Shona

Welsh

Ezekiel

18

1Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
1 Daeth gair yr ARGLWYDD ataf a dweud,
2Ndokudiniko kana muchibata netsumo iyi panyika yaIsiraeri, muchiti, Madzibaba akadya mazambiringa anovava, meno avana ndokuhwadzira?
2 "Beth a olygwch wrth ddefnyddio'r ddihareb hon am wlad Israel: 'Y rhieni fu'n bwyta grawnwin surion, ond ar ddannedd y plant y mae dincod'?
3Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Hamungagoni kuzobata netsumo iyi pakati paIsiraeri.
3 Cyn wired �'m bod yn fyw," medd yr Arglwydd DDUW, "ni ddefnyddiwch eto'r ddihareb hon yn Israel.
4Tarirai, mweya yose ndeyangu; mweya wababa ndowangu, saizvozvo nomweya womwanakomanawo; mweya unotadza, uchafa.
4 I mi y perthyn pob enaid byw, y rhiant a'r plentyn fel ei gilydd; a'r sawl sy'n pechu fydd farw.
5Asi kana munhu achinge akarurama, achiita zvomurayiro nezvakarurama,
5 "Bwriwch fod dyn cyfiawn sy'n gwneud barn a chyfiawnder.
6asina kudya pamakomo, kana kutarira nameso ake kuzvifananidzo zveimba yavaIsiraeri, kana kuchinyira mukadzi wowokwake, kana kuswedera kumukadzi ari kumwedzi kwake,
6 Nid yw'n bwyta yn uchelfeydd y mynyddoedd, nac yn edrych ar eilunod tu375? Israel; nid yw'n halogi gwraig ei gymydog, nac yn mynd at wraig yn ystod ei misglwyf.
7asina kuitira vamwe zvakaipa, akadzosera rubatso rwake kuno wakatora chikwereti, asina kutora chinhu achipamba, akapa vane nzara zvokudya zvake, akafukidza akashama nenguvo;
7 Nid yw'n gorthrymu neb, ond y mae'n dychwelyd gwystl y dyledwr, ac nid yw'n lladrata; y mae'n rhoi bwyd i'r newynog a dillad am y noeth.
8asina kuita mhindu, kana kutora mhindu yemichero, akadzora ruoko rwake pazvakaipa, akaruramisa kwazvo pamhaka yomunhu nehama yake,
8 Nid yw'n rhoi ei arian ar log nac yn derbyn elw; y mae'n atal ei law rhag drygioni, ac yn gwneud barn gywir rhwng dynion a'i gilydd.
9akafamba nemitemo yangu, akachengeta zvandakarayira, kuti aite zvamazvokwadi; iye akarurama, zvirokwazvo achararama, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
9 Y mae'n dilyn fy neddfau ac yn cadw'n gywir fy marnau; y mae'n ddyn cyfiawn, a bydd yn sicr o fyw," medd yr Arglwydd DDUW.
10Kana iye akabereka mwanakomana riri gororo, kana muteuri weropa, kana anoita chimwe chezvinhu izvi,
10 "Bwriwch fod ganddo fab sy'n treisio ac yn tywallt gwaed, ac yn gwneud un o'r pethau hyn,
11asingaiti chinhu chimwe chaizvozvo zvakanaka, akadya pamakomo, akachinyira mukadzi wowokwake,
11 er na wnaeth ei dad yr un ohonynt. Y mae'n bwyta yn uchelfeydd y mynyddoedd, ac yn halogi gwraig ei gymydog;
12akaitira varombo navanoshayiwa zvakaipa, akatora achipamba, asina kudzosera rubatso, akatarira zvifananidzo nameso ake, akaita zvinonyangadza,
12 y mae'n gorthrymu'r tlawd a'r anghenus ac yn lladrata; nid yw'n dychwelyd gwystl y dyledwr; y mae'n edrych ar eilunod ac yn gwneud ffieidd-dra;
13akaita mhindu, kana kutora mhindu yemichero; ko iye achararama here? Haangararami. Akaita izvi zvose zvinonyangadza, zvirokwazvo achafa; ropa rake richava pamusoro pake.
13 y mae'n rhoi ei arian ar log ac yn derbyn elw. A fydd ef fyw? Na fydd! Am iddo wneud yr holl bethau ffiaidd hyn fe fydd yn sicr o farw, a bydd ei waed arno ef ei hun.
14Zvino, tarira, kana akabereka mwanakomana, anoona zvivi zvose zvababa vake, zvavakaita, akazviona hake, akasaita zvakadai;
14 "Bwriwch fod gan hwnnw fab sy'n gweld yr holl ddrygioni a wnaeth ei dad; ac wedi iddo weld, nid yw'n ymddwyn felly.
15asina kudya pamakomo, kana kutarira nameso ake zvifananidzo zveimba yavalsiraeri, kana kuchinyira mukadzi wowokwake,
15 Nid yw'n bwyta yn uchelfeydd y mynyddoedd, nac yn edrych ar eilunod tu375? Israel, nac yn halogi gwraig ei gymydog.
16asina kuitira vamwe zvakaipa, asina kutora chinhu achireva rubatso, asingapambi noupambi, asi akapa vane nzara zvokudya zvake, nokufukidza akashama nechokufuka;
16 Nid yw'n gorthrymu neb, nac yn gofyn gwystl gan ddyledwr, nac yn lladrata; y mae'n rhoi bwyd i'r newynog a dillad am y noeth.
17akadzora ruoko rwake pakuitira varombo zvakaipa, asina kutora mhindu kana mhindu yemichero, akaita zvandakarayira, nokufamba nemitemo yangu; iye haangafi nokuda kwezvakaipa zvababa vake, zvirokwazvo achararama.
17 Y mae'n atal ei law rhag drygioni, ac nid yw'n cymryd llog nac elw; y mae'n cadw fy marnau ac yn dilyn fy neddfau. Ni fydd ef farw am drosedd ei dad, ond bydd yn sicr o fyw.
18Kana vari baba vake, zvavakamanikidza zvikuru, nokupamba zvinhu zvomunin'ina wake, akaita zvisina kunaka pakati pavanhu vake, tarirai, iye achafa nokuda kwezvakaipa zvake.
18 Bydd ei dad farw o achos ei droseddau ei hun, am iddo elwa trwy drais, lladrata oddi ar berthynas, a gwneud yr hyn nad oedd yn iawn ymysg ei bobl.
19Asi imwi munoti, Mwanakomana anoregereiko kuva nemhosva yezvakaipa zvababa vake? Kana mwanakomana achinge aita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, akachengeta mitemo yangu yose, akaiita, zvirokwazvo achararama.
19 "Eto fe ofynnwch, 'Pam nad yw'r mab yn euog am drosedd y tad?' Am i'r mab wneud barn a chyfiawnder, a chadw fy holl ddeddfau ac ufuddhau iddynt, bydd yn sicr o fyw.
20Munhu anotadza, ndiye achafa; mwanakomana haangavi nemhosva yezvakaipa zvababa vake, nababa havangavi nemhosva yezvakaipa zvomwanakomana wavo; kururama kowakarurama kuchava pamusoro pake, nokuipa kowakaipa kuchava pamusoro pake.
20 Y sawl sy'n pechu a fydd farw. Ni fydd y mab yn euog am drosedd y tad, na'r tad am drosedd y mab; fe dderbyn y cyfiawn yn �l ei gyfiawnder, a'r drygionus yn �l ei ddrygioni.
21Asi kana akaipa akatendeuka pazvivi zvake zvose zvaakaita, akachengeta mitemo yangu yose, akaita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, zvirokwazvo achararama, haangafi.
21 "Os bydd y drygionus yn troi oddi wrth yr holl ddrygioni a wnaeth, yn cadw fy holl ddeddfau, ac yn gwneud barn a chyfiawnder, bydd yn sicr o fyw; ni fydd farw.
22Kudarika kwake kose kwaakaita hakungarangarirwi pamusoro pake; achararama nokuda kwezvakarurama zvaakaita.
22 Ni chofir yn ei erbyn yr un o'i droseddau, ond oherwydd y cyfiawnder a wnaeth bydd fyw.
23Ko ini ndingatongofarira rufu rwowakaipa here? Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; Handizinofarira kudzoka kwake panzira yake, ararame here?
23 A wyf yn ymhyfrydu ym marw'r drygionus?" medd yr Arglwydd DDUW. "Onid gwell gennyf iddo droi o'i ffyrdd a byw?
24Asi kana akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, akaita zvinonyangadza zvose zvinoitwa nomunhu akaipa, ko angararama here? Mabasa ake akarurama aakaita haangatongorangarirwi; nokuda kokudarika kwake, kwaakadarika nako, nezvivi zvake zvaakaita, achafa nokuda kwazvo.
24 Ond os bydd dyn cyfiawn yn troi o'i gyfiawnder, ac yn gwneud drygioni a'r holl bethau ffiaidd y mae'r dyn drygionus yn eu gwneud, a fydd ef fyw? Ni chofir yr un o'r pethau cyfiawn a wnaeth, ond am iddo fod yn anffyddlon a chyflawni pechodau, bydd farw.
25Asi imwi munoti, Nzira yaIshe haina kuti tsurumete. Zvino chinzwai, imwi mhuri yavaIsiraeri, nzira yangu haina kuti tsurumete here? Ko nzira dzenyu hadzizi idzo dzisina kuti tsurumete here?
25 "Eto fe ddywedwch, 'Nid yw ffordd yr Arglwydd yn gyfiawn.' Clywch hyn, du375? Israel: A yw fy ffordd i yn anghyfiawn? Onid eich ffyrdd chwi sy'n anghyfiawn?
26Kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, akafa nokuda kwazvo; achafa nokuda kwezvakaipa zvaakaita.
26 Os bydd dyn cyfiawn yn troi o'i gyfiawnder ac yn gwneud drygioni, bydd farw o'i achos; am y drygioni a wnaeth bydd farw.
27Uyezve, kana munhu akaipa akatsauka pazvakaipa zvake zvaakaita, akazoita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, achaponesa upenyu hwake.
27 Ond os bydd dyn drwg yn troi o'r drygioni a wnaeth ac yn gwneud barn a chyfiawnder, bydd yn arbed ei fywyd.
28Zvaakarangarira, akatsauka pakudarika kwake kose kwaakaita, zvirokwazvo achararama, haangafi.
28 Am iddo weld, a throi oddi wrth yr holl droseddau y bu'n eu gwneud, bydd yn sicr o fyw; ni fydd farw.
29Kunyange zvakadaro, vaIsiraeri vanoti, Nzira yaIshe haina kururama. Nhai, mhuri yavaIsiraeri, nzira dzangu hadzina kururama here? Hadzizi nzira dzenyu dzisakarurama here?
29 Ac eto fe ddywed tu375? Israel, 'Nid yw ffordd yr Arglwydd yn gyfiawn.' A yw fy ffyrdd i yn anghywir, du375? Israel? Onid eich ffyrdd chwi sy'n anghywir?
30Naizvozvo ndichakutongai, imwi mhuri yavaIsiraeri, mumwe nomumwe zvakafanira nzira dzake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Dzokai, mutendeuke pakudarika kwenyu kose; kuti chirege kuva chigumbuso chezvakaipa kwamuri.
30 "Felly, du375? Israel, fe'ch barnaf bob un am ei ffordd ei hun," medd yr Arglwydd DDUW. "Edifarhewch, a throwch oddi wrth eich holl wrthryfel, fel na fydd drygioni yn dramgwydd i chwi.
31Rashai kure nemwi kudarika kwenyu kose, kwamakadarika nako, muzviitire moyo mitsva nemweya mitsva; nekuti muchafireiko, imwi mhuri yavaIsiraeri?
31 Bwriwch ymaith yr holl droseddau a wnaethoch, a mynnwch galon newydd ac ysbryd newydd; pam y byddwch farw, du375? Israel?
32nekuti handifariri rufu rwounofa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; naizvozvo tendeukai, murarame.
32 Nid wyf yn ymhyfrydu ym marwolaeth neb," medd yr Arglwydd DDUW; "edifarhewch a byddwch fyw."