1Shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya pamusoro pokusanaya kwemvura.
1 Dyma air yr ARGLWYDD at Jeremeia ynghylch y sychder:
2VaJudha vanochema, namasuwo avo anoshaiwa simba, vagere pasi vakafuka nguvo nhema; kuchema kweJerusaremu kwakwira kumusoro.
2 "Y mae Jwda'n galaru, a'i phyrth yn llesg; y maent yn cwynfan ar lawr, a chri Jerwsalem yn esgyn fry.
3Vakuru vavo vanotuma varanda vavo kumvura; vanosvika kumadziva, ndokushaiwa mvura, vanodzoka nezvirongo zvisina; vakanyadziswa nokukanganiswa, vanofukidza misoro yavo.
3 Y mae'r pendefigion yn anfon y gweision i gyrchu du373?r; d�nt at y ffosydd a'u cael yn sych, dychwelant a'u llestri'n wag; mewn cywilydd a dryswch fe guddiant eu hwynebau.
4Varimi vanonyadziswa, vanofukidza misoro yavo, nokuda kwenyika yakaparuka, nekuti mvura haina kunaya payika,
4 Oherwydd craciodd y pridd am na ddaeth glaw i'r wlad; mewn cywilydd cuddiodd yr amaethwyr eu hwynebau.
5Zvirokwazvo hadzi yenondo inoberekawo musango, ndokurasha mhuru yayo, nekuti hakuna bumudza.
5 Y mae'r ewig yn bwrw llwdn yn y maes, ac yn ei adael am nad oes porfa;
6Mbizi dzinomira pazvikomo zvisina miti, dzichifema mhepo samakava; meso adzo aneta, nekuti hakuna huswa.
6 y mae'r asynnod gwyllt yn sefyll ar y moelydd uchel, ac yn yfed gwynt fel bleiddiaid; pylodd eu llygaid am nad oes gwellt."
7Kunyange zvakaipa zvedu zvichitipupurira, imwi Jehovha, batai nokuda kwezita renyu; nekuti kudzokera kwedu kuzhinji; takakutadzirai.
7 "Yn ddiau, er i'n drygioni dystio yn ein herbyn, O ARGLWYDD, gweithreda er mwyn dy enw. Y mae ein gwrthgilio'n aml, pechasom yn dy erbyn.
8imwi chitariro chaIsiraeri, Muponesi wavo nenguva yokutambudzika, munoitireiko somutorwa panyika, uye somufambi unotsauka kuzovata vusiku chete?
8 Gobaith Israel, a'i geidwad yn awr ei adfyd, pam y byddi fel dieithryn yn y tir, fel ymdeithydd yn lledu pabell i aros noson?
9Munoitireiko somunhu unotya, somunhu une simba usingagoni kuponesa? Kunyange zvakadaro imwi Jehovha muri pakati pedu, takatumidzwa nezita renyu; regai kutisiya.
9 Pam y byddi fel un mewn syndod, fel un cryf yn methu achub? Ond eto yr wyt yn ein mysg ni, ARGLWYDD; dy enw di a roddwyd arnom; paid �'n gadael."
10Zvanzi naJehovha kuvanhu ava, Saizvozvo vakafarira kudzungaira, havana kudzora tsoka dzavo; naizvozvo Jehovha haana kuvafarira; zvino ucharangarira zvakaipa zvavo, nokuvarova pamusoro pezvivi zvavo.
10 Fel hyn y dywed yr ARGLWYDD wrth y bobl hyn: "Mor hoff ganddynt yw crwydro heb atal eu traed; am hynny, ni fyn yr ARGLWYDD mohonynt, fe gofia eu drygioni yn awr, a chosbi eu pechodau."
11Jehovha akati kwandiri, Usanyengeterera vanhu ava uchivakumbirira zvakanaka.
11 Dywedodd yr ARGLWYDD wrthyf, "Paid � gwedd�o dros les y bobl hyn.
12Kana vachitsanya, handinganzwi kuchema kwavo; kana vachiuya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvoupfu, handingazvigamuchiri; asi ndichavapedza nomunondo, nenzara, uye nehosha.
12 Pan ymprydiant, ni wrandawaf ar eu cri; pan aberthant boethoffrwm a bwydoffrwm, ni fynnaf hwy; ond difethaf hwy �'r cleddyf a newyn a haint."
13Ipapo ndakati, Haiwa, Jehovha Mwari, tarirai, vaporofita vanoti kwavari, Hamungaoni munondo, kana kunzwa nzara; asi ndichakupai rugare rwazvokwadi panzvimbo ino.
13 Dywedais innau, "O fy Arglwydd DDUW, wele'r proffwydi yn dweud wrthynt, 'Ni welwch gleddyf, ni ddaw newyn arnoch, ond fe rof i chwi wir heddwch yn y lle hwn.'"
14Ipapo Jehovha akati kwandiri, Vaporofita vanoporofita nhema muzita rangu; ini handina kuvatuma, ini handina kuvaraira, kana kutaura navo; vanokuporofitirai zvinonzi zvakaonekwa asi dziri nhema, nezvakaukwa, nezvisina maturo, nokunyengera kwemoyo yavo.
14 A dywedodd yr ARGLWYDD wrthyf, "Proffwydo celwyddau yn fy enw i y mae'r proffwydi; nid anfonais hwy, na gorchymyn iddynt, na llefaru wrthynt. Proffwydant i chwi weledigaethau gau, a dewiniaeth ff�l, a thwyll eu dychymyg eu hunain.
15Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavaporofita vanoporofita muzita rangu, ndisina kuvatuma hangu, vachiti, Munondo nenzara hazvingavi munyika ino; zvanzi, Vaporofita avo vachapedzwa nomunondo nenzara.
15 Am hynny, fel hyn y dywed yr ARGLWYDD am y proffwydi sy'n proffwydo yn fy enw er nad anfonais hwy, sy'n dweud na bydd cleddyf na newyn yn y wlad hon: 'Trwy'r cleddyf a newyn y difethir y proffwydi hynny.
16Navanhu vavanoporofitira vacharashwa munzira dzomuJerusaremu nemhaka yenzara nomunondo; vachashaiwa unovaviga ivo, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo; nekuti ndichadurura zvakaipa zvavo pamusoro pavo.
16 Oherwydd y newyn a'r cleddyf, teflir allan i heolydd Jerwsalem y bobl y proffwydir iddynt, heb neb i'w claddu hwy eu hunain na'u gwragedd na'u meibion na'u merched. Tywalltaf eu drygioni arnynt.'
17Zvino iwe chivaudza shoko iri uti, Meso angu ngaayerere misodzi vusiku namasikati, asarega; nekuti mhandara mukunda wavanhu vangu wakuvadzwa nokukuvadzwa kukuru, nevanga rakaipa kwazvo.
17 "A dywedi wrthynt y gair hwn: 'Difered fy llygaid ddagrau, nos a dydd heb beidio. Daeth briw enbyd i'r wyryf, merch fy mhobl; ergyd drom iawn.
18Kana ndichifamba musango, tarirai, vakaurawa nomunondo! Kana ndichipinda muguta, tarirai, vanorwara nenzara! nekuti vaporofita navapristi vose vanopota nenyika, vasingazivi chinhu.
18 Os af i'r maes, yno y mae'r cyrff a laddwyd �'r cleddyf. Os af i'r ddinas, yno y mae'r rhai a nychwyd gan y newyn. Y mae'r proffwyd hefyd a'r offeiriad yn crwydro'r wlad, a heb ddeall.'"
19Maramba Judha chose here? Mweya wenyu wasema Ziyoni here? Matirovereiko, tikashaiwa kuporeswa? Takatarira rugare, asi hakuna chakanaka chakauya, nenguva yokuporeswa, asi tarirai, kuvhunduswa chete!
19 A wrthodaist ti Jwda yn llwyr? A ffieiddiaist ti Seion? Pam y trewaist ni heb fod inni iach�d? Disgwyl yr oeddem am heddwch, ond ni ddaeth daioni; am amser iach�d, ond dychryn a ddaeth.
20Haiwa Jehovha, tinoziva zvakaipa zvedu, nokutadza kwamadzibaba edu; nekuti takakutadzirai.
20 Cydnabyddwn, ARGLWYDD, ein drygioni, a chamwedd ein hynafiaid; yn wir, yr ydym wedi pechu yn dy erbyn.
21Regai kutisema nokuda kwezita renyu; regai kushoora chigaro chokukudzwa kwenyu; rangarirai henyu, musaputsa sungano yenyu nesu.
21 Ond oherwydd dy enw, paid �'n ffieiddio ni, na dirmygu dy orsedd ogoneddus; cofia dy gyfamod � ni, paid �'i dorri.
22Varipo here pakati pavamwari vasina maturo vavahedheni vanganisa mvura? Denga ringanisa mvura here? Hamuzimi here, imwi Jehovha Mwari wedu? Naizvozvo tichakumirirai, nekuti ndimi makaita zvinhu izvi zvose.
22 A oes neb ymhlith gau dduwiau'r cenhedloedd a rydd lawogydd? A rydd y nefoedd ei hun gawodydd? Na, ond ti, yr ARGLWYDD ein Duw, ynot ti yr hyderwn, ti yn unig a wnei'r pethau hyn oll.