Shona

Danish

1 Samuel

31

1Zvino vaFirisitia vakarwa navaIsiraeri varume vaIsiraeri vakatiza pamberi pavaFirisitia, vakawira pasi vaurawa pagomo reGiribhoa.
1Imidlertid angreb Filisterne Israel; og Israels Mænd flygtede for Filisterne, og de faldne lå rundt om på Gilboas Bjerg.
2VaFirisitia vakateverera Sauro navanakomana vake kwazvo, vaFirisitia vakauraya Jonatani, naAbhinadhabi, naMarikishua, vanakomana vaSauro.
2Og Filisterne forfulgte Saul og hans Sønner og dræbte Sauls Sønner, Jonatan, Abinadab og Malkisjua.
3Sauro akakurirwa kwazvo pakurwa; vapfuri vouta vakamubata, akatambudzika kwazvo nokuda kwavapfuri vouta.
3Kampen rasede om Saul, og han blev opdaget af Bueskytterne og grebes af stor Angst for dem.
4Ipapo Sauro akati kunowaibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, Vhomora munondo wako, undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kusvika vandibaye, nokundidadira. Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakaramba, nekuti wakange achitya kwazvo. Naizvozvo Sauro akatora munondo wake, akazviwisira pauri.
4Da sagde Saul til sin Våbendrager: "Drag dit Sværd og gennembor mig, for at ikke disse uomskårne skal komme og gennembore mig og mishandle mig!" Men Våbendrageren vilde ikke, thi han gøs tilbage derfor. Da tog Saul Sværdet og styrtede sig i det;
5Zvino mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakati achiona kuti Sauro wafa, naiye akazviwisira pamunondo wakewo, akafa pamwechete naye.
5og da Våbendrageren så, at Saul var død, styrtede også han sig i sit Sværd og fulgte ham i Døden.
6Naizvozvo Sauro akafa, pamwechete navanakomana vake vatatu, nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, navanhu vake vose nomusi iwoyo.
6Således fulgtes denne Dag Saul, hans tre Sønner, hans Våbendrager og alle hans Mænd i Døden.
7Zvino vanhu vaIsiraeri, vakanga vari mhiri komupata, navakanga vachiona kuti vanhu vaIsiraeri vatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vakanga vafawo, vakabva pamaguta, vakatiza; vaFirisitia vakasvika, vakagaramo.
7Men da Israels Mænd i Byerne i Dalen og ved Jordan så, at Israels Mænd var flygtet, og at Saul og hans Sønner var faldet, forlod de Byerne og flygtede, hvorpå Filisterne kom og besatte dem.
8Zvino fume mangwana vaFirisitia vakati vachiuya kuzokusunungura vakaurawa, vakawana Sauro navanakomana vake vatatu vafa pagomo reGiribhoa.
8Da Filisterne Dagen efter kom for at plyndre de faldne, fandt de Saul og hans tre Sønner liggende på Gilboas Bjerg;
9Vakagura musoro wake, nokusunungura nhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakatuma nhume kumativi ose enyika yavaFirisitia, kundozivisa mashoko iwayo kuimba yezvifananidzo zvavo, nokuvanhu.
9de huggede da Hovedet at ham, afførte ham hans Våben og sendte Bud rundt i Filisternes Land for at bringe deres Afguder og Folket Glædesbudet.
10Vakaisa nhumbi dzake dzokurwa nadzo muimba yaAshitaroti, vakasungira chitunha chake pamadziro eBhetishani.
10Våbnene lagde de i Astartes Tempel, men Kroppen hængte de op på Bet-Sjans Mur.
11Zvino vakanga vagere JabheshiGiriyadhi vakati vachinzwa zvakanga zvaitirwa Sauro navaFirisitia,
11Men da Indbyggerne i Jabesj i Gilead hørte, hvad Filisterne havde gjort ved Saul,
12mhare dzose dzikasimuka, dzikafamba usiku hwose, dzikatora chitunha chaSauro nezvitunha zvavanakomana vake pamadziro eBhetishani, vakaenda Jabheshi vakazvipisapo.
12brød alle våbenføre Mænd op, og efter at have gået hele Natten igennem tog de Sauls og hans Sønners Kroppe ned fra Bet-Sjans Mur, bragte dem med til Jabesj og brændte dem der.
13Vakatora mafupa avo, vakaaviga pasi pomuti womutamarisiki paJabheshi, vakatsanya mazuva manomwe.
13Så tog de deres Ben og jordede dem under Tamarisken i Jabesj og fastede syv Dage.