1Zvino awa ndiwo mazita amarudzi: Kurutivi rwokumusoro, zvichienda nenzira yeHetironi kusvikira pavanopinda vachienda Hamati neHazarienani pamuganhu weDhamasiko, zvichienda kurutivi rwokumusoro napaHamati mativi avo anofanira kuenda kumabvazuva nokumavirazuva, ndiwo mugove mumwe waDhani.
1 "Dyma enwau'r llwythau. Ar derfyn y gogledd, wrth ymyl ffordd Hethlon i Lebo-hamath a Hasar-enan, gyda Damascus ar derfyn y gogledd at ymyl Hamath, ac yn ymestyn o ddwyrain i orllewin, bydd Dan: un gyfran.
2Pamuganhu waDhani, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waAsheri.
2 Ar derfyn Dan, o ddwyrain i orllewin, bydd Aser: un gyfran.
3Pamuganhu waAsheri, kubva kurutivi rwamavirazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waNafutari.
3 Ar derfyn Aser, o ddwyrain i orllewin, bydd Nafftali: un gyfran.
4Pamuganhu waNafutari, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waManase.
4 Ar derfyn Nafftali, o ddwyrain i orllewin, bydd Manasse: un gyfran.
5Pamuganhu waManase, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waEfuremu.
5 Ar derfyn Manasse, o ddwyrain i orllewin, bydd Effraim: un gyfran.
6Pamuganhu waEfuremu, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waRubheni.
6 Ar derfyn Effraim, o ddwyrain i orllewin, bydd Reuben: un gyfran.
7Pamuganhu waRubheni, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva ndiwo mugove mumwe waJudha.
7 Ar derfyn Reuben, o ddwyrain i orllewin, bydd Jwda: un gyfran.
8Pamuganhu waJudha, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, chichava chipo chamunofanira kuvigira Jehovha, tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pahupamhi, nokureba kwakaenzana nomumwe wemigove, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva; nzvimbo tsvene inofanira kuva pakati payo.
8 Ar derfyn Jwda, o ddwyrain i orllewin, bydd y gyfran a neilltuir yn arbennig; bydd yn bum mil ar hugain o gufyddau o led, a bydd yn ymestyn o ddwyrain i orllewin yn gyfartal � chyfran un o'r llwythau; a bydd y cysegr yn ei chanol.
9Chipo chamunofanira kuvigira Jehovha chinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, uye tsanga dzine zviuru zvine gumi pahupamhi.
9 Bydd y gyfran a neilltuir yn arbennig i'r ARGLWYDD yn bum mil ar hugain o gufyddau o hyd a deng mil o gufyddau o led.
10Chipo icho chitsvene chinofanira kupiwa ava, ivo vapristi; kurutivi rwokumusoro tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nokurutivi rwamavirazuva tsanga dzine zviuru zvine gumi pahupamhi, nokurutivi rwamabvazuva dzine zviuru zvine gumi pahupamhi, nokurutivi rwezasi dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba; nzvimbo tsvene yaJehovha inofanira kuva pakati payo.
10 Dyma fydd yn gyfran gysegredig i'r offeiriaid: cyfran pum mil ar hugain o gufyddau o hyd ar ochr y gogledd, deng mil o led ar ochr y gorllewin, deng mil o led ar ochr y dwyrain, a phum mil ar hugain o hyd ar ochr y de; ac yn y canol bydd cysegr yr ARGLWYDD.
11Chichava chavapristi vakaitwa vatsvene pakati pavanakomana vaZadhoki, vakachengeta zvandakavaraira, vasina kutsauka nenguva yokutsauka kwavana vaIsiraeri, sezvakatsauka vaRevhi.
11 Bydd y gyfran hon i'r offeiriaid cysegredig o deulu Sadoc a fu'n ffyddlon i'm gwasanaethu, heb fynd ar gyfeiliorn fel y gwnaeth y Lefiaid pan aeth yr Israeliaid ar grwydr.
12Chichava chipo kwavari chakatorwa pachipo chenyika, chinhu chitsvene, pamuganhu wavaRevhi.
12 Bydd yn gyfran arbennig iddynt hwy o'r rhan gysegredig o'r tir; bydd yn gyfran gysegredig yn terfynu ar gyfran y Lefiaid.
13VaRevhi vanofanira kupiwa mugove wakaenzana nomuganhu wavapristi, ndokuti tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviuru zvine gumi pahupamhi; kureba kose kuchaita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, nezviuru zvine gumi pahupamhi.
13 Dyma fydd i'r Lefiaid: cyfran o dir pum mil ar hugain o gufyddau o hyd a deng mil o gufyddau o led, yn rhedeg yn gyfochrog � therfyn yr offeiriaid; pum mil ar hugain o gufyddau fydd ei hyd cyfan, a'i led yn ddeng mil o gufyddau.
14Havafaniri kutongoitengesa, kana kuitsinhanha neimwe nyika, uye zvibereko zvokutanga zvenyika hazvifaniri kupfuudzwa, nekuti zvitsvene kuna Jehovha.
14 Ni ch�nt werthu dim ohono, na'i gyfnewid; ni ellir ei drosglwyddo, oherwydd dyma'r gorau o'r tir, ac y mae'n gysegredig i'r ARGLWYDD.
15Tsanga dzine zviuru zvishanu dzakasara pahupamhi bwenyika, pamberi pedzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, hazvizi zvitsvene, ndezveguta, nopokugara noruwa; guta rinofanira kuva pakati pazvo.
15 "Bydd y gweddill, sef pum mil o gufyddau o led a phum mil ar hugain o hyd, ar gyfer defnydd cyffredin y ddinas, ar gyfer tai a phorfeydd. Bydd y ddinas yn ei ganol,
16Kukura kwayo kunofanira kuva kudai: Rutivi rwokumusoro, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, norutivi rwezasi zviuru zvina namazana mashanu, nokurutivi rwamabvazuva zviuru zvina namazana mashanu, norutivi rwamavirazuva zviuru zvina namazana mashanu.
16 a'i mesuriadau fel a ganlyn: ar ochr y gogledd, pedair mil a hanner o gufyddau; ar ochr y de, pedair mil a hanner; ar ochr y dwyrain, pedair mil a hanner, ac ar ochr y gorllewin, pedair mil a hanner.
17Guta rinofanira kuva nemafuro kurutivi rwokumusoro tsanga dzina mazana maviri namakumi mashanu, nokurutivi rwezasi mazana maviri namakumi mashanu, nokurutivi rwamabvazuva mazana maviri namakumi mashanu, nokurutivi rwamavirazuva mazana maviri namakumi mashanu.
17 Bydd y tir pori ar gyfer y ddinas yn ddau gan cufydd a hanner ar ochr y gogledd, dau gant a hanner ar ochr y de, dau gant a hanner ar ochr y dwyrain, a dau gant a hanner ar ochr y gorllewin.
18Zvakasara pakureba kwayo, izvo zvakaenzana nechipo chitsvene, zvinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvine gumi kurutivi rwamabvazuva, nezviuru zvine gumi kurutivi rwamavirazuva; zvichaenzana nechipo chitsvene; michero yayo inofanira kuva zvokudya zvavanobata muguta.
18 Bydd y gweddill yn rhedeg yn gyfochrog � therfyn y gyfran gysegredig, a bydd o'r un hyd � hi, sef deng mil o gufyddau ar ochr y dwyrain a deng mil ar ochr y gorllewin. Bydd ei gynnyrch yn fwyd i weithwyr y ddinas.
19Vanobata muguta, ivo vanobva kumarudzi ose alsiraeri, vanofanira kuirima.
19 O holl lwythau Israel y daw gweithwyr y ddinas a fydd yn ei drin.
20Chipo chose chinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviuru zvina makumi maviri nezvishanu paupamhi; munofanira kuvigira Jehovha chipo icho chitsvene, chinamativi mana akaenzana, pamwechete nenzvimbo yeguta.
20 Bydd y gyfran gyfan yn sgw�r o bum mil ar hugain o gufyddau ar bob ochr; fe'i neilltuir yn gyfran gysegredig ynghyd ag eiddo'r ddinas.
21Zvakasara zvinofanira kuva zvomuchinda, nechemberi necheseri kwechipo chitsvene nenzvimbo yeguta; pamberi petsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu zvechipo, kumuganhu wokurutivi rwamabvazuva, nokurutivi rwamavirazuva pamberi pezviuru zvina makumi maviri nezvishanu kumuganhu wokurutivi rwamavirazuva, zvakaenzana nemigove, ndizvo zvinofanira kuva zvomuchinda; chipo chitsvene nenzvimbo tsvene yeimba zvinofanira kuva pakati pazvo.
21 "Bydd y gweddill a adewir oddeutu'r gyfran gysegredig ac eiddo'r ddinas yn perthyn i'r tywysog. Bydd yn ymestyn i'r dwyrain ar un ochr, ac i'r gorllewin ar yr ochr arall i'r gyfran gysegredig o bum mil ar hugain o gufyddau; bydd yn rhedeg yn gyfochrog � chyfrannau'r llwythau, ac yn perthyn i'r tywysog; bydd y gyfran gysegredig a chysegr y deml yn y canol.
22Uyewo, kubva panyika yavaRevhi, nokubva panzvimbo yeguta, izvo zviri pakati penyika yomuchinda, pakati pomuganhu waJudha nomuganhu waBhenjamini, zvinofanira kuva zvomuchinda.
22 Felly bydd eiddo'r Lefiaid ac eiddo'r ddinas yng nghanol eiddo'r tywysog, a bydd eiddo'r tywysog rhwng terfyn Jwda a therfyn Benjamin.
23Kana ari marudzi mamwe akasara: Kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waBhenjamini.
23 "Dyma weddill y llwythau: yn ymestyn o'r dwyrain i'r gorllewin bydd Benjamin: un gyfran.
24Pamuganhu waBhenjamini, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waSimioni.
24 Ar derfyn Benjamin, o ddwyrain i orllewin, bydd Simeon: un gyfran.
25Pamuganhu waSimioni, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waIsakari.
25 Ar derfyn Simeon, o ddwyrain i orllewin, bydd Issachar: un gyfran.
26Pamuganhu waIsakari, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waZebhuruni.
26 Ar derfyn Issachar, o ddwyrain i orllewin, bydd Sabulon: un gyfran.
27Pamuganhu waZebhuruni, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waGadhi.
27 Ar derfyn Sabulon, o ddwyrain i orllewin, bydd Gad: un gyfran.
28Pamuganhu waGadhi, kurutivi rwezasi, zvichienda zasi, muganhu unofanira kubva paTamari kusvikira kumvura zhinji yeMeribhatikadheshi, kurukova rweEgipita, kusvikira kugungwa guru.
28 Bydd terfyn de Gad yn rhedeg o Tamar at ddyfroedd Meriba-cades, ac ar hyd yr afon at y M�r Mawr.
29Ndiyo nyika yamunofanira kuganhura nemijenya pakati pamarudzi aIsiraeri ive nhaka yavo, uye iyi ndiyo migove yavo vose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
29 "Dyma'r tir a roddi'n etifeddiaeth i lwythau Israel, a dyma'u cyfrannau, medd yr Arglwydd DDUW.
30Iyi ndiyo migumo yeguta: Kurutivi rwokumusoro tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu pakuyerwa kwazvo;
30 "Dyma'r ffyrdd allan o'r ddinas: ar ochr y gogledd, sy'n bedair mil a hanner o gufyddau o hyd,
31masuwo eguta anofanira kutumidzwa mazita amarudzi aIsiraeri; masuwo matatu kurutivi rwokumusoro, anoti: suwo raRubheni, rimwe, suwo raJudha, rimwe, uye suwo raRevhi, rimwe.
31 fe enwir pyrth y ddinas ar �l llwythau Israel. Y tri phorth ar ochr y gogledd fydd porth Reuben, porth Jwda a phorth Lefi.
32Kurutivi rwamabvazuva, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, namasuwo matatu, anoti: suwo raJosefa, rimwe, suwo raBhenjamini, rimwe, uye suwo raDhani, rimwe.
32 Ar ochr y dwyrain, sy'n bedair mil a hanner o gufyddau o hyd, bydd tri phorth, sef porth Joseff, porth Benjamin a phorth Dan.
33Kurutivi rwezasi, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu pakuyerwa kwazvo, namasuwo matatu, anoti: suwo raSimioni, rimwe, suwo raIsakari, rimwe, uye suwo raZebhuruni, rimwe.
33 Ar ochr y de, sy'n bedair mil a hanner o gufyddau o hyd, bydd tri phorth, sef porth Simeon, porth Issachar a phorth Sabulon.
34Kurutivi rwamavirazuva, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, namasuwo apo matatu, anoti: suwo raGadhi, rimwe, suwo raAsheri, rimwe, uye suwo raNafutari, rimwe.
34 Ar ochr y gorllewin, sy'n bedair mil a hanner o gufyddau o hyd, bydd tri phorth, sef porth Gad, porth Aser a phorth Nafftali.
35Zvose zvinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvine gumi nezvisere pamativi ose mana; zita reguta kubva pazuva iro rinofanira kunzi, Jehovha aripano.
35 Bydd y pellter o amgylch y ddinas yn ddeunaw mil o gufyddau. Ac enw'r ddinas o'r dydd hwn fydd, 'Y mae'r ARGLWYDD yno'."