1Negore rechitatu rokubata ushe kwamambo Bheshazari, ini Dhanyeri ndakaratidzwa chiratidzo, shure kwechiya chandakaratidzwa pakutanga.
1 Yn y drydedd flwyddyn o deyrnasiad y Brenin Belsassar cefais i, Daniel, weledigaeth arall at yr un gyntaf a gefais.
2Ndikaona pane zvandakaratidzwa; zvino ndakati ndichitarira, ndakanga ndiri paShushanini, paimba yamambo, iri panyika yeErami; ndikaona pane zvandakaratidzwa, ndiri parwizi Urai.
2 Yr oeddwn yn y palas yn Susan yn nhalaith Elam, a gwelais yn y weledigaeth fy mod wrth yr afon Ulai.
3Ndikarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona gondobwe rimire pamberi porwizi, rine nyanga mbiri; nyanga dzakanga dzakareba, asi rumwe rwakanga rwakapfuura rumwe nokureba; rwakanga rwakareba ndirwo rwakabuda shure.
3 Edrychais i fyny a gwelais hwrdd yn sefyll ar lan yr afon. Yr oedd ganddo ddau gorn hir, gyda'r hiraf o'r ddau yn tyfu ar �l y llall.
4Ndikaona gondobwe richitunga kumativi amavirazuva, nokumusoro, nezasi, hakuna zvipfuwo zvaigona kuramba zvimire pamberi paro, uye kwakanga kusina aigona kurwira pasimba raro; asi rakaita parakada napo, rikazvikudza.
4 Gwelwn yr hwrdd yn cornio tua'r gorllewin, y gogledd a'r de, ac ni allai'r un anifail ei wrthsefyll na neb achub o'i afael. Yr oedd yn gwneud fel y mynnai, ac yn cyflawni gorchestion.
5Zvino ndakati ndichafunga izvozvo, ndikaona nhongo ichibva kumavirazuva ichifamba panyika pose, asi isingatsiki pasi; zvino nhongo yakanga ino runyanga rukuru pakati pameso ayo.
5 Fel yr oeddwn yn ystyried hyn gwelais fwch gafr a chanddo gorn enfawr rhwng ei lygaid; yr oedd yn dod o'r gorllewin ar draws yr holl wlad heb gyffwrdd �'r ddaear.
6Ikasvika pagondobwe, raiva nenyanga mbiri, randakaona rimire pamberi porwizi, ikamhanyira kwariri nehasha dzesimba rayo.
6 Daeth at yr hwrdd deugorn a welais yn sefyll ar lan yr afon, a rhuthro arno �'i holl nerth.
7Ndikaona ichiswedera pedo negondobwe, hasha dzayo dzikarimutsirwa, ikatunga gondobwe, ikavhuna nyanga dzaro mbiri; gondobwe rakanga risina simba kumira pamberi payo; asi yakariwisira pasi, pamusoro paro, hakuna akagona kurwira gondobwe pasimba rayo.
7 Gwelais ef yn nes�u'n ffyrnig at yr hwrdd, yn ei daro ac yn torri ei ddau gorn, ac am nad oedd yr hwrdd yn ddigon cryf i'w wrthsefyll, bwriodd ef i'r llawr a'i fathru; ac nid oedd neb i achub yr hwrdd o'i afael.
8Nhongo ikazvikudza zvikuru kwazvo ; zvino yakati yasimba, runyanga rukuru ndokuvhunika, nyanga huru ina dzikabuda panzvimbo yarwo, dzakatarira kumhepo ina dzokudenga.
8 Yna ymorchestodd y bwch gafr yn fwy byth, ond yn ei anterth torrwyd y corn mawr, a chododd pedwar corn amlwg yn ei le, yn wynebu tua phedwar gwynt y nefoedd.
9Zvino kuno rumwe rwadzo kwakabuda runyanga ruduku, rwakazokura kwazvo, kumativi ezasi, nokumavirazuva, nokunyika yakaisvonaka.
9 Ac allan o un ohonynt daeth corn bychan a dyfodd yn gryf tua'r de a'r dwyrain a'r wlad hyfryd.
10Rukakura kusvikira iko kuhondo dzokudenga, rukawisira pasi dzimwe hondo nenyeredzi, ndokutsika pamusoro pazvo.
10 Dyrchafodd hwn at lu'r nef, a thaflu rhai o'r llu ac o'r s�r i'r llawr a'u mathru.
11Rukazvikudza kusvikira kumuchinda wehondo; rukamutorera chipiriso chinopiswa nguva dzose, nzvimbo yeimba yake tsvene ikaputswa.
11 Ym-chwyddodd yn erbyn tywysog y llu, a diddymu'r offrwm dyddiol a difetha'i gysegr.
12Hondo ikamutswa kuzorwa nechipiriso chinopiswa nguva dzose nokuda kokudarika; rukawisira pasi chokwadi, rukafara pane zvose zvarwakaita.
12 Mewn pechod gosodwyd llu yn erbyn yr offrwm dyddiol, a thaflu gwirionedd i'r llawr. Felly y llwyddodd yn y cwbl a wnaeth.
13Ipapo ndakanzwa mutsvenezve akati kuna iye akanga achitaura, Ko izvo zvakaratidzwa zvichasvika rini, izvo zvechipiriso chinopiswa nokusingaperi nokudarika kunoparadza, kuti nzvimbo tsvene nehondo zviregwe zvichitsikwa netsoka?
13 Clywais un o'r rhai sanctaidd yn siarad, ac un arall yn dweud wrth yr un a siaradai, "Am ba hyd y pery'r weledigaeth o'r offrwm dyddiol, a'r pechod anrheithiol, a sarnu'r cysegr a'r llu?"
14Akati kwandiri, Kusvikira madekwana namangwanani ane zviuru zviviri namazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa.
14 Dywedodd wrtho, "Am ddwy fil tri chant o ddyddiau, hwyr a bore; yna fe adferir y cysegr."
15Zvino ini, iyeni Dhanyeri, ndakati ndaona zvandaratidzwa, ndikatsvaka kuzvinzwisisa, ndikaona mumwe akanga akanditarisa amire pamberi pangu.
15 Ac fel yr oeddwn i, Daniel, yn edrych ar y weledigaeth ac yn ceisio'i deall, gwelwn un tebyg i fod dynol yn sefyll o'm blaen,
16Ndikanzwa izwi romunhu richibva pakati pemahombekombe aUrai, richidana richiti, Gabhurieri, dudzira munhu uyu zvaakaratidzwa.
16 a chlywais lais dynol yn galw dros afon Ulai ac yn dweud, "Gabriel, esbonia'r weledigaeth."
17Ipapo akaswedera kwandakanga ndimire; zvino akati achisvika, ndikatya, ndokuwira pasi nechiso changu; asi akati kwandiri, Chinzwisisa, iwe Mwanakomana womunhu, nekuti zvawakaratidzwa ndezvenguva yokupedzisira.
17 Yna daeth Gabriel at y man lle'r oeddwn yn sefyll, a phan ddaeth, crynais mewn ofn a syrthio ar fy wyneb. Dywedodd wrthyf, "Deall, fab dyn, mai ag amser y diwedd y mae a wnelo'r weledigaeth."
18Zvino akati achitaura neni, ndikabatwa nehope kwazvo ndivete nechiso changu pasi; asi akandibata, akandimisa.
18 Wrth iddo siarad � mi, syrthiais ar fy hyd ar lawr mewn llewyg, ond cyffyrddodd ef � mi a'm gosod ar fy nhraed,
19Akati, Tarira, ndichakuzivisa zvichavapo panguva yokupedzisira yokutsamwa kwaJehovha, nekuti ndezvenguva yakatarwa yokupedzisira.
19 a dweud, "Yn wir rhof wybod iti beth a ddigwydd pan ddaw'r llid i ben, oherwydd y mae i'r diwedd ei amser penodedig.
20Gondobwe rawakaona, rakanga rine nyanga mbiri, ndiwo madzimambo avaMedhia navaPeresia.
20 Brenhinoedd Media a Persia yw'r hwrdd deugorn a welaist.
21Uye nhongo ine mvere ndiye mambo weGirisi; runyanga rukuru ruri pakati pameso ayo ndiye mambo wokutanga.
21 Brenin Groeg yw'r bwch blewog, a'r corn mawr rhwng ei lygaid yw'r brenin cyntaf.
22Kana ruri runyanga rwakavhunika, dzimwe ina dzakabuda panzvimbo yarwo, ushe huna huchabuda parudzi urwo, asi haungavi nesimba rarwo.
22 A'r un a dorrwyd, a phedwar yn codi yn ei le, dyma bedair brenhiniaeth yn codi o'r un genedl, ond heb feddu'r un nerth ag ef.
23Zvino panguva yokupedzisira youshe hwavo, kana vadariki vazadza chiyero chavo, mambo une chiso chine hasha, anoziva kuita namano akaipa, achamuka.
23 Ac ar ddiwedd eu teyrnasiad, pan fydd y troseddwyr yn eu hanterth, fe gyfyd brenin creulon a chyfrwys.
24Simba rake richava guru, asi hazvingaitwi nesimba rake chairo; achaparadza zvinoshamisa, asi achafara pane zvose zvaanoita; achaparadza vane simba navanhu vatsvene.
24 Bydd ei nerth yn fawr, ac fe wna niwed anhygoel; fe lwydda yn yr hyn a wna, ac fe ddinistria'r cedyrn a phobl y saint.
25Zvino noukiribidi hwake achafambisa nhema noruoko rwake; achazvikudza mumwoyo make, nokuparadza vazhinji vakafara havo. Achamukirawo muchinda wavachinda, asi uchaputswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.
25 Yn ei gyfrwystra fe wna i ddichell ffynnu; cynllunia orchestion yn ei galon, a heb rybudd fe ddinistria lawer. Heria dywysog y tywysogion, ond fe'i torrir i lawr heb gymorth llaw.
26Zvawakaratidzwa zvamadekwana nezvamangwanani, zvawakaudzwa, ndezvazvokwadi; asi iwe vanza zvawaona, nekuti ndezvamazuva mazhinji anozouya.
26 Y mae'r weledigaeth a roddwyd am yr hwyr a'r bore yn wir; ond cadw di'r weledigaeth dan s�l, am ei bod yn cyfeirio at y dyfodol pell."
27Ini Dhanyeri ndikapera simba, ndikarwara mazuva; ipapo ndikamuka, ndikabata mabasa amambo, ndikashamiswa nezvandakaratidzwa, asi kwakanga kusina munhu waizvinzwisisa.
27 Yr oeddwn i, Daniel, wedi diffygio, a b�m yn glaf am ddyddiau. Yna codais i wasanaethu'r brenin, wedi fy syfrdanu gan y weledigaeth a heb ei deall.