Shona

Welsh

Ezekiel

32

1Zvino negore regumi namaviri, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
1 Ar y dydd cyntaf o'r deuddegfed mis yn y ddeuddegfed flwyddyn, daeth gair yr ARGLWYDD ataf a dweud;
2Mwanakomana womunhu, itira Farao mambo weEgipita mariro, uti kwaari, Iwe wakange wakafananidzwa neshumba duku pakati pamarudzi; asi uri shato huru mumakungwa; wakadhuka munzizi dzako, ukabvongodza mvura netsoka dzako, nokusvibisa nzizi dzavo.
2 "Fab dyn, cod alarnad am Pharo brenin yr Aifft, a dywed wrtho, 'Yr wyt fel llew ymysg y cenhedloedd. Yr wyt fel draig yn y moroedd, yn ymdroelli yn d'afonydd, yn corddi du373?r �'th draed, ac yn maeddu ei ffrydiau.
3Zvanzi naIshe Jehovha, Ndichakanda mumbure wangu pamusoro pako neboka ravanhu vazhinji, ivo vachakubata nomumbure wangu.
3 "'Fel hyn y dywed yr Arglwydd DDUW: � thyrfa fawr o bobl fe daflaf fy rhwyd drosot, ac fe'th godant i fyny ynddi.
4Ndichakusiya panyika, ndichakurasira kusango pakachena, ndichamharisa shiri dzose dzokudenga pamusoro pako, ndichagutisa zvikara zvenyika dzose newe.
4 Fe'th luchiaf ar y ddaear, a'th daflu ar y maes agored, a gwneud i holl adar y nefoedd ddisgyn arnat, a diwallu'r holl anifeiliaid gwylltion ohonot.
5Ndichayanika nyama yako pamusoro pamakomo, nokuzadza mipata nokukwirira kwako.
5 Gwasgaraf dy gnawd ar y mynyddoedd, a llenwi'r dyffrynnoedd �'th weddillion.
6Ndichadiridzawo nyika neropa rako rinoerera richibva kwauri, kusvikira kumakomo; hova dzichazadzwa newe.
6 Mwydaf y ddaear hyd at y mynyddoedd �'r gwaed fydd yn llifo ohonot, a bydd y cilfachau yn llawn ohono.
7Kana ndichikudzima, ndichafukidza denga, nokudzima nyeredzi dzaro; ndichafukidza zuva negore, nomwedzi haungabudisi chiedza chawo.
7 Pan ddiffoddaf di, gorchuddiaf y nefoedd a thywyllu ei s�r; cuddiaf yr haul � chwmwl, ac ni rydd y lloer ei goleuni.
8Zviedza zvose zvedenga, zvinopenya, ndichazvidzima pamusoro pako, ndichiisa rima panyika yako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
8 Tywyllaf holl oleuadau disglair y nefoedd uwch dy ben, ac fe'i gwnaf yn dywyll dros dy dir,' medd yr Arglwydd DDUW.
9Ndichavodzawo moyo yamarudzi mazhinji avanhu, kana ndichisvitsa kuparadzwa kwako pakati pamarudzi, nokunyika dzawakanga usingazivi iwe.
9 "'Gofidiaf galon llawer o bobl pan af � thi i gaethglud ymysg y cenhedloedd, i wledydd nad wyt yn eu hadnabod.
10Zvirokwazvo, ndichashamisa marudzi mazhinji avanhu pamusoro pako, madzimambo avo achamira vhudzi kwazvo, kana ndichitambisa munondo wangu pamberi pavo; vachadedera nguva dzose, mumwe nomumwe achadedera nokuda koupenyu hwake, nezuva rokuparadzwa kwako.
10 Gwnaf i lawer o bobl frawychu o'th achos, a bydd eu brenhinoedd yn crynu mewn braw o'th blegid pan ysgydwaf fy nghleddyf o'u blaenau; byddant yn ofni am eu heinioes bob munud ar ddydd dy gwymp.
11nekuti zvanzi naIshe Jehovha, Munondo wamambo waBhabhironi uchauya pamusoro pako.
11 Fel hyn y dywed yr Arglwydd DDUW: Daw cleddyf brenin Babilon yn dy erbyn.
12Ndicharayira minondo yavanesimba kuparadza vanhu vako vazhinji; ivo vose ndivo vanotyisa pakati pamarudzi, vachaparadza kuzvikudza kweEgipita, navanhu vayo vazhinji vachaparadzwa.
12 Gwnaf i'th finteioedd syrthio trwy gleddyfau'r rhai cryfion, y greulonaf o'r holl genhedloedd. Dymchwelant falchder yr Aifft, ac fe ddifethir ei holl finteioedd.
13Ndichaparadzawo zvipfuwo zvayo zvose zviri kunhivi dzemvura zhinji, hakungazovi norutsoka rwomunhu ruchabvongodza, kana mahwanda ezvipfuwo angazoibvongodza.
13 Dinistriaf ei holl wartheg o ymyl y dyfroedd; ni fydd traed dynol yn eu corddi mwyach, na charnau anifeiliaid yn eu maeddu.
14Ipapo ndichanyudza mvura yavo, nokuyeredza nzizi dzavo samafuta, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
14 Yna gwnaf eu dyfroedd yn groyw, a bydd eu hafonydd yn llifo fel olew,' medd yr Arglwydd DDUW.
15Zvino nenguva yandichaita nyika yeEgipita dongo rakaparadzwa, nyika yakatorerwa zvayakanga izere nazvo, nenguva yandicharova vose vageremo, nenguva iyo vachaziva kuti ndini Jehovha.
15 'Pan wnaf wlad yr Aifft yn anrhaith, a dinoethi'r wlad o'r hyn sydd ynddi; pan drawaf i lawr bawb sy'n byw ynddi, yna byddant yn gwybod mai myfi yw'r ARGLWYDD.
16Awa ndiwo mariro avachachema nawo; vakunda vamarudzi vachachema nawo; vachachema nawo pamusoro peEgipita navanhu vose vayo vazhinji, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
16 Dyma'r alarnad a lafargenir amdani; merched y cenhedloedd fydd yn ei chanu, ac am yr Aifft a'i holl finteioedd y canant hi,' medd yr Arglwydd DDUW."
17Zvino negore regumi namaviri, nezuva regumi namashanu rwomwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
17 Ar y pymthegfed dydd o'r mis cyntaf yn y ddeuddegfed flwyddyn, daeth gair yr ARGLWYDD ataf a dweud,
18Mwanakomana womunhu, ungudza pamusoro pavanhu vazhinji veEgipita, uvawisire pasi, iyo nyika navakunda vamarudzi ane mbiri, kusvikira kunzvimbo dziri pasi penyika, pamwechete navanoburukira kugomba.
18 "Fab dyn, galara am finteioedd yr Aifft, a bwrw hi i lawr, hi a merched y cenhedloedd cryfion, i'r tir isod gyda'r rhai sy'n disgyn i'r pwll.
19Unopfuura aniko pakunaka? Buruka, ugondoradzikwa kuna vasina kudzingiswa.
19 'A gei di ffafr rhagor nag eraill? Dos i lawr, a gorwedd gyda'r dienwaededig.
20Vachawa pakati pavakaurawa nomunondo; Egipita yakatemerwa munondo, chiikweverai pasi, iyo navanhu vayo vazhinji.
20 Syrthiant gyda'r rhai a leddir �'r cleddyf; tynnwyd y cleddyf, llusgir hi a'i minteioedd ymaith.
21Vane simba pakati pemhare vachataura naye navanomubatsira, vari pakati peSheori; vaburukirako, vavete vanyerere, ivo vasina kudzingiswa, vaurawa nomunondo.
21 O ganol Sheol fe ddywed y cryfion amdani hi a'i chynorthwywyr, "Daethant i lawr a gorwedd gyda'r dienwaededig a laddwyd �'r cleddyf."
22Ashuri riripo neboka raro rose; marinda aro akarikomberedza, vose vakaurawa, vakawiswa pasi nomunondo.
22 Y mae Asyria a'i holl luoedd yno, ac o'i hamgylch feddau'r lladdedigion, yr holl rai a laddwyd �'r cleddyf.
23marinda aro akaiswa kumicheto yegomba, boka raro rakakomberedza rinda raro; vose vakaurawa, vakawiswa pasi nomunondo, ivo vaityisa munyika yavapenyu.
23 Y mae eu beddau yn nyfnder y pwll, ac y mae ei holl lu o amgylch ei bedd; y mae'r holl rai a fu'n achosi braw yn nhir y byw wedi syrthio trwy'r cleddyf.
24Eramu riripo navanhu varo vazhinji vose vakakomberedza rinda raro, vose vakaurawa, vakawiswa pasi nomunondo, ivo vakaburukira kunzvimbo dzapasi dzenyika vasina kudzingiswa, ivo vaityisa munyika yavapenyu, vakava nemhosva yezvinonyadzisa zvavo, pamwechete navanoburukira kugomba.
24 Y mae Elam a'i holl luoedd o amgylch ei bedd, i gyd wedi eu lladd a syrthio trwy'r cleddyf; y mae'r holl rai a fu'n achosi braw yn nhir y byw i lawr yn y tir isod gyda'r dienwaededig, ac yn dwyn eu gwarth gyda'r rhai sy'n disgyn i'r pwll.
25Rakaisirwa nhovo pakati pavakaurawa pamwechete navanhu varo vazhinji vose, marinda aro akarikomberedza; vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo; nekuti vaityisa munyika yavapenyu, vakava nemhosva yezvinonyadzisa zvavo, pamwechete navanoburukira kugomba, rakaiswa pakati pavakaurawa.
25 Gwnaed gwely iddi ymysg y lladdedigion, gyda'i holl luoedd o amgylch ei bedd; y maent i gyd yn ddienwaededig, wedi eu lladd �'r cleddyf. Am iddynt achosi braw yn nhir y byw, y maent yn dwyn eu gwarth gyda'r rhai sy'n disgyn i'r pwll, ac yn gorwedd ymysg y lladdedigion.
26Mesheki neTubhari aripo navanhu vavo vose vazhinji; marinda awo akakomberedza; vose havana kudzingiswa, vakaurawa nomunondo, nekuti vaityisa munyika yavapenyu.
26 Y mae Mesach a Tubal yno, a'u holl luoedd o amgylch eu beddau, y maent i gyd yn ddienwaededig, wedi eu lladd �'r cleddyf, am iddynt achosi braw yn nhir y byw.
27Havangavati pakati pemhare dzakaurawa dzavasina kudzingiswa, vakaburukira kuSheori vane nhumbi dzavo dzokurwa, vakaisa minondo yavo pasi pemisoro yavo, zvakaipa zvavo zviri pamusoro pamafupa avo; nekuti vaityisa mhare munyika yavapenyu.
27 Onid ydynt yn gorwedd gyda'r rhyfelwyr a syrthiodd yn ddienwaededig, a mynd i lawr i Sheol gyda'u harfau rhyfel, a rhoi eu harfau dan eu pennau? Daeth cosb eu troseddau ar eu hesgyrn, oherwydd bod braw ar y cryfion hyn trwy dir y byw.
28Asi iwe uchaputswa pakati pavasina kudzingiswa, uchavata pakati pavakaurayiwa nomunondo.
28 Byddi dithau hefyd ymysg y dienwaededig, wedi dy ddryllio ac yn gorwedd gyda'r rhai a laddwyd �'r cleddyf.
29Edhomu riripo, namadzimambo aro namachinda aro ose, akaradzikwa pakati pavakaurayiwa nomunondo, kunyange aiva nesimba; vachavata pakati pavasina kudzingiswa, uye pamwechete navanoburukira kugomba.
29 Y mae Edom gyda'i brenhinoedd a'i holl dywysogion yno; er eu grym y maent gyda'r rhai a laddwyd �'r cleddyf, yn gorwedd gyda'r dienwaededig, gyda'r rhai sy'n disgyn i'r pwll.
30Machinda okurutivi rwokumusoro aripo, iwo ose, navaSidhoni vose vakaburukira pasi pamwechete navakaurayiwa; vakanyadziswa nokuda kokutyisa kwakabva pasimba ravo, vavete, vasina kudzingiswa, pamwechete navakaurawa nomunondo, vane mhosva yezvinonyadzisa zvavo pamwechete navanoburukira kugomba.
30 Y mae holl dywysogion y gogledd a'r holl Sidoniaid yno; aethant i lawr mewn gwarth gyda'r lladdedigion, er gwaetha'r braw a achosodd eu cryfder; y maent yn gorwedd yn ddienwaededig gyda'r rhai a laddwyd �'r cleddyf, ac yn dwyn eu gwarth gyda'r rhai sy'n disgyn i'r pwll.
31Farao achavaona, ndokunyaradzwa pamusoro pavanhu vake vose vazhinji, iye Farao nehondo yake yose, yakaurayiwa nomunondo , ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
31 Pan fydd Pharo yn eu gweld bydd yn ymgysuro am ei holl finteioedd � Pharo a'i holl lu, a laddwyd �'r cleddyf,' medd yr Arglwydd DDUW.
32nekuti ndakaisa kutyisa kwake panyika yavapenyu; iye acharadzikwa pakati pavasina kudzingiswa, pakati pavakaurayiwa nomunondo, iye Farao navanhu vake vose vazhinji, Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
32 'Oherwydd achosodd fraw trwy holl dir y byw, ac fe'i rhoir i orwedd, ef a'i holl finteioedd, ymysg y dienwaededig a laddwyd �'r cleddyf,' medd yr Arglwydd DDUW."