1Ipapo akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, chidya chaunowana; chidya rugwaro urwu rwakapetwa uende, undotaura neimba yaIsiraeri.
1 Yna dywedodd wrthyf, "Fab dyn, bwyta'r hyn sydd o'th flaen; bwyta'r sgr�l hon, a dos a llefara wrth du375? Israel."
2Ipapo ndakashamisa muromo wangu, iye akandidyisa rugwaro rwakapetwa.
2 Agorais fy ngheg, a rhoddodd imi'r sgr�l i'w bwyta,
3Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, dyisa dumbu rako, ugutise vura bwako norugwaro rwakapetwa urwu rwandinokupa. Ipapo ndikarudya, rukava mumukamwa wangu sohuchi nokuzipa.
3 a dweud wrthyf, "Fab dyn, bwyda dy hun a llanw dy fol �'r sgr�l hon yr wyf yn ei rhoi iti." Bwyteais, ac yr oedd cyn felysed � m�l yn fy ngenau.
4Zvino akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, famba uende kuimba yaIsiraeri, utaure kwavari mashoko angu.
4 Dywedodd wrthyf, "Fab dyn, dos yn awr at du375? Israel a llefara fy ngeiriau wrthynt.
5nekuti hautumwi kurudzi runo mutauriro usingazikamwi norurimi rwakaoma, asi kuimba yaIsiraeri;
5 Nid at bobl ddieithr eu hiaith ac anodd eu lleferydd y'th anfonir, ond at du375? Israel.
6hautumwi kumarudzi mazhinji anomutauriro usingazikamwi norurimi rwakaoma, vausingagoni kunzwisisa mashoko avo. Zvirokwazvo, dai ndaikutuma kwavari vangadai vaikunzwa.
6 Na, nid at lawer o bobl ddieithr eu hiaith ac anodd eu lleferydd, a thithau heb ddeall eu geiriau; yn wir, pe bawn wedi dy anfon atynt hwy, byddent yn gwrando arnat.
7Asi imba yaIsiraeri icharamba kukunzwa, nekuti havadi kundinzwa ini, nekuti imba yose yaIsiraeri vane huma dzakaoma, nomoyo mikukutu.
7 Ond nid yw tu375? Israel yn fodlon gwrando arnat, am nad ydynt yn fodlon gwrando arnaf fi, oherwydd y mae tu375? Israel i gyd yn wynebgaled ac yn ystyfnig.
8Tarira, ndinoomesa chiso chako sezvakaita zviso zvavo, nehuma yako sezvakaita huma dzavo.
8 Yn awr, fe'th wnaf mor wynebgaled ac ystyfnig � hwythau.
9Ndakaomesa huma yako sedhaimani rinokunda musarasara; usavatya, usavhunduswa nezviso zvavo, nekuti ivo iimba inondimukira simba.
9 Gwnaf dy dalcen fel diemwnt, yn galetach na challestr; paid �'u hofni nac arswydo rhag eu hwynebau, oherwydd tylwyth gwrthryfelgar ydynt."
10Akatiwo kwandiri, Mwanakomana womunhu, mashoko angu ose andichataura kwauri, uagamuchire mumoyo mako, uanzwe nenzeve dzako.
10 Yna dywedodd wrthyf, "Fab dyn, gwrando ar yr holl eiriau yr wyf yn eu llefaru wrthyt, a derbyn hwy i'th galon.
11Famba uende kuna vari mukutapwa, kuvana vavanhu vako, utaure navo uvaudze uti, Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kana vachida kunzwa, kana vasingadi.
11 Dos yn awr at dy bobl sydd yn y gaethglud, a llefara wrthynt a dweud, 'Fel hyn y dywed yr Arglwydd DDUW', prun bynnag a wrandawant ai peidio."
12Ipapo Mweya wakandisimudza, ndikanzwa shure kwangu mubvumo wokuunga kukuru, zvichiti, Kubwinya kwaJehovha ngakurumbidzwe panzvimbo yake.
12 Cododd yr ysbryd fi, a chlywais o'r tu �l imi su373?n tymestl fawr: "Bendigedig yw gogoniant yr ARGLWYDD yn ei le."
13Ndikanzwa mubvumo wamapapiro ezvipenyu, achigunzvana, nomubvumo wamakumbo engoro kumativi azvo, uri mubvumo wokuunga kukuru.
13 Clywais su373?n adenydd y creaduriaid yn cyffwrdd �'i gilydd, a su373?n yr olwynion wrth eu hochr, a sain tymestl fawr.
14Ipapo Mweya wakandisimudza, ndokundibvisapo; ndikaenda ndine shungu, mweya wangu wakatsamwa; ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu nesimba.
14 Cododd yr ysbryd fi a'm cario ymaith; ac yr oeddwn yn mynd yn chwerw yng ngwres fy ysbryd, a llaw yr ARGLWYDD yn drwm arnaf.
15Zvino ndakasvika kuna vaiva mukutapwa paTeriabhibhi, vakanga vagere parwizi rwaKebhari, ipapo pavakanga vagere; ini ndikagarapo pakati pavo mazuva manomwe ndichishayiwa mashoko.
15 Deuthum i Tel-abib at y caethgludion oedd wedi ymsefydlu wrth afon Chebar, ac aros lle'r oeddent hwy yn byw; arhosais yno yn eu mysg wedi fy syfrdanu am saith diwrnod.
16Zvino mazuva manomwe akati apera, shoko raJehovha rikasvika kwandiri richiti,
16 Ar ddiwedd y saith diwrnod daeth gair yr ARGLWYDD ataf a dweud:
17Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharire yeimba yaIsiraeri; naizvozvo chinzwa shoko rinobva mumuromo mangu, uvanyevere panzvimbo yangu.
17 "Fab dyn, gosodais di yn wyliwr i du375? Israel; byddi'n clywed gair o'm genau ac yn rhoi rhybudd iddynt oddi wrthyf.
18Kana ini ndikati kuno wakaipa, Zvirokwazvo uchafa, iwe ukasamunyevera, kana kutaura zvinonyevera wakaipa panzira yake yakaipa, kuti aponese upenyu hwake, munhu uyu wakaipa achafira muzvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.
18 Os dywedaf wrth y drygionus, 'Byddi'n sicr o farw', a thithau heb ei rybuddio a heb lefaru wrtho i'w droi o'i ffordd ddrygionus er mwyn iddo fyw, bydd y drygionus hwnnw farw am ei gamwedd, ond byddaf yn dy ddal di yn gyfrifol am ei waed.
19Asi kana iwe ukanyevera akaipa, akasatendeuka pazvakaipa zvake, kana panzira yake yakaipa, iye achafira muzvakaipa zvake, asi iwe waponesa hako mweya wako.
19 Ond os byddi wedi rhybuddio'r drygionus, ac yntau heb droi oddi wrth ei ddrygioni ac o'i ffordd ddrygionus, bydd yn marw am ei gamwedd, ond byddi di wedi dy arbed dy hunan.
20Uyezve, kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, achafa; zvausina kumunyevera, achafira muzvivi zvake; zvakarurama zvaakaita hazvingarangarirwi, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.
20 Os bydd un cyfiawn yn troi oddi wrth gyfiawnder ac yn gwneud drwg, a minnau wedi rhoi rhwystr o'i flaen, bydd farw; am na rybuddiaist ef, bydd farw am ei gamwedd, ac ni chofir y pethau cyfiawn a wnaeth; ond byddaf yn dy ddal di yn gyfrifol am ei waed.
21Asi kana ukanyevera munhu wakarurama, kuti wakarurama arege kutadza, iye akasatadza, zvirokwazvo achararama, nekuti wakateerera kunyeverwa, newe waponesa mweya wako.
21 Ond os byddi wedi rhybuddio'r cyfiawn rhag pechu, ac yntau'n peidio � phechu, yn sicr fe gaiff fyw am iddo gymryd ei rybuddio, a byddi dithau wedi dy arbed dy hunan."
22Ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu ipapo, akati kwandiri, Simuka, uende kubani, ndichataura newe ipapo.
22 Daeth llaw yr ARGLWYDD arnaf yno, a dywedodd wrthyf, "Cod a dos i'r gwastadedd, ac fe lefaraf wrthyt yno."
23Zvino ndakasimuka, ndikaenda kubani, ndikaona kubwinya kwaJehovha kumirepo, kwakafanana nokubwinya kwandakaona parwizi rwaKebhari; ndikawira pasi nechiso changu.
23 Codais a mynd i'r gwastadedd, ac yr oedd gogoniant yr ARGLWYDD yn sefyll yno, yn union fel y gogoniant a welais wrth afon Chebar, a syrthiais ar fy wyneb.
24Ipapo Mweya wakapinda mandiri, ukandimisa namakumbo angu, ukataura neni, ukati kwandiri, Enda, undozvipfigira mumba mako.
24 Yna daeth yr ysbryd arnaf a'm codi ar fy nhraed, a llefarodd wrthyf gan ddweud, "Dos a chau arnat dy hun yn dy du375?.
25Asi iwe, Mwanakomana womunhu, tarira, vachauya nezvisungo kwauri, vachakusunga nazvo, kuti urege kubudira pakati pavo;
25 Fe roddir rhwymau amdanat ti, fab dyn, a'th glymu � hwy fel na elli fynd allan ymysg dy bobl.
26ini ndichanamatirisa rurimi rwako mumukamwa wako, kuti uve mbeveve, urege kuva murayiri wavo; nekuti ivo iimba inondimukira simba.
26 Gwnaf i'th dafod lynu wrth daflod dy enau, a byddi'n fud, fel na elli eu ceryddu, oherwydd tylwyth gwrthryfelgar ydynt.
27Asi kana ndichitaura newe, ndichashamisa muromo wako, iwe ugoti kwavari, Zvanzi nalshe Jehovha, anonzwa ngaanzwe, anoramba, ngaarambe; nekuti ivo iimba inondimukira simba.
27 Ond pan lefaraf fi wrthyt, fe agoraf dy enau, ac fe ddywedi wrthynt, 'Fel hyn y dywed yr Arglwydd DDUW.' Bydded i'r sawl sy'n gwrando arnat wrando, ac i'r sawl sy'n gwrthod wrthod; oherwydd tylwyth gwrthryfelgar ydynt.