1Zvakaonekwa naObhadhiya. Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro paEdhomu, Takanzwa mashoko akabva kuna Jehovha, nhume yatumwa pakati pamarudzi ichiti, Simukai, ngativamukire kuzorwa navo.
1 Gweledigaeth Obadeia. Fel hyn y dywed yr Arglwydd DDUW am Edom (clywsom genadwri gan yr ARGLWYDD; anfonwyd cennad i blith y cenhedloedd: "Codwch! Gadewch inni fynd i frwydr yn eu herbyn"):
2Tarirai, ndakakuitai vaduku pakati pamarudzi, makazvidzwa kwazvo.
2 "Wele, gwnaf di'n fychan ymysg y cenhedloedd, ac fe'th lwyr ddirmygir.
3Kuzvikudza kwemwoyo yenyu kwakakunyengerai, iyemi, mugere mumikaha yamatombo, munougaro hwakakwirira, vanoti mumwoyo yavo, Ndianiko ungatiwisira pasi?
3 Twyllwyd di gan dy galon falch, ti sy'n byw yn agennau'r graig, a'th drigfan yn uchel; dywedi yn dy galon, 'Pwy a'm tyn i'r llawr?'
4Kunyange mukabhururukira kumusoro segondo, uye kunyange dendere renyu rikaiswa pakati penyeredzi, ndichakuwisiraipo pasi ndizvo zvinotaura Jehovha.
4 Er iti esgyn cyn uched �'r eryr, a gosod dy nyth ymysg y s�r, fe'th hyrddiaf i lawr oddi yno," medd yr ARGLWYDD.
5Dai mbavha dzaisvika kwamuri, kana makororo usiku (aiwa, makaparadzwa sei!) havazaiba kusvikira varinganiswa here? Dai vatanhi vamazambiringa vaisvika kwamuri, havazaisiya mamwe mazambiringa aripo here?
5 "Pe d�i lladron atat, neu ysbeilwyr liw nos (O fel y'th ddinistriwyd!), onid digon iddynt eu hunain yn unig a ysbeilient? Pe d�i cynaeafwyr grawnwin atat, oni adawent loffion?
6Zvinhu zvaEsau zvakanzverwa sei! fuma yavo, yakavanzwa, yakafukunurwa sei!
6 O fel yr anrheithiwyd Esau, ac yr ysbeiliwyd ei drysorau!
7Vanhu vose vaiva nesungano nemi, vakakuperekedzai kusvikira kumuganhu; vanhu, vaigara norugare nemi, vakakunyengerai, vakakukundai; vanodya zvokudya zvenyu, vanokuteyerai musungo pasi penyu, havana njere mukati mavo.
7 Y mae dy holl gynghreiriaid wedi dy dwyllo, y maent wedi dy yrru dros y terfyn; y mae dy gyfeillion wedi dy drechu, dy wahoddedigion wedi gosod magl i ti � nid oes deall ar hyn.
8Ko handingaparadzi nezuva iro vachenjeri pakati paEdhomu, nenjere pagomo raEsau here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
8 Ar y dydd hwnnw," medd yr ARGLWYDD, "oni ddileaf ddoethineb o Edom, a deall o fynydd Esau?
9Mhare dzako, iwe Temani, ndichavhunduka, kuti vose vapere nokuurawa pagomo raEsau.
9 Y mae dy gedyrn mewn braw, O Teman, fel y torrir ymaith bob un o fynydd Esau.
10Uchafukidzwa nokunyara nemhaka yokuti wakamukira munin'ina wako simba, uchaparadzwa nokusingaperi.
10 Am y lladdfa, ac am y trais yn erbyn dy frawd Jacob, fe'th orchuddir gan warth, ac fe'th dorrir ymaith am byth.
11Nezuva ramakanga mumirepo makatarisana navo, nezuva ravakatorera fuma yavo navatorwa, vasi venyika iyo vachipinda masuwo avo, vachikanda mije nya pamusoro peJerusaremu, nemiwo makanga makaita somumwe wavo.
11 "Ar y dydd y sefaist draw, ar y dydd y dygodd estroniaid ei gyfoeth, ac y daeth dieithriaid trwy ei byrth a bwrw coelbren am Jerwsalem, yr oeddit tithau fel un ohonynt.
12Asi regai kutarira zuva romunin'ina wenyu, muchifarira zuva reutorwa hwake, murege kufara pamusoro pavana vaJudha nezuva rokuparadzwa kwavo; uye regai kutaura muchizvikudza nezuva rokumanikidzwa kwavo.
12 Ni ddylit ymfalch�o ar ddydd dy frawd, dydd ei drallod. Ni ddylit lawenhau dros blant Jwda ar ddydd eu dinistr; ni ddylit wneud sbort ar ddydd gofid.
13Regai kupinda pasuwo ravanhu vangu nezuva renhamo yavo; regai kutarira njodzi yavo nezuva renhamo yavo, regai kuvatorera fuma yavo nezuva renhamo yavo.
13 Ni ddylit fynd i borth fy mhobl ar ddydd eu hadfyd; ni ddylit ymfalch�o yn eu dinistr ar ddydd eu hadfyd; ni ddylit ymestyn am eu heiddo ar ddydd eu hadfyd.
14Regai kumira pamharadzano, kuti muparadze vanhu vavo vanopukunyuka; regai kuisa kuvavengi vavo vanhu vavo vakasara nezuva rokumanikidzwa kwavo.
14 Ni ddylit sefyll ar y groesffordd i ddifa eu ffoaduriaid; ni ddylit drosglwyddo'r rhai a ddihangodd ar ddydd gofid.
15nekuti zuva raJehovha raswedera kumarudzi ose; sezvamakaitira vamwe, muchaitirwawo saizvozvo; zvamakaita zvichadzokera pamisoro yenyu.
15 "Y mae dydd yr ARGLWYDD yn agos; daw ar yr holl genhedloedd. Fel y gwnaethost ti y gwneir i ti; fe ddychwel dy weithredoedd ar dy ben dy hun.
16nekuti sezvamakamwa pagomo rangu dzvene, saizvozvo marudzi ose acharamba achimwa; zvirokwazvo, vachamwa, nokumedza, vachaita savasina kumbovapo.
16 Fel yr yfaist ar fy mynydd sanctaidd, fe yf yr holl genhedloedd yn ddi-baid; yfant a llowciant, a mynd yn anymwybodol.
17Asi pagomo reZioni ndipo pachava navakapukunyuka, richava gomo dzvene; imba yaJakove ichadzoserwa nhaka yayo.
17 "Ond ym Mynydd Seion bydd rhai dihangol a fydd yn sanctaidd; meddianna tu375? Jacob ei eiddo'i hun.
18Imba yaJakove ichava moto, imba yaJosefa murazvo womoto, uye imba yaEsau mashanga; vachapisa vamwe pakati pavo, nokuvapedza; hakuchina vachasarira imba yaEsau, nekuti Jehovha akataura izvozvo.
18 A bydd tu375? Jacob yn d�n, tu375? Joseff yn fflam, a thu375? Esau yn gynnud; fe'i cyneuant a'i losgi, ac ni fydd gweddill o du375? Esau, oherwydd llefarodd yr ARGLWYDD.
19Vokurutivi rwezasi vachatora gomo raEsau, vokumapani vachatora nyika yavaFirisitia; vachatora nyika yaEfuremu nenyika yeSamaria; Benjamini vachatora nyika yeGiriyadhi.
19 Bydd y Negef yn meddiannu mynydd Esau, a'r Seffela yn meddiannu gwlad y Philistiaid; byddant yn meddiannu tir Effraim a thir Samaria, a bydd Benjamin yn meddiannu Gilead.
20Vatapwa vehondo iyi yavana vaIsiraeri, vagere pakati pavaKanani, vachatora nyika kusvikira Zarefati; vatapwa veJerusaremu, vari Sefaradhi, vachatora maguta okurutivi rwezasi.
20 Bydd pobl Israel, caethgludion y fyddin, yn meddiannu Canaan hyd Sareffath; a chaethgludion Jerwsalem yn Seffarad yn meddiannu dinasoedd y Negef.
21Vaponesi vachakwira pagomo reZioni kuzotonga gomo raEsau; ushe huchava hwaJehovha.
21 Bydd gwaredwyr yn mynd i fyny i Fynydd Seion, i reoli mynydd Esau; a bydd y frenhiniaeth yn eiddo i'r ARGLWYDD."