dođe čas suda njegova! I poklonite se njemu koji stvori nebo i zemlju i more i izvore voda!"
8Zvino umwe mutumwa wakatevera achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, rakamwisa marudzi ose waini yekutsamwa koupombwe hwaro.
8Za njim eto drugog anđela koji govori: "Pade, pade Babilon, veliki koji vinom gnjeva i bluda svojega opi sve narode!"
9Zvino mutumwa wechitatu wakavatevera achiti nenzwi guru: Kana pane unonamata chikara nemufananidzo wacho, nekugamuchira mucherechedzo pahuma yake kana paruoko rwake.
9Za njima eto i trećeg anđela koji vikaše iza glasa: "Tko god se klanja Zvijeri i kipu njezinu te primi žig na čelo ili ruku,
10ndiye uchamwa waini yekutsamwa kwaMwari, yakadirwa isina kuvhenganiswa mumukombe wekutsamwa kwake; uye ucharwadziswa nemoto nesarufa pamberi pevatumwa vatsvene, nepamberi peGwayana.
10pit će vino gnjeva Božjega, nerazvodnjeno, natočeno već u čaši srdžbe njegove! I bit će udaren na muke u ognju i sumporu svetim anđelima naočigled i naočigled Jaganjcu.
11Zvino utsi hwokurwadziwa kwavo hwunokwira kusvikira rinhi narinhi; zvekare havana zororo masikati neusiku ivo vanonamata chikara nemufananidzo wacho, nani nani unogamuchira mucherechedzo wezita racho.
11Dim muke njihove suklja u vijeke vjekova. Ni danju ni noću nemaju počinka oni koji se klanjaju Zvijeri i kipu njezinu i tko god primi žig s imenom njezinim."
12Hekuno kutsungirira kwevatsvene, hevano vanochengeta mirairo yaMwari nerutendo rwaJesu.
12U tom je postojanost svetih - onih što čuvaju zapovijedi Božje i vjeru Isusovu.
13Zvino ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti kwandiri: Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakafa, vanofira muna Ishe kubva ikozvino. Hongu, ndizvo zvinotaura Mweya, kuti vazorore pakushingaira kwavo, nemabasa avo anovatevera.
13I začujem glas s neba: "Piši! Od sada blaženi mrtvi koji umiru u Gospodinu! Da, govori Duh, neka otpočinu od svojih trudova! Jer prate ih djela njihova!"
14Zvino ndakaona, tarira, gore jena, nepamusoro pegore pakagara wakaita seMwanakomana wemunhu, ane korona yendarama pamusoro wake, neparuoko rwake jeko rinopinza.
14I vidjeh: gle, bijel oblak, a na oblak sjede Netko kao Sin Čovječji; na glavi mu zlatan vijenac, u ruci oštar srp.
15Zvino umwe mutumwa wakabuda mutembere, achidanidzira nenzwi guru kuna iye wakange agere pamusoro pegore, achiti: Tumai jeko renyu mukohwe; nekuti nguva yekuti mukohwe yasvika, nekuti kukohwa kwenyika kwaibva.
15I drugi jedan anđeo iziđe iz hrama vičući iza glasa onomu što sjedi na oblaku: "Mahni srpom i žanji jer dođe čas žetvi, zrela je žetva zemaljska!"
16Ipapo wakange agere pamusoro pegore akakandira jeko rake panyika, nenyika ikakohwewa.
16I onaj što sjedi na oblaku baci srp na zemlju i zemlja bi požnjevena.
17Zvino umwe mutumwa wakabuda mutembere iri kudenga, iyewo ane jeko rinopinza.
17I drugi jedan anđeo iziđe iz hrama nebeskoga. I on imaše oštar srp.
18Neumwe mutumwa akabuda muaritari, wakange ane simba pamusoro pemoto, akadanidzira nenzwi guru kuna iye wakange ane jeko rinopinza, achiti: Tumai jeko renyu rinopinza, muunganidze masumbu emuzambiringa wenyika, nekuti mazambiringa awo aibva.
18I od žrtvenika iziđe drugi anđeo - onaj koji ima vlast nad ognjem - pa povika iza glasa onomu, s oštrim srpom: "Mahni oštrim srpom i poberi grozdove u vinogradu zemaljskom jer sazri grožđe!"
19Zvino mutumwa wakakandira jeko rake panyika, akaunganidza mazambiringa enyika, akakandira muchisviniro chewaini chikuru chekutsamwa kwaMwari.
19I anđeo baci srp na zemlju i obra vinograd zemaljski, a obrano baci u veliku kacu gnjeva Božjega.
20Asi chisvinuro chewaini chakatsikwa-tsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisviniro chewaini kusvikira rasvika pamatomu amabhiza, rikasvika mastadhia* churu mazana matanhatu.
20Gazila se kaca izvan grada te poteče krv iz kace konjima do uzda, tisuću i šest stotina stadija uokolo.