1Zvino akandibudisira kuruvanze rwokunze, nenzira inoenda kurutivi rwokumusoro; akandiisa mukamuri rakatarisana nenzvimbo yaiva yoga, yakanga yakatarisana neimba kurutivi rwokumusoro.
1 Yna aeth y dyn � mi allan tua'r gogledd i'r cyntedd nesaf allan, ac arweiniodd fi i'r ystafelloedd oedd gyferbyn � chwrt y deml a'r adeilad tua'r gogledd.
2Pamberi porutivi rwakareba, rwakasvika mamita ane zana, kwakanga kuno mukova worutivi rwokumusoro, uye upamhi hwakaita mamita makumi mashanu.
2 Hyd yr adeilad �'i ddrws tua'r gogledd oedd can cufydd, a'i led yn hanner can cufydd.
3Pakatarisana nemamita makumi maviri eruvanze rwomukati, uye pakatarisana neguva rakarongwa roruvanze rwokunze, kwakanga kuna maberere akatarisana, akaturikidzwa ari matatu.
3 Yn yr ugain cufydd oedd yn perthyn i'r cyntedd nesaf i mewn, a chyferbyn � phalmant y cyntedd nesaf allan, yr oedd orielau yn wynebu ei gilydd ar dri llawr.
4Pamberi pamakamuri pakanga pane nzvimbo yokufamba ichipinda mukati yakaita mamita ane zana; mikova yazvo yakanga yakatarira kurutivi rwokumusoro.
4 O flaen yr ystafelloedd yr oedd llwybr caeedig, deg cufydd o led a chan cufydd o hyd. Yr oedd eu drysau tua'r gogledd.
5Asi makamuri okumusoro akanga ari maduku kuna mamwe, nekuti maberere akanga achiatapudzira, kupfuura apasi naapakati mukati meimba.
5 Yr oedd yr ystafelloedd uchaf yn gulach, gan fod yr orielau yn tynnu mwy oddi arnynt hwy nag oddi ar yr ystafelloedd ar loriau isaf a chanol yr adeilad.
6nekuti akanga akaturikidzwa, ari matatu, asine mbiru dzakaita sembiru dzamavanze; naizvozvo okumusoro akanga akamanikana kupfuura apasi naapakati zvichibva pasi.
6 Nid oedd colofnau i ystafelloedd y trydydd llawr, fel yn y cynteddau, ac felly yr oedd eu lloriau'n llai na rhai'r lloriau isaf a chanol.
7Rusvingo rwakanga ruri kunze kurutivi rwamakamuri kuruvanze rwokunze pamberi pamakamuri, rwakasvika mamita makumi mashanu pakureba.
7 Yr oedd y mur y tu allan yn gyfochrog �'r ystafelloedd, a chyferbyn � hwy, ac yn ymestyn i gyfeiriad y cyntedd nesaf allan; yr oedd yn hanner can cufydd o hyd.
8nekuti kureba kwamakamuri akanga ari muruvanze rwokunze kwakasvika mamita makumi mashanu, asi tarira, pamberi petemberi akaita mamita ane zana.
8 Yr oedd y rhes ystafelloedd ar yr ochr nesaf at y cyntedd allanol yn hanner can cufydd o hyd, a'r rhai ar yr ochr nesaf i'r cysegr yn gan cufydd.
9Pasi pamakamuri awa ndipo pakanga pane mukova wokurutivi rwamabvazuva, kana munhu achipinda kwaari achibva kuruvanze rwokunze.
9 Islaw'r ystafelloedd hyn yr oedd mynediad o du'r dwyrain, fel y deuir atynt o'r cyntedd nesaf allan,
10Mukati moupamhi hworusvingo rworuvanze kurutivi rwamabvazuva, pamberi penzvimbo yaiva yoga, napamberi peimba, pakanga pana makamuri.
10 lle mae'r mur allanol yn cychwyn. Tua'r de, gyferbyn �'r cwrt a chyferbyn �'r adeilad, yr oedd ystafelloedd,
11Nzira yakanga iri pamberi pawo yakanga yakafanana nenzira yamakamuri okurutivi rwokumusoro; sezvakanga zvakaita kureba kwawo, ndizvo zvakanga zvakaita upamhi hwawo; pokubuda pawo pose pakanga pakafanana nokurongerwa kwawo nemikova yawo.
11 gyda rhodfa o'u blaen. Yr oeddent yn debyg i ystafelloedd y gogledd; yr un oedd eu hyd a'u lled, a hefyd eu mynedfeydd a'u cynllun. Yr oedd drysau'r ystafelloedd yn y gogledd
12Sezvakanga zvakaita mikova yamakamuri akanga ari kurutivi rwezasi, saizvozvo kwakanga kuno mukova pakuguma kwenzira, iyo nzira yemabvazuva yakaruramira pamberi porusvingo kurutivi rwamabvazuva, kana munhu achipinda mukati mawo.
12 yn debyg i ddrysau'r ystafelloedd yn y de. Ar ben y llwybr, yr oedd drws yn y mur mewnol i gyfeiriad y dwyrain, er mwyn dod i mewn.
13Zvino akati kwandiri, Makamuri okurutivi rwokumusoro namakamuri okurutivi rwezasi, ari pamberi penzvimbo iyo yoga, ndiwo makamuri matsvene, panofanira kudyiwa zvinhu zvitsvene-tsvene navapristi vari pedo naJehovha; ndipo pavachafanira kuisa zvinhu zvitsvene-tsvene, nezvipiriso zvoupfu, nezvipiriso zvezvivi, nezvipiriso zvemhosva; nekuti inzvimbo tvsene.
13 Yna dywedodd wrthyf, "Y mae ystafelloedd y gogledd ac ystafelloedd y de, sy'n wynebu'r cwrt, yn ystafelloedd cysegredig, lle bydd yr offeiriaid sy'n dynesu at yr ARGLWYDD yn bwyta'r offrymau sancteiddiaf; yno y byddant yn rhoi'r offrymau sancteiddiaf, y bwydoffrwm, yr aberth dros bechod a'r aberth dros gamwedd, oherwydd lle cysegredig ydyw.
14Kana vapristi vapinda, havafaniri kuzobuda panzvimbo tsvene vachienda kuruvanze rwokunze, asi vanofanira kuisapo nguvo dzavo dzavanoshumira nadzo, nekuti idzo itsvene; asi vanofanira kufuka dzimwe nguvo, ndokuzoswedera kune zvavanhu.
14 Pan fydd yr offeiriaid wedi dod i mewn i'r cysegr, nid ydynt i fynd allan i'r cyntedd nesaf allan heb adael ar �l y gwisgoedd a oedd ganddynt wrth wasanaethu, oherwydd y maent yn sanctaidd. Y maent i wisgo dillad eraill i fynd allan lle mae'r bobl."
15Zvino akati apedza kuyera imba yomukati, akandibudisa nenzira yesuwo rakatarira kurutivi rwamabvazuva, akapayera kumativi ose.
15 Wedi iddo orffen mesur oddi mewn i safle'r deml, aeth � mi allan trwy'r porth oedd i gyfeiriad y dwyrain, a mesur yr hyn oedd oddi amgylch.
16Akayera kurutivi rwamabvazuva norutsanga rwokuyera narwo, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu, norutsanga rwokuyera narwo kumativi ose.
16 Mesurodd ochr y dwyrain �'r ffon fesur, a chael y mesur oddi amgylch yn bum can cufydd.
17Akayera kurutivi rwokumusoro norutsanga rwokuyera narwo kumativi ose, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu.
17 Mesurodd ochr y gogledd �'r ffon fesur, a chael y mesur oddi amgylch yn bum can cufydd.
18Akayera kurutivi rwezasi norutsanga rwokuyera narwo, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu.
18 Mesurodd ochr y de �'r ffon fesur, a chael y mesur yn bum can cufydd.
19Akadzoka kurutivi rwamavirazuva, akayera norutsanga rwokuyera narwo, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu.
19 Aeth drosodd i ochr y gorllewin, a mesurodd �'r ffon fesur bum can cufydd.
20Akapayera kumativi ose mana; pakanga pane rusvingo rwakapoteredza, rwakanga rwakaita zviyero zvina mazana mashanu pakureba, namazana mashanu pahupamhi, kuti ruparadzanise pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene.
20 Fe'i mesurodd ar y pedair ochr. Yr oedd mur oddi amgylch, yn bum can cufydd o hyd ac yn bum can cufydd o led, i wahanu rhwng y sanctaidd a'r cyffredin.