1Tumirai mubati wenyika makwayana, abve Sera aende kurenje, kugomo romukunda weZiyoni.
1 Anfonodd llywodraethwr y wlad u373?yn o Sela yn yr anialwch i fynydd merch Seion.
2nekuti seshiri dzinodzungaira, sedendere rakaparadzirwa, ndizvo zvichaita vakunda vaMoabhi pamazambuko aArinoni.
2 Y mae merched Moab wrth rydau Arnon fel adar aflonydd wedi eu troi o'u nythod.
3Itai mano, ruramisira; mumvuri wako uuite sousiku pakati pamasikati makuru; vanza vadzingwa, usapandukira anotiza.
3 "Dwg gyngor, gwna dy fwriad yn glir; bydded dy gysgod fel nos drosom, hyd yn oed ar ganol dydd; cuddia'r ffoaduriaid, paid � bradychu'r crwydriaid.
4Vanhu vangu vakadzingwa ngavagare newe; kana ari Moabhi, uve kwaari paangavanda pamberi pomuparadzi; nekuti mutambudzi haachipo, kuparadza kwapera, vamanikidzi vabva panyika.
4 Bydded i ffoaduriaid Moab aros gyda thi; bydd di yn lloches iddynt rhag y dinistrydd." Pan ddaw diwedd ar drais, a pheidio o'r ysbeilio, a darfod o'r mathrwyr o'r tir,
5Chigaro choushe chichamiswa netsitsi; mumwe uchagara pamusoro pacho nechokwadi, mutende raDhavhidhi, achitonga, achitsvaka kururamisira vanhu, achikurumidza kuita zvakarurama.
5 yna sefydlir gorsedd trwy deyrngarwch, ac arni fe eistedd un ffyddlon ym mhabell Dafydd, barnwr yn ceisio barn deg ac yn barod i fod yn gyfiawn.
6Takanzwa zvokuzvikudza kwaMoabhi, kuti unozvikudza kwazvo; zvamanyawi ake, nokuzvikudza kwake, nehasha dzake; asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo.
6 Clywsom am falchder Moab � mor falch ydoedd � ac am ei thraha, ei malais a'i haerllugrwydd, heb sail i'w hymffrost.
7Saka Moabhi achachema Moabhi, mumwe nomumwe achachema; muchachemera mapundu amazambiringa eKirihareseti, mamanikidzwa kwazvo.
7 Am hynny fe uda Moab; uded Moab i gyd. Fe riddfana mewn dryswch llwyr am deisennau grawnwin Cir�hareseth.
8nekuti minda yeHeshibhoni yaoma, nomuzambiringa weSibhima; madzishe amarudzi avhuna matavi awo akanaka, akanga achisvikira Jazeri, akanga atandira kurenje; matavi awo akanga atandavara, ayambukira gungwa.
8 Oherwydd pallodd erwau Hesbon a gwinwydd Sibma; drylliodd arglwyddi'r cenhedloedd ei grawnwin cochion; buont yn cyrraedd hyd at Jaser, ac yn ymestyn trwy'r anialwch. Yr oedd ei blagur yn gwthio allan, ac yn cyrraedd ar draws y m�r.
9Saka ndichachema nokuchema kwaJazeri ndichichemera muzambiringa weSibhima; ndichakudiridza iwe Heshibhoni neEreare nemisodzi yangu; nekuti mhere yokurwa yawira pamusoro pezvibereko zvako zvezhizha napamusoro pokukohwa kwako.
9 Am hynny wylaf dros winwydd Sibma fel yr wylais dros Jaser; dyfrhaf di �'m dagrau, Hesbon ac Eleale; canys ar dy ffrwythau haf ac ar dy gynhaeaf daeth gwaedd.
10Mufaro wabviswa, nokufara pamunda waibereka zvakanaka; paminda yemizambiringa hapachazovi nokuimba kana inzwi romufaro; hapachazovi musviniri anosvinira mazambiringa pazvisviniro, ndagumisa kupururudza.
10 Ysgubwyd ymaith y llawenydd a'r gorfoledd o'r dolydd; mwyach ni chenir ac ni floeddir yn y gwinllannoedd, ni sathra'r sathrwr win yn y cafnau, a rhoddais daw ar weiddi'r cynaeafwyr.
11Naizvozvo moyo wangu unorira sembira pamusoro paMoabhi, nedumbu rangu pamusoro peKiriheresi.
11 Am hynny fe alara f'ymysgaroedd fel tannau telyn dros Moab, a'm hymysgaroedd dros Cir-hareseth.
12Zvino kana Moabhi achizviratidza pamberi paJehovha, kana achizvinetsa padunhu rakakwirira, nokupinda panzvimbo yake tsvene kuzonyengetera, haangatongobatsirwi chinhu.
12 Pan ddaw Moab i addoli, ni wna ond ei flino'i hun yn yr uchelfa; pan ddaw i'r cysegr i wedd�o, ni thycia ddim.
13Ndirori shoko rakataurwa naJehovha pamusoro paMoabhi panguva yakare.
13 Dyna'r gair a lefarodd yr ARGLWYDD wrth Moab gynt.
14Asi zvino Jehovha akataura achiti, Makore matatu asati apfuura, samakore omunhu anobatira mubayiro, kukudzwa kwaMoabhi kuchazvidzwa, pamwechete navanhu vake vazhinji; vakasara vachava vashoma kwazvo, vasina simba.
14 Yn awr fe ddywed yr ARGLWYDD, "Ymhen tair blynedd, yn �l tymor gwas cyflog, bydd gogoniant Moab yn ddirmyg er cymaint ei rhifedi; bydd y rhai sy'n weddill yn ychydig ac yn ddibwys."