Shona

Welsh

Nahum

3

1Guta reropa rine nhamo! Rizere nenhema nokupamba; zvakapambwa hazviperimo.
1 Gwae'r ddinas waedlyd, sy'n dwyll i gyd, yn llawn anrhaith a heb derfyn ar ysbail!
2Kurira kwetyava, nomubvumo wokutinhira kwamakumbo engoro, nowokutsika kwamabhiza, nengoro dzinojata,
2 Clec y chwip, trwst olwynion, meirch yn carlamu a cherbydau'n ysgytian,
3nowavatasvi vanomhanyisa, nomunondo unopenya, nepfumo rinovaima, navazhinji vakaurawa, nomurwi mukuru wezvitunha; zvitunha hazviperi, vanogumburwa nezvitunha zvavo;
3 marchogion yn ymosod, cleddyfau'n disgleirio, gwaywffyn yn fflachio. Llu o glwyfedigion, pentyrrau o gyrff, meirwon dirifedi � baglant dros y cyrff.
4nemhaka yokufeva kuzhinji kwechifeve chakanaka pakudikamwa, iye mwene wouroyi, anotengesa marudzi avanhu nokufeva kwake, nemhuri dzavanhu nouroyi hwake.
4 Y cyfan oherwydd puteindra mynych y butain, y deg ei phryd, meistres swynion, a dwyllodd genhedloedd �'i phuteindra, a phobloedd �'i swynion.
5Tarira, ndine mhaka newe ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichakufukura ndiise nguvo dzako kuchiso chako; ndicharatidza marudzi ose kushama kwako, uye ushe hwose kunyara kwako.
5 "Wele fi yn dy erbyn," medd ARGLWYDD y Lluoedd. "Codaf odre dy wisg at dy wyneb, a dangosaf dy noethni i'r cenhedloedd, a'th warth i'r teyrnasoedd.
6Ndichakandira pamusoro pako tsvina inosemesa, nokukushatisa, nokukuita chinhu chinotarirwa navose.
6 Taflaf fudreddi drosot, gwaradwyddaf di a'th wneud yn sioe.
7Ipapo vose vanokuona vachakutiza, vachiti, Ninivhe raparadzwa, ndiani acharichema? Ndichakutsvakirepi vanyaradzi?
7 Yna bydd pob un a'th w�l yn cilio oddi wrthyt ac yn dweud, 'Difethwyd Ninefe, pwy a gydymdeimla � hi?' O ble y ceisiaf rai i'th gysuro?"
8Ko iwe unopfuura No-amoni, rakanga rakavakwa pakati penzizi, rakanga rakapoteredzwa nemvura; rusvingo rwaro raiva gungwa, namadziro aro raiva gungwazve?
8 A wyt yn well na Thebes, sydd ar lannau'r Neil, gyda du373?r o'i hamgylch, y m�r yn fur, a'r lli yn wrthglawdd iddi?
9Itiopia neEgipita raiva simba raro, rakanga risina mugumo; Puti neRubhimi vaiva vabatsiri vako.
9 Ethiopia oedd ei chadernid, a'r Aifft hefyd, a hynny'n ddihysbydd; Put a Libya oedd ei chymorth.
10Kunyange zvakadaro vakazoenda naro, rakatapwa; vana varo vaduku vakaputsanyiwa pakuvamba kwenzira dzose dzomumusha; vakakanda mijenya pamusoro pavaikudzwa pakati pavo, vakuru varo vose vakasungwa namangetani.
10 Ond dygwyd hithau ymaith a'i chaethgludo; drylliwyd ei phlantos ar ben pob heol; bwriwyd coelbren am ei huchelwyr, a rhwymwyd ei mawrion � chadwynau.
11Newewo uchabatwa newaini, uchandovanda; newewo uchandotsvaka nhare nemhaka yomuvengi wako.
11 Byddi dithau hefyd yn chwil a chuddiedig, ac yn ceisio noddfa rhag y gelyn.
12Nhare dzako dzose dzichafanana nemionde ina maonde otanga kuibva; kana ichizunzwa, anowira mumuromo woanodya.
12 Bydd dy holl amddiffynfeydd fel coed ffigys gyda'u ffigys cynnar aeddfed; pan ysgydwir hwy, syrthiant i geg y bwytawr.
13Tarira, vanhu vako pakati pako vakaita savakadzi; masuwo enyika yako azarurirwa vavengi vako kwazvo; moto wapedza zvipfigiso zvako.
13 Wele, gwragedd yw dy filwyr yn dy ganol, y mae pyrth dy wlad yn agored i'th elynion, a th�n wedi ysu eu barrau.
14Zvicherere mvura yokumwa pakukombwa kwako, simbisa nhare dzako, pinda mudope ukanye ivhu, ubate foroma.
14 Tyn ddu373?r ar gyfer gwarchae, cryfha dy amddiffynfeydd; dos at y clai, sathra'r pridd, moldia briddfeini.
15Moto uchakupedzapo, munondo uchakuparadza, uchakupedza segwatakwata; zviitei vazhinji segwatakwata, zviitei vazhinji semhashu.
15 Er hynny, cei dy ddifa gan d�n, fe'th dorrir ymaith �'r cleddyf, ac fe'th ysir fel gan locust. Lluosoga fel y locust, lluosoga fel y sbonciwr, haid sy'n ymledu ac yn hedfan ymaith.
16Makawanza vatengesi venyu vakapfuura nyeredzi dzokudenga; gwatakwata rinoparadza, ndokubhururuka richienda.
16 Y mae dy farsiand�wyr yn lluosocach na s�r y nefoedd,
17Machinda enyu akaita semhashu, vakuru venyu semhashu zhinji-zhinji, dzinovata pazhowa kana kune chando, asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, hadzichazikamwi kwadziri.
17 dy dywysogion fel locustiaid, dy gapteiniaid fel cwmwl o sboncwyr � ymsefydlant ar y muriau ar ddiwrnod oer, ond pan gyfyd yr haul ehedant ymaith, ac ni u373?yr neb ble maent.
18Vafudzi vako vanotsumwaira, iwe mambo weAsiria, vakakudzwa vako vanyarara, vanhu vako vakapararira pamakomo, hakuna angavaunganidza.
18 Cysgu y mae dy fugeiliaid, O frenin Asyria, a'th arweinwyr yn gorffwyso; gwasgarwyd dy luoedd hyd y mynyddoedd, heb neb i'w casglu.
19Kukuvadzwa kwako hakungarapwi, vanga rako rakaipa kwazvo; vose vanonzwa guhu rako vachakuitira nondo; nekuti ndianiko akanga asingatambudzwi nguva dzose nezvakashata zvako?
19 Ni ellir lliniaru dy glwyf; y mae dy archoll yn ddwfn. Bydd pob un a glyw'r newydd amdanat yn curo'i ddwylo o'th blegid. A oes rhywun nad yw wedi dioddef oddi wrth dy ddrygioni diddiwedd?