Shona

Welsh

Jeremiah

16

1Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandirizve, richiti,
1 Daeth gair yr ARGLWYDD ataf:
2Rega kuwana mukadzi kana kuva navanakomana kana vanasikana panzvimbo ino.
2 "Paid � chymryd iti wraig; na fydded i ti feibion na merched yn y lle hwn.
3nekuti zvanzi naJehovha pamusoro pavanakomana napamusoro pavanasikana vanoberekerwa panzvimbo ino, napamusoro pamadzimai avo akavabereka, napamusoro pamadzibaba avo akavabereka panyika ino,
3 Canys fel hyn y dywed yr ARGLWYDD am y bechgyn a'r genethod a enir yn y lle hwn, ac am y mamau a'u dwg hwy a'r hynafiaid a'u cenhedla yn y wlad hon:
4Vachafa norufu rwakaipa kwazvo; havangachemwi kana kuvigwa; vachava somupfudze panyika; vachapedzwa nomunondo uye nenzara; zvitunha zvavo zvichava zvokudya zveshiri dzokudenga nezvikara zvenyika.
4 'Byddant farw o angau dychrynllyd. Ni fydd galaru ar eu h�l ac ni chleddir hwy; byddant fel tail ar wyneb y tir. Fe'u lleddir gan gleddyf a newyn, a bydd eu celanedd yn ymborth i adar y nefoedd a bwystfilod gwyllt.'
5nekuti zvanzi naJehovha, Usapinda muimba yokuchema, usavawungudzira kana kuvachema; nekuti zvanzi naJehovha, Ndabvisa rugare rwangu pavanhu ava, ihwo hunyoro hwangu nenyasha dzangu.
5 Fel hyn y dywed yr ARGLWYDD: 'Paid � mynd i du375? galar, na mynd i alaru na chydymdeimlo, oherwydd cymerais ymaith fy heddwch oddi wrth y bobl hyn,' medd yr ARGLWYDD, 'a hefyd fy nghariad a'm tosturi.
6Vakuru navaduku vose vachafa munyika ino; havangavigwi, navanhu havangavachemi, kana kuzvicheka nokuzviveura nokuda kwavo;
6 Byddant farw, yn fawr a bach, yn y wlad hon; ni chleddir mohonynt ac ni alerir amdanynt; ni fyddant yn anafu eu cyrff nac yn eillio'u pennau o'u plegid.
7vanhu havangavameduriri chingwa pakuchema kwavo, vachiti vavanyaradze pamusoro pavakafa, uye vanhu havangavapi mukombe wokunyaradza vamwe pamusoro pababa vavo kana mai vavo.
7 Ni rennir bara galar i roi cysur iddynt am y marw, ac nid estynnir cwpan cysur am na thad na mam.
8Newe usapinda muimba yomutambo, kuti ugare navo, uchidya nokumwa.
8 Ac nid ei di i du375? gwledd, i eistedd gyda hwy i fwyta ac yfed.'
9nekuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Tarirai, ndichagumisa panzvimbo ino, muchizviona pamazuva enyu, inzwi rokuseka, nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romwenga.
9 "Fel hyn y dywed ARGLWYDD y Lluoedd, Duw Israel: 'Yn y lle hwn, o flaen eich llygaid ac yn eich dyddiau, rwyf yn rhoi taw ar seiniau llawenydd a hapusrwydd, ar lais priodfab a phriodferch.'
10Zvino kana uchizivisa vanhu ava mashoko awa ose, vachati kwauri, Jehovha wakarevereiko zvakaipa izvi zvikuru zvose pamusoro pedu? Kutadza kwedu ndokwei? Zvivi zedu ndezvei, zvatakaitira Jehovha Mwari wedu?
10 "Pan fynegi'r holl eiriau hyn i'r bobl, dywedant wrthyt, 'Pam y llefarodd yr ARGLWYDD yr holl ddrwg mawr hwn yn ein herbyn? Beth yw ein trosedd? Pa bechod a wnaethom yn erbyn yr ARGLWYDD ein Duw?'
11Ipapo iwe uti kwavari, Zvanzi naJehovha, nekuti madzibaba enyu akandisiya, vakatevera vamwe vamwari, nokuvashumira nokuvanamata, vakandisiya ini, vakasachengeta murayiro wangu;
11 Dywed dithau wrthynt, 'Oherwydd i'ch hynafiaid fy ngadael i,' medd yr ARGLWYDD, 'a rhodio ar �l duwiau eraill, a'u gwasanaethu a'u haddoli, a'm gwrthod i, heb gadw fy nghyfraith.
12zvino imwi makaita zvakaipa kupfuura madzibaba enyu; nekuti tarirai, munofamba mumwe nomumwe nohukukutu hwomoyo wake wakaipa, muchiramba kunditeerera.
12 A gwnaethoch chwi yn waeth na'ch hynafiaid, gan rodio bob un yn �l ystyfnigrwydd ei galon ddrygionus, heb wrando arnaf fi.
13Saka ndichakudzingai panyika ino ndichikuisai kunyika yamakanga musingazivi, kunyange imwi kunyange madzibaba enyu; ipapo muchashumira vamwe vamwari masikati novusiku, nekuti handingakunzwiriyi tsitsi.
13 Am hynny, fe'ch hyrddiaf chwi allan o'r wlad hon i wlad nad adwaenoch chwi na'ch hynafiaid; yno gwasanaethwch dduwiau eraill, ddydd a nos, oherwydd ni wnaf unrhyw ffafr � chwi.'
14Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, mazuva anouya, avachasazoti, NaJehovha mupenyu, wakabvisa vana vaIsiraeri panyika yeEgipita;
14 "Am hynny, y mae'r dyddiau ar ddod," medd yr ARGLWYDD, "pryd na ddywedir mwyach, 'Byw fyddo'r ARGLWYDD a ddygodd dylwyth Israel i fyny o wlad yr Aifft',
15asi NaJehovha mupenyu, wakabvisa vana vaIsiraeri kunyika yokumusoro, nokunyika dzose dzaakanga avadzingira kwadziri. Ndichavadzoserazve kunyika yavo yandakapa madzibaba avo.
15 ond, 'Byw fyddo'r ARGLWYDD a ddygodd dylwyth Israel o dir y gogledd, o'r holl wledydd lle gyrrodd hwy.' Ac fe'u dychwelaf i'w gwlad, y wlad a roddais i'w hynafiaid.
16Zvanzi naJehovha, Tarirai, ndichandodana vabati vazhinji vehove, ivo vachavabata sehove; pashure ndichandodana vavhimi vazhinji, ivo vachavavhima pamakomo ose nezvikomo zvose, napamapako ose amatombo.
16 "Yr wyf yn anfon am bysgotwyr lawer," medd yr ARGLWYDD, "ac fe'u daliant. Wedi hynny anfonaf am helwyr lawer, ac fe'u heliant oddi ar bob mynydd a phob bryn, ac o holltau'r creigiau.
17nekuti meso angu anoona nzira dzavo dzose, hazvina kuvanzika pamberi pangu, zvakaipa zvavo hazvina kuvanziwa pameso angu.
17 Oherwydd y mae fy llygaid ar eu holl ffyrdd hwy; ni chuddiwyd hwy o'm gu373?ydd, ac nid yw eu drygioni wedi ei gelu o'm golwg.
18Ndichatanga kuvatsivira zvakaipa zvavo nezvivi zvavo kaviri, nekuti vakasvibisa nyika yangu nezvitunha zvezvinhu zvavo zvinosemesa, nokuzadza nhaka yangu nezvinonyangadza zvavo.
18 Yn gyntaf, mi dalaf yn ddwbl am eu drygioni a'u pechod, am iddynt halogi fy nhir � chelanedd eu duwiau ffiaidd; llanwodd eu ffieidd-dra fy etifeddiaeth."
19imwi Jehovha, simba rangu, nenhare yangu, nohutiziro hwangu pazuva rokutambudzika, marudzi achauya kwamuri achibva kumigumo yenyika, achiti, Madzibaba edu akagara nhaka yenhema dzoga, zvinhu zvisina maturo, nezvinhu zvisingabatsiri.
19 O ARGLWYDD, fy nerth a'm cadernid, fy noddfa mewn dydd o flinder, atat ti y daw'r cenhedloedd, o gyrion pellaf byd, a dweud, "Diau i'n hynafiaid etifeddu celwydd, oferedd, a phethau di-les.
20Ko munhu ungazviitira vamwari vasati vari vamwari here?
20 A wna rhywun dduw iddo'i hun? Nid yw'r rhain yn dduwiau."
21Naizvozvo, tarirai, ndichavazivisa, ndichavazivisa panguva ino chete ruoko rwangu nesimba rangu; vachaziva kuti zita rangu ndiJehovha.
21 "Am hynny, wele, paraf iddynt wybod; y waith hon mi ddangosaf iddynt fy nerth a'm grym. A deallant mai'r ARGLWYDD yw fy enw.