Shona

Welsh

Jeremiah

31

1Nenguva iyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichava Mwari wamarudzi ose aIsiraeri, naivo vachava vanhu vangu.
1 "Yr adeg honno," medd yr ARGLWYDD, "byddaf fi'n Dduw i holl deuluoedd Israel, a byddant hwy'n bobl i mi."
2Vanhu vakapukunyuka pamunondo, ivo vaIsiraeri, vakawana nyasha murenje, panguva yandakandovazorodza.
2 Fel hyn y dywed yr ARGLWYDD: "Cafodd y bobl a osg�dd y cleddyf ffafr yn yr anialwch; tramwyodd Israel i gael llonydd iddo'i hun.
3Jehovha wakazviratidza kwandiri ari kure, akati, Zvirokwazvo, ndakabuda norudo rusingaperi, naizvozvo ndakakukweva nohunyoro.
3 Erstalwm ymddangosodd yr ARGLWYDD iddo. Cerais di � chariad diderfyn; am hynny parheais yn ffyddlon iti.
4Ndichakuvakazve, ipapo uchava wakavakwa, iwe mhandara yaIsiraeri; uchashongedzazve ngoma dzako, uchabuda kundotamba navanofara.
4 Adeiladaf di drachefn, y wyryf Israel, a chei dy adeiladu; cei ymdrwsio eto �'th dympanau, a mynd allan yn llawen i'r ddawns.
5Uchasimazve minda yemizambiringa pamakomo eSamaria; vasimi vachasima nokudya zvibereko zvayo.
5 Cei blannu eto winllannoedd ar fryniau Samaria, a'r rhai sy'n plannu fydd yn cymryd y ffrwyth.
6nekuti zuva richasvika, naro nharirire dzichadana pamakomo aEfuremu, dzichiti, Simukai imi, tikwire Ziyoni kuna Jehovha Mwari wedu.
6 Oherwydd daw dydd pan fydd gwylwyr ym Mynydd Effraim yn galw, 'Codwch, dringwn i Seion at yr ARGLWYDD ein Duw.'"
7nekuti zvanzi naJehovha, Imbirai Jakove nomufaro, pururudzirai mukuru wamarudzi; paridzirai, rumbidzai muti, Jehovha, ponesai vanhu venyu, ivo vakasara vaIsiraeri
7 Fel hyn y dywed yr ARGLWYDD: "Canwch orfoledd i Jacob, a chodwch g�n i'r bennaf o'r cenhedloedd; cyhoeddwch, molwch a dywedwch, 'Gwaredodd yr ARGLWYDD dy bobl, sef gweddill Israel.'
8Tarirai ndichavavuyisa vachibva kunyika yokumusoro, ndichavaunganidza kumigumo yenyika, pamwechete namapofu, nemhetamakumbo, navakadzi vava nomuviri pamwechete navanosurumuka; vachadzokera kuno riri boka guru.
8 "Ie, dygaf hwy o dir y gogledd, casglaf hwy o bellafoedd byd; gyda hwy daw'r dall a'r cloff, y feichiog ynghyd �'r hon sy'n esgor; yn gynulliad mawr fe ddychwelant yma.
9Vachauya vachichema, ndichavaperekedza vachinyengetera; ndichivafambisa panzizi dzemvura zhinji, nenzira yakarurama, pavasingazogumburwi; nekuti ndiri baba kuna Isiraeri, Efuremu idangwe rangu.
9 D�nt dan wylo, ond arweiniaf fi hwy � thosturi, tywysaf hwy wrth ffrydiau dyfroedd ar ffordd union na faglant ynddi. Yr wyf yn dad i Israel, ac Effraim yw fy nghyntafanedig.
10Inzwai shoko raJehovha, imwi marudzi, muriparidzire pazviwi zviri kure, muti, Wakaparadzira Isiraeri, ndiye uchavaunganidza, nokuvachengeta, sezvinoita mufudzi boka rake.
10 "Clywch air yr ARGLWYDD, genhedloedd; cyhoeddwch yn yr ynysoedd pell, a dweud, 'Yr un a wasgarodd Israel fydd yn ei gasglu; bydd yn gwylio drosto fel bugail dros ei braidd.'
11nekuti Jehovha wakadzikunura Jakove, akamurwira muruoko rwounopfuura nesimba.
11 Canys yr ARGLWYDD a waredodd Jacob, a'i achub o afael un trech nag ef.
12Vachauya vachiimba panzvimbo yakakwirira yeZiyoni, vachayerera semvura kune zvakanaka zvaJehovha, kuzviyo, nokuwaini itsva, nokumafuta, nokuzvibereko zvamakwai nemombe; mweya wavo uchava somunda wakadiridzwa, havangatongovi nokusuwazve.
12 D�nt a chanu yn uchelder Seion; ymddisgleiriant gan ddaioni'r ARGLWYDD, oherwydd yr u375?d a'r gwin a'r olew, ac oherwydd epil y defaid a'r gwartheg. A bydd eu bywyd fel gardd ddyfradwy, heb ddim nychdod mwyach.
13Ipapo mhandara ichafara nokutamba, namajaya navatana pamwechete; nekuti ndichashandura kuchema kwavo uve mufaro, ndichavanyaradza, nokuvafadza pakusuwa kwavo.
13 Yna fe lawenha'r ferch mewn dawns, a'r gwu375?r ifainc a'r hen hefyd ynghyd; trof eu galar yn orfoledd a diddanaf hwy; gwnaf eu llawenydd yn fwy na'u gofid.
14Ndichagutisa mweya yavapristi namafuta, uye vanhu vangu vachaguta nezvakanaka zvangu ndizvo zvinotaura Jehovha.
14 Diwallaf yr offeiriaid � braster, a digonir fy mhobl �'m daioni," medd yr ARGLWYDD.
15Zvanzi naJehovha, Inzwi rinonzwika muRama, rokuwungudza nokuchema kukuru, Rakeri unochema vana vake; unoramba kunyaradzwa pamusoro pavana vake, nekuti havachipo.
15 Fel hyn y dywed yr ARGLWYDD: "Clywir llef yn Rama, galarnad ac wylofain, Rachel yn wylo am ei phlant, yn gwrthod ei chysuro am ei phlant, oherwydd nad ydynt mwy."
16Zvanzi naJehovha, Dzora inzwi rako pakuchema, nameso ako pamisodzi, nekuti basa rako richaripirwa mubayiro, ndizvo zvinotaura Jehovha; vachadzokazve vachibva kunyika yavavengi vavo.
16 Fel hyn y dywed yr ARGLWYDD: "Paid ag wylo, ymatal rhag dagrau, oherwydd y mae elw i'th lafur," medd yr ARGLWYDD; "dychwelant o wlad y gelyn.
17Mugumo wako une tariro, ndizvo zvinotaura Jehovha; vana vako vachadzokerazve kumiganho yavo.
17 Y mae gobaith iti yn y diwedd," medd yr ARGLWYDD; "fe ddychwel dy blant i'w bro eu hunain.
18Zvirokwazvo ndakanzwa Efuremu achizvichema, achiti, Imi makandirova, ndikarohwa semhuru isina kupingudzwa; ndidzoserei imi, ipapo ndichadzoka, nekuti imwi muri Jehovha Mwari wangu.
18 Gwrandewais yn astud ar Effraim yn cwyno, 'Disgyblaist fi fel llo heb ei ddofi, a chymerais fy nisgyblu; adfer fi, imi ddychwelyd, oherwydd ti yw'r ARGLWYDD fy Nuw.
19Zvirokwazvo, ndakati ndadzoka, ndikatendeuka, ndakati ndarairirwa, ndikazvirova pahudyu; ndakanyadziswa, zvirokwazvo, ndakanyara, nekuti ndakatakura kushoorwa kohuduku hwangu.
19 Wedi imi droi, bu edifar gennyf; wedi i mi ddysgu, trewais fy nghlun; cefais fy nghywilyddio a'm gwaradwyddo, gan ddwyn gwarth fy ieuenctid.'
20Ko Efuremu ndiye mwanakomana wangu unodikamwa here? Ndiye mwana unondifadza here? nekuti nguva dzose kana ndichimutuka, ndinoramba ndichimurangarira kwazvo; naizvozvo moyo wangu unomuchemera; zvirokwazvo, ndichamunzwira nyasha, ndizvo zvinotaura Jehovha.
20 "A yw Effraim yn fab annwyl, ac yn blentyn hyfryd i mi? Bob tro y llefaraf yn ei erbyn, parhaf i'w gofio o hyd. Y mae fy enaid yn dyheu amdano, ni allaf beidio � thrugarhau wrtho," medd yr ARGLWYDD.
21Zvimisirei shongwe dzenzira, zviitirei zvino; rerekerai moyo yenyu kunzira huru, iyo nzira yamakafamba nayo; dzokazve, mhandara yaIsiraeri, dzokerazve kumaguta ako awa.
21 "Cyfod iti arwyddion, gosod iti fynegbyst, astudia'r ffordd yn fanwl, y briffordd a dramwyaist; dychwel, wyryf Israel, dychwel i'th ddinasoedd hyn.
22Ucharamba uchifambiramo kusvikira rinhiko, iwe mukunda wokudzokera shure? nekuti Jehovha wakasika chinhu chitsva panyika, chokuti mukadzi uchambundikira murume.
22 Pa hyd y byddi'n ymdroi, ferch anwadal? Y mae'r ARGLWYDD wedi creu peth newydd ar y ddaear, benyw yn amddiffyn gu373?r."
23Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Vachataurazve shoko iri munyika yaJudha nomumaguta ayo, kana ndichidzosazve kutapwa kwavo, vachiti, Jehovha ngaakuropafadze, iwe hugaro hwokururama, iwe gomo rohutsvene.
23 Fel hyn y dywed ARGLWYDD y Lluoedd, Duw Israel: "Dywedir eto y gair hwn yn nhir Jwda a'i dinasoedd, pan adferaf ei llwyddiant: 'Bendithied yr ARGLWYDD di, gartref cyfiawnder, fynydd sanctaidd.'
24Judha namaguta avo ose vachagaramo pamwechete, varimi navanofamba namapoka avo.
24 Yno bydd Jwda a'i dinasoedd yn preswylio ynghyd, yr amaethwyr a bugeiliaid y praidd;
25nekuti ndakagutsa mweya wakaneta, nomweya mumwe nomumwe, unokusuwa, ndakausimbisa.
25 paraf wlychu llwnc y sychedig, a digoni pob un sydd yn nychu."
26Ipapo ndakamuka, ndikaona; hope dzangu dzingandizipira.
26 Ar hyn deffroais a sylwi, a melys oedd fy nghwsg imi.
27Zvanzi naJehovha, Tarirai, mazuva anouya, andichadzvara paimba yaIsiraeri napaimba yaJudha mbeu dzavanhu nembeu dzezvipfuwo.
27 "Y mae'r dyddiau'n dod," medd yr ARGLWYDD, "yr heuaf du375? Israel a thu375? Jwda � had dyn ac � had anifail.
28Zvino sezvandakavarindira, ndichidzura nokukoromora nokuwisira pasi nokuparadza nokutambudza, saizvozvo ndichavarindira ndivake nokusima ndizvo zvinotaura Jehovha.
28 Ac fel y gwyliais drostynt i ddiwreiddio a thynnu i lawr, i ddymchwel a dinistrio a pheri drwg, felly y gwyliaf drostynt i adeiladu a phlannu," medd yr ARGLWYDD.
29Namazuva awo havangazoti, Madzibaba akadya mazambiringa anovava; meno avana ndokurwadzira.
29 "Yn y dyddiau hynny, ni ddywedir mwyach, 'Y rhieni fu'n bwyta grawnwin surion, ond ar ddannedd y plant y mae dincod.'
30Asi mumwe nomumwe uchafira zvakaipa zvake; mumwe nomumwe, unodya mazambiringa anovava, meno ake achabwadzira.
30 Oherwydd bydd pob un yn marw am ei gamwedd ei hun; y sawl fydd yn bwyta grawnwin surion, ar ei ddannedd ef y bydd dincod.
31Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichaita sungano itsva neimba yaIsiraeri, neimba yaJudha.
31 "Y mae'r dyddiau'n dod," medd yr ARGLWYDD, "y gwnaf gyfamod newydd � thu375? Israel ac � thu375? Jwda.
32Haingafanani nesungano yandakaita namadzibaba avo namazuva andakavabata ruoko ndikavabudisa munyika yeEgipita, vakaputsa sungano yangu iyo, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari ndizvo zvinotaura Jehovha.
32 Ni fydd yn debyg i'r cyfamod a wneuthum �'u hynafiaid, y dydd y gafaelais yn eu llaw i'w harwain allan o wlad yr Aifft. Torasant y cyfamod hwnnw, er mai myfi oedd yn arglwydd arnynt," medd yr ARGLWYDD.
33Asi heyi sungano yandichaita neimba yalsiraeri shure kwamazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Jehovha, Ndichaisa murayiro wangu mukati mavo, ndichaunyora pamoyo yavo; ini ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.
33 "Ond dyma'r cyfamod a wnaf � thu375? Israel ar �l y dyddiau hynny," medd yr ARGLWYDD; "rhof fy nghyfraith o'u mewn, ysgrifennaf hi ar eu calon, a byddaf fi'n Dduw iddynt a hwythau'n bobl i mi.
34Havangazodzidzisani, mumwe nomumwe nowokwake, mumwe nomumwe nehama yake, achiti, Ziva Jehovha; nekuti vachandiziva vose, kubva kuvaduku pakati pavo, kusvikira kuvakuru pakati pavo, ndizvo zvinotaura Jehovha; nekuti ndichakangamwira kuipa kwavo, nezvivi zvavo handingazozvirangariri.
34 Ac ni fyddant mwyach yn dysgu bob un ei gymydog a phob un ei berthynas, gan ddweud, 'Adnebydd yr ARGLWYDD'; oblegid byddant i gyd yn f'adnabod, o'r lleiaf hyd y mwyaf ohonynt," medd yr ARGLWYDD, "oherwydd maddeuaf iddynt eu drygioni, ac ni chofiaf eu pechodau byth mwy."
35Zvanzi naJehovha, iye unopa zuva rive chiedza masikati, nemirairo yomwedzi neyenyeredzi zvive chiedza vusiku, iye unomutsa gungwa, kuti mafungu aro atinhire, Jehovha wehondo ndiro zita rake.
35 Fel hyn y dywed yr ARGLWYDD, sy'n rhoi'r haul yn oleuni'r dydd, a threfn y lleuad a'r s�r yn oleuni'r nos, sy'n cynhyrfu'r m�r nes bod ei donnau'n rhuo (ARGLWYDD y Lluoedd yw ei enw):
36Kana mirairo iyi ikabva pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ipapo vana vaIsiraeriwo vangagumawo kuva rudzi pamberi pangu nokusingaperi.
36 "Os cilia'r drefn hon o'm gu373?ydd," medd yr ARGLWYDD, "yna bydd had Israel yn peidio hyd byth � bod yn genedl ger fy mron."
37Zvanzi naJehovha, Kana denga kumusoro richibvira kuyerwa, nenheyo dzenyika pasi dzichibvira kunzverwa, ipapo neniwo ndicharasha vana vose vaIsiraeri nokuda kwezvose zvavakaita, ndizvo zvinotaura Jehovha.
37 Fel hyn y dywed yr ARGLWYDD: "Pe gellid mesur y nefoedd fry, a chwilio sylfeini'r ddaear isod, gwrthodwn innau hefyd holl had Israel am yr holl bethau a wnaethant," medd yr ARGLWYDD.
38Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, achavakirwa Jehovha guta kubva pashongwe yaHananeri kusvikira kusuwo rekona.
38 "Y mae'r dyddiau'n dod," medd yr ARGLWYDD, "yr ailadeiledir y ddinas i'r ARGLWYDD, o du373?r Hananel hyd Borth y Gongl,
39Uye rwonzi rwokuyera narwo ruchapfuura ruchiruramira kuchikomo cheGarebhi, ndokudzoka kusvikira paGoa.
39 a gosodir y llinyn mesur eto gyferbyn � hi, dros fryn Gareb, a throi tua Goath.
40Mupata wose wezvitunha nowamadota, neminda yose kusvikira kurukova Kidhironi, kusvikira kukona resuwo ramabhiza kurutivi rwamabvazuva, zvichava zvitsvene kuna Jehovha; hazvingazodzurwi, kana kuparadzwa nokusingaperi.
40 A bydd holl ddyffryn y celanedd a'r lludw, a'r holl feysydd hyd nant Cidron, hyd gongl Porth y Meirch yn y dwyrain, yn sanctaidd i'r ARGLWYDD. Ni ddiwreiddir mo'r ddinas, ac ni ddymchwelir mohoni mwyach hyd byth."