Shona

Danish

1 Samuel

21

1Zvino Dhavhidhi akasvika Nobhi kuna Ahimereki mupristi; Ahimereki akasangana naDhavhidhi achidedera; akati kwaari, Uri woga neiko, usino mumwe newe?
1David kom derpå til Præsten Ahimelek i Nob. Ahimelek kom ængstelig David i Møde og sagde til ham: "Hvorfor er du alene og har ingen med dig?"
2Dhavhidhi akati kuna Ahimereki mupristi, Mambo wakandiraira basa, akati kwandiri, Ngakurege kuva nomunhu unoziva chinhu chebasa randinokutuma naro, nerandinokuraira. Majaya ndakaaraira kusangana neni pane imwe nzvimbo.
2David svarede Præsten Ahimelek: "Kongen overdrog mig et Ærinde og sagde til mig: Ingen må vide noget om det Ærinde, jeg sender dig ud i og overdrager dig! Derfor har jeg sat Folkene Stævne på et aftalt Sted.
3Naizvozvo zvino, muneiko pano? Ndipei zvingwa zvishanu muruoko rwangu, kunyange zvipi nezvipi zviripo.
3Men hvis du har fem Brød ved Hånden, så giv mig dem, eller hvad du har!"
4mupristi akapindura Dhavhidhi, akati, Hapana chingwa chinosidyiwa muruoko rwangu, asi chingwa chitsvene ndicho chiripo; koga kana majaya akazvidzora kuvakadzi.
4Præsten svarede David: "Jeg har intet almindeligt Brød ved Hånden, kun helligt Brød; Folkene har da vel holdt sig fra Kvinder?"
5Dhavhidhi akapindura mupristi, akati kwaari, Zvirokwazvo, vakadzi vakadziviswa kwatiri sapanguva dzose kana ndichifamba rwendo; nhumbi dzamajaya dzakanga dziri tsvene, kunyange rwaiva rwendo rwamazuva ose harwo, ndoda nhasi nhumbi dzavo dzichava tsvene.
5David svarede Præsten: "Ja visselig, vi har været afskåret fra Omgang med Kvinder i flere Dage. Da jeg drog ud, var Folkenes Legemer rene, skønt det var en dagligdags Rejse; hvor meget mere må de da i Dag være rene på Legemet!"
6Naizvozvo mupristi akamupa chingwa chitsvene, nekuti kwakanga kusina chingwapo, asi chingwa chokuratidza, chakanga chabviswa pamberi paJehovha, kuti chingwa chinopisa chiiswepo pazuva rokubviswa kwacho.
6Præsten gav ham da det hellige Brød; thi der var ikke andet Brød der end Skuebrødene, som tages bort fra deres Plads for HERRENs Åsyn, samtidig med at der lægges frisk Brød i Stedet.
7Zvino mumwe muranda waSauro wakange aripo nomusi iwoyo, anonoswa pamberi paJehovha, wainzi Dhoegi, muEdhomu, mutariri wavafudzi vaSauro.
7Men den Dag var en Mand af Sauls Folk lukket inde der for HERRENs Åsyn, en Edomit ved Navn Doeg, den øverste af Sauls Hyrder.
8Dhavhidhi akati kuna Ahimereki, Hapana pfumo kana munondo kwamuri here? Nekuti handina kuuya nemunondo wangu, kana nhumbi dzangu dzekurwa nadzo, nekuti basa ramambo raifanira kukurumidzirwa.
8David spurgte derpå Ahimelek: "Har du ikke et Spyd eller et Sværd ved Hånden her? Thi hverken mit Sværd eller mine andre Våben fik jeg med, da Kongens Ærinde havde Hast."
9Mupristi akati, Munondo waGoriati muFirisitia, wawakauraya pamupata weEra, uri pano, wakaputirwa mumucheka mberi kweefodhi; kana uchida kuutora, chitora hako, nekuti hakuna mumwe asi iwoyo. Dhavhidhi akati, Hakuna nomumwe wakafanana nawo, ndipe hoyo.
9Præsten svarede: "Det Sværd, som tilhørte Filisteren Goliat, ham, som du dræbte i Terebintedalen, er her, hyllet i en Kappe bag Efoden. Vil du have det, så tag det! Thi her er intet andet!" Da sagde David: "Dets Lige findes ikke; giv mig det!"
10Dhavhidhi akasimuka akatiza musi iwoyo nokutya Sauro, akaenda kuna Akishi, mambo weGati.
10Derpå brød David op og flygtede samme Dag for Saul, og han kom til Kong Akisj af Gat.
11Zvino varanda vaAkishi vakati kwaari, Ko uyu haazi Dhavhidhi mambo wenyika here? Haazi iye wavakaimbira vachibvumirana pakutamba kwavo, vachiti, Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake,
11Men Akisj's Folk sagde til ham: "Er det ikke David, Landets Konge, er det ikke ham, om hvem man sang under Dans: Saul slog sine Tusinder, men David sine Titusinder!"
12Dhavhidhi akarangarira mashoko iwayo mumoyo make, akatya kwazvo Akishi mambo weGati.
12Disse Ord gav David Agt på,og han grebes af stor Frygt for Kong Akisj af Gat;
13Akashandura mugarire wake pamberi pavo, akazviita sebenzi pakati pavo, akakwara-kwara pamagonhi esuwo, akarega mate ake achisiririka pandebvu dzake.
13derfor lod han afsindig overfor dem og rasede imellem Hænderne på dem, idet han trommede på Portfløjene og lod sit Spyt flyde ned i Skægget.
14Zvino Akishi akati kuvaranda vake, Tarirai, munhu uyu ibenzi; mauyireiko naye kuno kwandiri?
14Da sagde Akisj til sine Folk: "I kan da se, at Manden er gal; hvorfor bringer I ham til mig?
15Ini ndinoshaiwa mapenzi kanhi, zvamauya nomunhu uyu kuzoratidza upenzi hwake pamberi pangu? Munhu wakadai ungapinda mumba mangu here?
15Har jeg ikke gale Mennesker nok, siden I bringer mig ham til at plage mig med sin Galskab? Skal han komme i mit Hus?"