1Zvanzi naJehovha kumuzodzwa wake, kuna Koreshi, wandakabata ruoko rwake rworudyi, kuti ndikunde marudzi avanhu pamberi pake, ndichisunungura zviuno zvamadzimambo, ndimuzarurire misuwo pamberi pake, namasuwo arege kuzarirwa.
1 Dyma a ddywed yr ARGLWYDD wrth Cyrus ei eneiniog, yr un y gafaelais yn ei law i ddarostwng cenhedloedd o'i flaen, i ddiarfogi brenhinoedd, i agor dorau o'i flaen, ac ni chaeir pyrth rhagddo:
2Ini ndichaenda pamberi pako, ndichienzanisa pasina kuenzana; ndichaputsa-putsa misuwo yendarira, nokugura-gura mipfigo yendarama;
2 "Mi af o'th flaen di i lefelu'r mynyddoedd; torraf y dorau pres, a dryllio'r barrau haearn.
3ndichakupa fuma iri murima, noufumi hwakavanzwa panzvimbo dzisingazikamwi, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari walsiraeri, anokudana nezita rako.
3 Rhof iti drysorau o leoedd tywyll, wedi eu cronni mewn mannau dirgel, er mwyn iti wybod mai myfi yw'r ARGLWYDD, Duw Israel, sy'n dy gyfarch wrth dy enw.
4Nokuda kwaJakove muranda wangu, nokwaIsiraeri musanangurwa wangu, ndakakudana nezita rako, ndakakutumidza zita rakanaka, kunyange wakange usingandizivi.
4 Er mwyn fy ngwas Jacob, a'm hetholedig Israel, gelwais di wrth dy enw, a'th gyfenwi, er na'm hadwaenit.
5Ndini Jehovha, hakuna mumwe; kunze kwangu hakuna mumwe Mwari. Ndichakusunga chiuno kunyange usina kundiziva;
5 Myfi yw'r ARGLWYDD, ac nid oes arall; ar wah�n i mi nid oes Duw. Gwregysais di, er na'm hadwaenit,
6kuti vazive kubva kumabvazuva nokumavirazuva, kuti hakuna mumwe kunze kwangu; ndini Jehovha, hakuna mumwe.
6 er mwyn iddynt wybod, o godiad haul hyd ei fachlud, nad oes neb ond myfi. Myfi yw'r ARGLWYDD, ac nid oes arall,
7Ndini ndinoumba chiedza, nokusika rima; ndinoita rugare, nokusika njodzi; ndini Jehovha, anoita zvinhu izvi zvose.
7 yn llunio goleuni ac yn creu tywyllwch, yn peri llwyddiant ac yn achosi methiant; myfi, yr ARGLWYDD, sy'n gwneud y cyfan.
8Iwe denga rose, donhedza zvichibva kumusoro, makore ngaadurure kururama, nyika ngaizaruke, kuti ibudise ruponeso, ibereke kururama pamwechete; ini Jehovha ndakazvisika.
8 "Defnynnwch oddi fry, O nefoedd; tywallted yr wybren gyfiawnder. Agored y ddaear, er mwyn i iachawdwriaeth egino ac i gyfiawnder flaguro. Myfi, yr ARGLWYDD, a'i gwnaeth.
9Ane nhamo anorwa noMuiti wake, icho chaenga pakati pezvaenga zvevhu! Ko ivhu ringati kunowanoriumba, Unoiteiko? Kana basa rako ringati, Haana maoko, here?
9 "Gwae'r sawl sy'n ymryson �'i luniwr, darn o lestr yn erbyn y crochenydd. A ddywed y clai wrth ei luniwr, 'Beth wnei di?' neu, 'Nid oes graen ar dy waith'?
10Ane nhamo anoti kuna baba, Unoberekeiko? Kana kumukadzi, Unozvareiko?
10 Gwae'r sawl sy'n dweud wrth dad, 'Beth genhedli di?' neu wrth wraig, 'Ar beth yr esgori?'"
11Zvanzi naJehovha, Mutsvene waIsiraeri, noMuiti wavo, Ndibvunzei pamusoro pezvichazoitwa; pamusoro pavanakomana vangu, napamusoro pebasa ramaoko angu, mundirayire.
11 Fel hyn y dywed yr ARGLWYDD, Sanct Israel a'i luniwr: "A ydych yn fy holi i am fy mhlant, ac yn gorchymyn imi am waith fy nwylo?
12Ndakaita nyika, nokusika vanhu pamusoro payo; ini namaoko angu, ndakatatamura denga rose; ndakarayira hondo yose yaro.
12 Myfi a wnaeth y ddaear, a chreu pobl arni; fy llaw i a estynnodd y nefoedd, a threfnu ei holl lu.
13Ndakamumutsa nokururama, ndicharuramisa nzira dzake dzose; iye achavaka guta rangu, nokusunungura vatapwa vangu, asingatsvaki mutengo kana mubayiro, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
13 Myfi a gododd Cyrus i fuddugoliaeth, ac unioni ei holl lwybrau. Ef fydd yn codi fy ninas, ac yn gollwng fy nghaethion yn rhydd, ond nid am bris nac am wobr," medd ARGLWYDD y Lluoedd.
14Zvanzi naJehovha, Zvakabatirwa neEgipita, nezvakashambadzirwa neItiopia, navaShabhiya, ivo varume varefu, zvichauya kwauri, zvichava zvako; vachakutevera, vachauya vakasungwa namatare, vachapfugama pamberi pako, vachikunyengera, vachiti, Zvirokwazvo Mwari uri pakati pako, hakuna mumwe, hakuna mumwe Mwari.
14 Dyma a ddywed yr ARGLWYDD: "Bydd llafurwyr yr Aifft, masnachwyr Ethiopia a'r Sabeaid tal yn croesi atat ac yn eiddo i ti; d�nt ar dy �l mewn cadwyni, ymgrymant i ti a chyffesu, 'Yn sicr y mae Duw yn eich plith, ac nid oes neb ond ef yn Dduw.'"
15Zvirokwazvo, muri Mwari anovanda, imwi Mwari waIsiraeri, Muponesi.
15 Yn wir, Duw cuddiedig wyt ti, Dduw Israel, y gwaredydd.
16Ivo vose vachanyadziswa vave nenyadzi; vaiti vezvifananidzo vachanyadziswa pamwechete.
16 Cywilyddir a gwaradwyddir hwy i gyd; �'r seiri delwau oll yn waradwydd,
17Asi vaIsiraeri vachaponeswa naJehovha noruponeso rusingaperi; hamunganyadziswi kana kuva nenyadzi kusvikira panguva dzisingaperi.
17 ond gwaredir Israel gan yr ARGLWYDD � gwaredigaeth dragwyddol; ni'ch cywilyddir ac ni'ch gwaradwyddir byth bythoedd.
18nekuti zvanzi naJehovha akasika denga rose, iye Mwari akaumba nyika nokuiita, akaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi akaiumba kuti igarwe, zvanzi naye, Ndini Jehovha, hakuna mumwe.
18 Dyma a ddywed yr ARGLWYDD, creawdwr y nefoedd, yr un sy'n Dduw, lluniwr y ddaear a'i gwneuthurwr, yr un a'i sefydlodd, yr un a'i creodd, nid i fod yn afluniaidd, ond a'i ffurfiodd i'w phreswylio: "Myfi yw'r ARGLWYDD, ac nid oes arall;
19Handina kutaura pakavanda, panzvimbo yenyika yerima; handina kuti kurudzi rwaJakove, Nditsvakei pasina, ini Jehovha, ndinotaura zvakarurama, ndinoparidza zvechokwadi.
19 nid mewn dirgelwch y lleferais, nid mewn man tywyll o'r ddaear; ni ddywedais wrth feibion Jacob, 'Ceisiwch fi mewn anhrefn.' Myfi, yr ARGLWYDD, yw'r un sy'n llefaru cyfiawnder, ac yn mynegi uniondeb.
20Unganai, muuye; swederai pamwechete, imwi makapukunyuka kumarudzi; vanotakura matanda iri mifananidzo yavo yakavezwa havana ruzivo, ivo vanonyengetera mwari asingagoni kuponesa.
20 "Ymgasglwch, dewch yma, nesewch gyda'ch gilydd, rai dihangol y cenhedloedd. Nid oes gwybodaeth gan gludwyr delwau pren a'r rhai sy'n gwedd�o ar dduw na all eu hachub.
21Paridzai, muzvibudise; zvirokwazvo, ngavarangane pamwechete, vachiti, Ndiani akazviratidza izvi kubvira panguva yekare-kare? Ndiani akazviparidza pakutanga? Handizini Jehovha here? Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu, Mwari akarurama noMuponesi, hakuna mumwe kunze kwangu,
21 Dewch ymlaen, cyflwynwch eich achos; boed iddynt gymryd cyngor ynghyd. Pwy a fynegodd hyn o'r blaen? Pwy a'i dywedodd o'r dechrau? Onid myfi, yr ARGLWYDD? Nid oes Duw ond myfi, Duw cyfiawn, a gwaredydd. Nid oes neb ond myfi.
22Tarirai kwandiri muponeswe imwi mativi ose enyika nekuti ndini Mwari hakuna mumwe.
22 Chwi, holl gyrrau'r ddaear, edrychwch ataf i'ch gwaredu, canys myfi wyf Dduw, ac nid oes arall.
23Ndakapika neni ndimene, shoko rabuda mumuromo mangu nokururama haringadzoki namabvi ose achandifugamira, marimi ose achapika neni.
23 Ar fy llw y tyngais; gwir a ddaeth allan o'm genau, gair na ddychwel: i mi bydd pob glin yn plygu a phob tafod yn tyngu.
24Zvanzi pamusoro pangu, Kururama nesimba zviri muna Jehovha chete; vanhu vachauya kwaari, vose vakanga vamutsamwira vachanyadziswa.
24 Fe ddywedir amdanaf, 'Yn ddiau, yn yr ARGLWYDD y mae cyfiawnder a nerth'." Bydd pob un a ddigiodd wrtho yn dod ato ef mewn cywilydd.
25Rudzi rwose rwaIsiraeri rucharuramisirwa muna Jehovha, nokuzvirumbidza maari.
25 Cyfiawnheir holl deulu Israel, ac ymhyfrydant yn yr ARGLWYDD.