Shona

Welsh

Jeremiah

23

1Vane nhamo vafudzi vanoparadza nokuparadzira makwai amafuro angu! Ndizvo zvinotaura Jehovha.
1 Gwae chwi fugeiliaid, sydd yn gwasgaru defaid fy mhorfa ac yn eu harwain ar grwydr," medd yr ARGLWYDD.
2Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, pamusoro pavafudzi vanofudza vanhu vangu, Makaparadzira makwai angu, mukaadzinga, mukasaatarira; tarirai, ndichakurovai nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu ndizvo zvinotaura Jehovha.
2 Am hynny fel hyn y dywed yr ARGLWYDD, Duw Israel, am y bugeiliaid sy'n bugeilio fy mhobl: "Gwasgarasoch fy mhraidd, a'u hymlid ymaith, heb wylio drostynt; ond yr wyf fi am ymweld � chwi am eich gwaith drygionus," medd yr ARGLWYDD.
3Ndichaunganidza vakasara vamakwai angu kunyika dzose kwandakanga ndaadzingira, ndichaadzosera kumafuro awo; achaberekana nokuwanda.
3 "Yr wyf fi am gasglu ynghyd weddill fy mhraidd o'r holl wledydd lle y gyrrais hwy, a'u dwyn drachefn i'w corlan; ac fe amlh�nt yn ffrwythlon.
4Ndichaagadzira vafudzi vanowafudza; haangazotyi kana kuvhunduswa, hakuna nerimwe ringashaikwa ndizvo zvinotaura Jehovha.
4 Gosodaf arnynt fugeiliaid a'u bugeilia, ac nid ofnant mwyach, na chael braw; ac ni chosbir hwy," medd yr ARGLWYDD.
5Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha, Mazuva achauya, andichamutsira Dhavhidhi bukira rakarurama, iye uchabata ushe ari mambo, uchaita nohuchenjeri nokururama achiita zvakarurama panyika.
5 "Wele'r dyddiau yn dod," medd yr ARGLWYDD, "y cyfodaf i Ddafydd Flaguryn cyfiawn, brenin a fydd yn llywodraethu'n ddoeth, yn gwneud barn a chyfiawnder yn y tir.
6Pamazuva ake VaJudha vachaponeswa, naVaIsiraeri vachagara vakachengetwa; zita rake raachatumidzwa ndireri, Jehovha ndiye kururama kwedu.
6 Yn ei ddyddiau ef fe achubir Jwda ac fe drig Israel mewn diogelwch; dyma'r enw a roddir iddo: 'Yr ARGLWYDD ein Cyfiawnder.'
7Naizvozvo, tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha mazuva anouya, avasingazoti, NaJehovha mupenyu, wakabudisa vana valsiraeri munyika yeEgipita;
7 "Am hynny, wele'r dyddiau'n dod," medd yr ARGLWYDD, "pryd na ddywed neb mwyach, 'Byw fyddo'r ARGLWYDD a ddygodd dylwyth Israel i fyny o wlad yr Aifft',
8asi, NaJehovha mupenyu, wakabudisa rudzi rweimba yaIsiraeri munyika yokumusoro, achivaperekedza, nomunyika dzose kwandakanga ndavadzingira. Ivo vachagara munyika yavo.
8 ond, 'Byw fyddo'r ARGLWYDD a ddygodd dylwyth Israel o dir y gogledd, a'u tywys o'r holl wledydd lle y gyrrais hwy, i drigo eto yn eu gwlad eu hunain.'"
9Kana vari vaporofita, moyo wangu wakaputsika mukati mangu; mafupa angu ose anozununguka, ndakaita somunhu wakabatwa, somunhu wakundwa newaini, nokuda kwaJehovha, uye nokuda kwamashoko ake matsvene.
9 Am y proffwydi: Torrodd fy nghalon, y mae fy esgyrn i gyd yn crynu; yr wyf fel dyn mewn diod, gu373?r wedi ei orchfygu gan win, oherwydd yr ARGLWYDD ac oherwydd ei eiriau sanctaidd.
10nekuti nyika izere nemhombwe; nekuti nyika inochema nemhaka yokutuka, mafuro erenje akaoma; zvavanovavarira zvakaipa, simba ravo harizakarurama.
10 Y mae'r tir yn llawn o odinebwyr, ac o'u herwydd hwy y mae'r wlad wedi ei deifio, y mae porfeydd yr anialwch wedi crino; y mae eu hynt yn ddrwg a'u cadernid yn ddim.
11nekuti muporofita nomupristi vose vanomhura Jehovha; zvirokwazvo, mumba mangu ndakawana zvakaipa zvavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
11 "Aeth proffwyd ac offeiriad yn annuwiol; o fewn fy nhu375? y cefais eu drygioni," medd yr ARGLWYDD.
12Naizvozvo nzira yavo ichava kwavari senzvimbo dzinotedza murima; vachatinhwa, ndokuwiramo; nekuti ndichavauyisira zvakaipa pagore rokurohwa kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
12 "Am hynny bydd eu ffyrdd fel mannau llithrig; gyrrir hwy i'r tywyllwch, a byddant yn syrthio yno. Canys dygaf ddrygioni arnynt ym mlwyddyn eu cosbi," medd yr ARGLWYDD.
13Ndakaona hupenzi kuvaporofita veSamaria; vakaporofita naBhaari, vakashatisa vanhu vangu Isiraeri.
13 "Ymhlith proffwydi Samaria gwelais beth anweddus: y maent yn proffwydo yn enw Baal, ac yn hudo fy mhobl Israel ar gyfeiliorn.
14Kuvaporofita veJerusaremu ndakaonawo chinhu chinonyangadza, vanoita hupombwe, nokufamba nenhema; vanosimbisa maoko avanoita zvakaipa, naizvozvo hakuna nomumwe unodzoka pazvakaipa zvake; vose vava kwandiri seSodhoma, navagerepo seGomora.
14 Ymhlith proffwydi Jerwsalem gwelais beth erchyll: godinebu a rhodio mewn anwiredd; y maent yn cynnal breichiau'r rhai drygionus, fel na thry neb oddi wrth ei ddrygioni. I mi aethant oll fel Sodom, a'u trigolion fel Gomorra."
15Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo pamusoro pavaporofita, Tarirai, ndichavadyisa gavakava, ndichavamwisa mvura yenduru; nekuti kumhura Jehovha kwakabuda kuvaporofita veJerusaremu kukaenda kunyika yose.
15 Am hynny fel hyn y dywed yr ARGLWYDD, Duw y Lluoedd, am y proffwydi: "Wele, rhof wermod yn fwyd iddynt, a du373?r bustl yn ddiod, canys o blith proffwydi Jerwsalem aeth annuwioldeb allan trwy'r holl dir."
16Zvanzi naJehovha wehondo, Regai kuteerera mashoko avaporofita vanokuporofitirai; vanokudzidzisai zvisina maturo, vanotaura zvavakaona pamoyo yavo, zvisati zviri izvo zvinobuda mumuromo waJehovha.
16 Fel hyn y dywed ARGLWYDD y Lluoedd: "Peidiwch � gwrando ar eiriau'r proffwydi sy'n proffwydo i chwi, gan addo i chwi bethau ffals; y maent yn llefaru gweledigaeth o'u dychymyg eu hunain, ac nid o enau yr ARGLWYDD.
17Vanoramba vachiti kuna vanondizvidza, Jehovha wakati, Muchava norugare; uye kunomumwe nomumwe unofamba nohukukutu hwomoyo wake, vanoti, Hakune chakaipa chingakuwira.
17 Parh�nt i ddweud wrth y rhai sy'n dirmygu gair yr ARGLWYDD, 'Heddwch fo i chwi'; ac wrth bob un sy'n rhodio yn �l ystyfnigrwydd ei galon dywedant, 'Ni ddaw arnoch niwed.'
18nekuti ndiani wakamira parangano yaJehovha, akaona nokunzwa shoko rake? Ndiani wakateerera akanzwa shoko rake?
18 "Pwy a safodd yng nghyngor yr ARGLWYDD, a gweld a chlywed ei air? Pwy a ddaliodd ar ei air, a'i wrando?
19Tarirai, dutu remhepo raJehovha, iko kutsamwa kwake, rabuda, zvirokwazvo dutu rechamupupuri; richamonereka pamisoro yavakaipa.
19 Wele gorwynt yr ARGLWYDD yn mynd allan yn ffyrnig, gan chwyrl�o fel tymestl, a throelli uwchben yr annuwiol.
20Kutsamwa kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira azviita, apedza ndangariro dzomoyo wake; pamazuva okupedzisira muchazvinzwisisa kwazvo.
20 Ni phaid digofaint yr ARGLWYDD nes iddo gwblhau ei fwriadau a'u cyflawni. Yn y dyddiau diwethaf y deallwch hyn yn eglur.
21ini handina kutuma vaporofita ava, kunyange zvakadaro vakamhanya; ini handina kutaura navo, kunyange zvakadaro vakaporofita.
21 Nid anfonais y proffwydi, ond eto fe redant; ni leferais wrthynt, ond eto fe broffwydant.
22Asi dai vakanga vamira parangano yangu, vangadai vakanzwisa vanhu vangu mashoko angu, vakavadzora panzira yavo yakaipa, napazvakaipa zvamabasa avo.
22 Pe baent wedi sefyll yn fy nghyngor, byddent wedi peri i'm pobl wrando ar fy ngeiriau, a'u troi o'u ffyrdd drygionus ac o'u gweithredoedd drwg.
23Ko ini ndiri Mwari uri pedo, ndisati ndiri Mwari uri kure here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
23 "Onid Duw agos wyf fi," medd yr ARGLWYDD, "ac nid Duw pell?
24Ko munhu uripo ungavanda panzvimbo dzisingazikamwi, ini ndikasamuona here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko ini handizadzi denga nenyika here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
24 A all unrhyw un lechu yn y dirgel fel na welaf mohono?" medd yr ARGLWYDD. "Onid wyf yn llenwi'r nefoedd a'r ddaear?" medd yr ARGLWYDD.
25Ndakanzwa zvakarehwa navaporofita, vanoporofita nhema muzita rangu, vachiti, Ndarota hope, ndarota hope.
25 "Clywais yr hyn a ddywedodd y proffwydi sy'n proffwydo celwydd yn fy enw gan ddweud, 'Breuddwydiais, breuddwydiais!'
26Ko izvi zvichavapo pamoyo yavaporofita vanoporofita nhema kusvikira rinhi, ivo vaporofita vezvinonyengera zvemoyo yavo?
26 Pa hyd yr erys ym mwriad y proffwydi broffwydo celwydd � proffwydi hudoliaeth eu calon eu hunain?
27Ivo, vanofunga kukanganisa vanhu vangu zita rangu nokurota kwavo, kwavanoudza mumwe nomumwe hama yake, madzibaba avo sezvavakakangamwa zita rangu nokunamata Bhaari.
27 Bwriadant beri i'm pobl anghofio fy enw trwy adrodd eu breuddwydion y naill wrth y llall, fel y bu i'w hynafiaid anghofio fy enw o achos Baal.
28Muporofita, wakarota, ngaaudze kurota kwake; uneshoko rangu, ngaataure shoko rangu nokutendeka. Mashanga nezviyo zvakaenzana pai? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
28 Y proffwyd sydd � breuddwyd ganddo, myneged ei freuddwyd, a'r hwn sydd �'m gair i ganddo, llefared fy ngair yn ffyddlon. Beth sy'n gyffredin rhwng gwellt a gwenith?" medd yr ARGLWYDD.
29Shoko rangu harina kudaro here, semoto? Ndizvo zvinotaura Jehovha; uye senyundo inoputsanya dombo here?
29 "Onid yw fy ngair fel t�n," medd yr ARGLWYDD, "ac fel gordd sy'n dryllio'r graig?
30Naizvozvo, tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha, handina hukama navaporofita, vanoba mashoko angu mumwe nomumwe kunowokwake.
30 Am hynny, wele fi yn erbyn y proffwydi sy'n lladrata fy ngeiriau oddi ar ei gilydd," medd yr ARGLWYDD.
31Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha, handina hukama navaporofita, vanoreva namarimi avo, vachiti, Ndiye unodaro.
31 "Wele fi yn erbyn y proffwydi sy'n llunio geiriau ac yn eu cyhoeddi fel oracl," medd yr ARGLWYDD.
32Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha, handina hukama navanoporofita kurota kwavo kwenhema, vachiudza vamwe, vachirashisa vanhu vangu nenhema dzavo uye nokuzvirumbidza kwavo kusina maturo; kunyange zvakadaro handina kuvatuma, kana kuvaraira; uye havatongobatsiri vanhu ava, ndizvo zvinotaura Jehovha.
32 "Wele fi yn erbyn y rhai sy'n proffwydo breuddwydion gau, yn eu hadrodd, ac yn hudo fy mhobl �'u hanwiredd a'u gwagedd," medd yr ARGLWYDD. "Nid anfonais i mohonynt, na rhoi gorchymyn iddynt; ni wn�nt ddim lles i'r bobl hyn," medd yr ARGLWYDD.
33Zvino kana vanhu ava, kana muporofita kana mupristi, vakakubvunza, vachiti, Chirevo chaJehovha ndechipiko? Ipapo uti kwavari, Chirevo chei! Ini ndichakurasai, ndizvo zvinotaura Jehovha.
33 "Pan ofynnir iti gan y bobl hyn, neu gan broffwyd neu offeiriad, 'Beth yw baich yr ARGLWYDD?' dywedi wrthynt, 'Chwi yw'r baich; ac fe'ch bwriaf ymaith, medd yr ARGLWYDD.'
34Kana ari muporofita, kana mupristi, kana vanhu, kana vachiti, Chirevo chaJehovha; ndicharova munhu uyo neimba yake.
34 Os dywed proffwyd neu offeiriad neu'r bobl, 'Baich yr ARGLWYDD', mi gosbaf hwnnw a'i du375?.
35Ndizvo zvamunofanira kuti, mumwe nomumwe kunowokwake, nomumwe nomumwe kuhama yake, Jehovha wakapindurei? Jehovha wakataurei?
35 Fel hyn y bydd pob un ohonoch yn dweud wrth siarad ymhlith eich gilydd: 'Beth a etyb yr ARGLWYDD?' neu, 'Beth a lefara'r ARGLWYDD?'
36Musazoti chirevo chaJehovha; nekuti shoko romunhu mumwe nomumwe ndicho chirevo chake; nekuti makakanganisa mashoko aMwari mupenyu, aJehovha wehondo, Mwari wedu.
36 Ond ni fyddwch yn s�n eto am 'faich yr ARGLWYDD', oherwydd daeth 'baich' i olygu eich gair chwi eich hunain; yr ydych wedi gwyrdroi geiriau'r Duw byw, ARGLWYDD y Lluoedd, ein Duw ni.
37Uti kumuporofita, Jehovha wakakupindurei? Jehovha wakataurei?
37 Fel hyn y dywedi wrth y proffwyd hwnnw: 'Pa ateb a roes yr ARGLWYDD iti?', neu, 'Beth a lefarodd wrthyt?'
38Asi kana mukati, Chirevo chaJehovha; zvanzi naJehovha, Zvamunoreva shoko iri, muchiti, chirevo chaJehovha, ini zvandakatuma shoko kwamuri ndichiti, Musati, chirevo chaJehovha;
38 Ac os dywedwch, 'Baich yr ARGLWYDD', yna, fel hyn y dywed yr ARGLWYDD: Am i chwi ddefnyddio'r gair hwn, 'Baich yr ARGLWYDD', er i mi anfon atoch a dweud, 'Peidiwch � defnyddio "Baich yr ARGLWYDD",'
39naizvozvo tarirai, ndichakukangamwai chose, ndichakurashai kure neni, imi, neguta randakakupai imwi namadzibaba enyu;
39 fe'ch codaf chwi fel baich a'ch taflu o'm gu373?ydd, chwi a'r ddinas a roddais i chwi ac i'ch hynafiaid.
40ndichauyisa pamusoro penyu kushoorwa kusingaperi, nokunyadziswa kusingaperi, zvisingazokanganikwi.
40 Rhof arnoch warth tragwyddol a gwaradwydd tragwyddol nas anghofir."