Shona

Welsh

Isaiah

54

1Imba, iwe ngomwa, iwe usina kubereka;muka nokuimba , udanidzirise, iwe usina kumbosununguka; nekuti vana vouri oga vazhinji kukunda vana vomukadzi akawanikwa.Ndizvo zvinotaura Jehovha.
1 "C�n di, y wraig ddi-blant na chafodd esgor; dyro g�n, bloeddia ganu, ti na phrofaist wewyr esgor; oherwydd y mae plant y wraig a adawyd yn lluosocach na phlant y wraig briod," medd yr ARGLWYDD.
2Kurisa nzvimbo yetende rako, ngavatatamure maketeni eugaro hwako; usarega, urebese mabote ako, usimbise mbambo dzako.
2 "Helaetha faint dy babell, estyn allan lenni dy drigfannau; gollwng y rhaffau allan i'r pen, a sicrha'r hoelion.
3nekuti uchapararira kuruoko rworudyi nokuruboshwe;vana vako vachagara nhaka yavahedheni,vaite matongo agarwe.
3 Oherwydd byddi'n ymestyn i'r dde ac i'r chwith; bydd dy had yn disodli'r cenhedloedd, ac yn cyfanheddu dinasoedd anrheithiedig.
4Usatya , nekuti haunganyadziswi;uye usakanganiswa, nekuti haungavi nenyadzi; nekuti uchakangamwa kunyara kohumhandara hwako, haungazorangariri kuzvidzwa kohuchirikadzi hwako.
4 Paid ag ofni, oherwydd ni chywilyddir di, ni ddaw gwaradwydd na gwarth arnat; oherwydd fe anghofi gywilydd dy ieuenctid, ac ni chofi bellach am warth dy weddwdod.
5nekuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehovha wehondo ndiro zita rake; Mudzikunuri wako ndiye Mutsvene waIsiraeri, iye achanzi Mwari wenyika yose.
5 Oherwydd yr un a'th greodd yw dy u373?r � ARGLWYDD y Lluoedd yw ei enw; Sanct Israel yw dy waredydd, a Duw yr holl ddaear y gelwir ef.
6nekuti Jehovha akakudana somukadzi, akasiiwa ane shungu pamweya, somukadzi akawanikwa achiri muduku ndokuzorambwa ndizvo zvinotaura Mwari wako.
6 Fel gwraig wedi ei gadael, a'i hysbryd yn gystuddiol, y galwodd yr ARGLWYDD di � gwraig ifanc wedi ei gwrthod," medd dy Dduw.
7Kwechinguvana,ndakakusiya , asi nenyasha huru ndichakuunganidza.
7 "Am ennyd fechan y'th adewais, ond fe'th ddygaf yn �l � thosturi mawr.
8Nehasha dzakapupuma, ndakakuvanzira chiso changu kwechinguvana ; asi nohunyoro husingaperi ndichakunzwira nyasha , ndizvo zvinotaura Jehovha Mudzikunuri wako.
8 Am ychydig, mewn dicter moment, cuddiais fy wyneb rhagot; ond � chariad di�baid y tosturiaf wrthyt," medd yr ARGLWYDD, dy waredydd.
9nekuti izvi zvakaita semvura yaNowa kwandiri; nekuti sezvandakapika kuti mvura yaNowa haingazodarikizve napanyika, saizvozvo ndakapika kuti handichazokutsamwiri, kana kukutuka.
9 "Y mae hyn i mi fel dyddiau Noa, pan dyngais nad �i dyfroedd Noa byth mwyach dros y ddaear; felly tyngaf na ddigiaf wrthyt ti byth mwy, na'th geryddu ychwaith.
10nekuti makomo achabva, nezvikomo zvizungunuke, asi hunyoro hwangu haungabvi kwauri, kana sungano yangu yorugare haingazungunuki ndizvo zvinotaura Jehovha ane nyasha newe.
10 Er i'r mynyddoedd symud, ac i'r bryniau siglo, ni symuda fy ffyddlondeb oddi wrthyt, a bydd fy nghyfamod heddwch yn ddi-sigl," medd yr ARGLWYDD, sy'n tosturio wrthyt.
11Haiwa, iwe mutambudziki, wakaposerwa nedutu remhepo, usina kunyaradzwa, tarira, ndichateya mabwe ako namavara akanaka, ndichateya nheyo dzako namabwe esafiri.
11 "Y druan helbulus, ddigysur! 'Rwyf am osod dy feini mewn morter, a'th sylfeini mewn saffir.
12Ndichaita shongwe dzako ne-agati*, namasuwo ako ne-kabhunakeri*, nomuganhu wako wose namabwe anofadza.
12 Gwnaf dy dyrau o ruddem, a'th byrth o risial; bydd dy fur i gyd yn feini dethol,
13Navana vako vose vachadzidziswa naJehovha,uye ruchava rukuru, rugare rwavana vako.
13 a'th adeiladwyr oll wedi eu dysgu gan yr ARGLWYDD. Daw llwyddiant mawr i'th blant,
14Uchasimbiswa mukururama; uchava kure nokumanikidzwa, nekuti haungatyi, uye kure nezvinotyisa, nekuti hakungaswederi kwauri.
14 a byddi wedi dy sylfaenu ar gyfiawnder; byddi'n bell oddi wrth orthrymder, heb ofn arnat, ac oddi wrth ddychryn, na ddaw'n agos atat.
15Tarira, vachavungana,asi kwete neni. Ani nani unovungana pamwe kurwa newe uchawa nokuda kwako.
15 Os bydd rhai yn ymosod arnat, nid oddi wrthyf fi y daw hyn; bydd pwy bynnag sy'n ymosod arnat yn cwympo o'th achos.
16Tarira, ndakasika mupfuri anopfutidza mazimbe mumoto , ndokuita nhumbi yebasa rake; uye ini ndakasika muparadzi, kuti aparadze.
16 Edrych, myfi a greodd y gof, sy'n chwythu'r marwor yn d�n, ac yn llunio arf at ei waith; myfi hefyd a greodd y dinistrydd i ddistrywio.
17Hakuna nhumbi yokurwa inopfurwa kuzorwa newe ingabudirira; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa ruchapiwa mhosva. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo ndokwangu ndizvo zvinotaura Jehovha.
17 Ond ni lwydda unrhyw arf a luniwyd yn dy erbyn; gwrthbrofir pob tafod a'th gyhudda mewn barn. Dyma etifeddiaeth gweision yr ARGLWYDD, ac oddi wrthyf fi y daw eu goruchafiaeth," medd yr ARGLWYDD.