1Zvino Jerusaremu rakati rakundwa, negore repfumbamwe raZedhekia mambo waJudha, nomwedzi wegumi, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi akauya nehondo yake yose kuzorwa neJerusaremu, ndokurikomba.
1 Yn y nawfed flwyddyn i Sedeceia brenin Jwda, yn y degfed mis, daeth Nebuchadnesar brenin Babilon a'i holl lu yn erbyn Jerwsalem a gwarchae arni;
2Zvino negore regumi nerimwe raZedhekia, nomwedzi wechina, nezuva repfumbamwe romwedzi vakakoromora rusvingo rweguta,
2 ac yn yr unfed flwyddyn ar ddeg i Sedeceia, yn y pedwerydd mis, ar y nawfed dydd torrwyd bwlch ym mur y ddinas.
3machinda ose amambo weBhabhironi akapinda, akagara pasi musuwo rapakati, vaiti Nerigarisharezeri, naSamigarinebho, naSherisekimu mukuru wavaranda, naNerigarisharezeri mukuru wen'anga, pamwechete namachinda ose amambo weBhabhironi.
3 Daeth holl swyddogion brenin Babilon i mewn a sefyll yn y Porth Canol, sef Nergal-sareser, Samgar-nebo, Sarsechim, Rabsaris, Nergal-sareser, Rabmag, a holl swyddogion eraill brenin Babilon.
4Zvino Zedhekia mambo waJudha navarwi vose vakati vachivaona vakatiza, vakabuda muguta vusiku, vachienda nenzira yokumunda wamambo, napasuwo raiva pakati pamasvingo maviri; akabuda achienda kumapani.
4 Pan welodd Sedeceia brenin Jwda a'i holl filwyr hwy, ffoesant a gadael y ddinas liw nos, gan ddilyn ffordd gardd y brenin i'r porth rhwng y ddau fur, ac allan i ffordd Araba.
5Asi hondo yavaKaradhea yakadzingana navo, vakabata Zedhekia pamapani eJeriko; zvino vakati vamubata, vakaenda naye kuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, iye akamutonga.
5 Ond canlynodd llu'r Caldeaid hwy, a goddiweddyd Sedeceia yn rhosydd Jericho a'i ddal, a'i ddwyn at Nebuchadnesar brenin Babilon yn Ribla yng ngwlad Hamath; yno y dyfarnwyd arno.
6Ipapo mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia paRibhira iye akatarira; uye mambo weBhabhironi wakaurayawo vakuru vose vaJudha.
6 A lladdodd brenin Babilon feibion Sedeceia o flaen ei lygaid yn Ribla; a lladdodd brenin Babilon hefyd holl uchelwyr Jwda.
7Akatumburawo meso aZedhekia, akamusunga namaketani kuti amuise Bhabhironi.
7 Yna fe dynnodd lygaid Sedeceia, a'i rwymo mewn cadwynau pres i'w ddwyn i Fabilon.
8VaKaradhea vakapisa imba yamambo, nedzimba dzavanhu nomoto, vakakoromora masvingo Jerusaremu.
8 Llosgodd y Caldeaid � th�n blasty'r brenin a thai'r bobl, a dryllio muriau Jerwsalem.
9Ipapo Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akatapa vanhu vakanga vasara muguta, navashanduki vakanga vauya kwaari, navamwe vanhu vakanga vasara, akavaisa Bhabhironi.
9 Yna caethgludodd Nebusaradan, pennaeth y milwyr, weddill y bobl i Fabilon, sef y rhai oedd wedi eu gadael yn y ddinas, a'r rhai oedd wedi troi ato ef;
10Asi Nebhuzaradhani mukuru wavarindi wakasiya munyika yaJudha vamwe varombo vavanhu, vakanga vasina chinhu, akavapa minda yemizambiringa nemimwe minda nenguva iyo.
10 a gadawodd yng ngwlad Jwda rai pobl dlawd nad oedd ganddynt ddim, a rhoi iddynt yr adeg honno winllannoedd a meysydd.
11Nebhukadhirezari weBhabhironi akaraira Nebhuzaradhani mukuru wavarindi pamusoro paJeremiya, achiti,
11 Rhoddodd Nebuchadnesar brenin Babilon orchymyn ynghylch Jeremeia trwy law Nebusaradan, pennaeth y milwyr, a dweud,
12Mumubate, mumuchengete zvakanaka, murege kumuitira chakaipa; asi mumuitire sezvaanotaura kwamuri.
12 "Cymer ef a gofala amdano; paid � gwneud dim niwed iddo, ond gwneud fel y dywed wrthyt."
13Naizvozvo Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akatuma nhume, naNebhushazibhani, mukuru wavaranda, naNerigarisharezeri mukuru wen'anga, navatariri vakuru vose vamambo weBhabhironi,
13 Yna anfonodd Nebusaradan, pennaeth y milwyr, a Nebusasban, Rabsaris, Nergal-sareser, Rabmag a holl benaethiaid brenin Babilon,
14ivo vakatuma nhume, vakandotora Jeremiya muruvazhe rwavarindi, vakamuisa kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti aende naye kumusha kwake. Naizvozvo wakagara pakati pavanhu.
14 a chymryd Jeremeia o gyntedd y gwylwyr, a'i roi i Gedaleia fab Ahicam, fab Saffan, i'w gyrchu adref; a thrigodd ymhlith y bobl.
15Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, panguva yaakanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi, richiti,
15 Daeth gair yr ARGLWYDD at Jeremeia pan oedd yn garcharor yng nghyntedd y gwylwyr, a dweud,
16Enda, utaure naEbhedhimereki muItiopia, uti, zvanzi naJehovha wehondo, Mwari walsiraeri, tarira, ndichaitira guta rino sezvandakareva, ndichariitira zvakaipa, handingariitira zvakanaka; zvichaitika nezuva iro iwe uchizviona.
16 "Dos a dywed wrth Ebed-melech yr Ethiopiad, 'Fel hyn y dywed ARGLWYDD y Lluoedd, Duw Israel: Yr wyf yn dwyn fy ngeiriau yn erbyn y ddinas hon er drwg ac nid er lles, a chyflawnir hwy yn dy u373?ydd y dydd hwnnw.
17Asi iwe ndichakurwira nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha; iwe haungaiswi mumaoko avanhu vaunotya.
17 Ond gwaredaf di y dydd hwnnw,' medd yr ARGLWYDD, 'ac ni'th roddir yng ngafael y dynion y mae arnat eu hofn.
18nekuti zvirokwazvo ndichakuponesa, haungaurawi nomunondo, asi hupenyu hwako huchava kwauri chinhu chakapambwa, zvawakavimba neni, ndizvo zvinotaura Jehovha.
18 Oherwydd rwy'n sicr o'th waredu, ac ni syrthi trwy'r cleddyf; byddi'n arbed dy fywyd am dy fod wedi ymddiried ynof fi,' medd yr ARGLWYDD."