1Zvino ini, hama, ndakanga ndisingagoni kutaura nemwi sekune veMweya, asi sekune venyama, sekune vacheche muna Kristu.
1And *I*, brethren, have not been able to speak to you as to spiritual, but as to fleshly; as to babes in Christ.
2Ndakakumwisai mukaka, kwete chikafu chikukutu; nekuti makanga musati mogona kudya, zvakare nazvino hamugoni.
2I have given you milk to drink, not meat, for ye have not yet been able, nor indeed are ye yet able;
3Nekuti muchiri venyama; Nekuti zvapachine godo pakati penyu, negakava nekupatsanurana, hamusi venyama, muchifamba sevanhu here?
3for ye are yet carnal. For whereas [there are] among you emulation and strife, are ye not carnal, and walk according to man?
4Nekuti kana umwe achiti: Ini ndiri waPauro, neumwe achiti: Ini waAporo, hamuzi venyama here?
4For when one says, *I* am of Paul, and another, *I* of Apollos, are ye not men?
5Ko Pauro chii? Uye Aporo chii? Asi varanda vamakatenda kubudikidza navo, uye umwe neumwe sekupiwa kwaakaitwa naMwari.
5Who then is Apollos, and who Paul? Ministering servants, through whom ye have believed, and as the Lord has given to each.
6Ini ndakadzvara, Aporo wakadiridza, asi Mwari wakakudza.
6*I* have planted; Apollos watered; but God has given the increase.
7Naizvozvo unodzvara haazi chinhu, kana unodiridza, asi Mwari unokudza.
7So that neither the planter is anything, nor the waterer; but God the giver of the increase.
8Zvino unodzvara neunodiridza ndevamwe; asi umwe neumwe uchagamuchira mubairo wake zvichienderana nebasa rake.
8But the planter and the waterer are one; but each shall receive his own reward according to his own labour.
9Nekuti tiri vashandi vaMwari pamwe naye; muri munda waMwari, muri chivakwa chaMwari.
9For we are God's fellow-workmen; ye are God's husbandry, God's building.
10Nekuda kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri, semuvaki nyanzvi wakachenjera, ndakaronga nheyo; umwe unovaka pamusoro padzo. Asi umwe neumwe ngaachenjere kuti unovaka sei pamusoro padzo.
10According to the grace of God which has been given to me, as a wise architect, I have laid the foundation, but another builds upon it. But let each see how he builds upon it.
11Nekuti hakuna umwe unogona kuronga imwe nheyo, asi iyo yakarongwa, inova Jesu Kristu.
11For other foundation can no man lay besides that which [is] laid, which is Jesus Christ.
12Zvino kana ani nani achivaka pamusoro penheyo iyi, ndarama, sirivheri, mabwe anokosha, matanda, uswa, mashanga,
12Now if any one build upon [this] foundation, gold, silver, precious stones, wood, grass, straw,
13basa reumwe neumwe richabudiswa pachena; nekuti zuva iro richazvibudisa pachena, nekuti richazarurwa nemoto; uye moto uchaidza basa reumwe neumwe kuti rakadini.
13the work of each shall be made manifest; for the day shall declare [it], because it is revealed in fire; and the fire shall try the work of each what it is.
14Kana basa raani nani raakavaka pamusoro payo richigara, uchagamuchira mubairo.
14If the work of any one which he has built upon [the foundation] shall abide, he shall receive a reward.
15Kana basa raani nani rikapiswa, ucharashikirwa; asi iye amene uchaponeswa, asi sewakabuda nemumoto.
15If the work of any one shall be consumed, he shall suffer loss, but *he* shall be saved, but so as through [the] fire.
16Hamuzivi kuti imwi muri tembere yaMwari here, uye kuti Mweya waMwari unogara mamuri?
16Do ye not know that ye are [the] temple of God, and [that] the Spirit of God dwells in you?
17Kana ani nani achiparadza tembere yaMwari, Mwari uchamuparadza; nekuti tembere yaMwari itsvene, inova imwi.
17If any one corrupt the temple of God, *him* shall God destroy; for the temple of God is holy, and such are *ye*.
18Ngakurege kuva neunozvinyengera. Kana umwe pakati penyu achizviona sewakachenjera panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera.
18Let no one deceive himself: if any one thinks himself to be wise among you in this world, let him become foolish, that he may be wise.
19Nekuti njere dzenyika ino upenzi kuna Mwari. Nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Unobata vakachenjera paumhare hwavo;
19For the wisdom of this world is foolishness with God; for it is written, He who takes the wise in their craftiness.
20uyezve: Ishe unoziva ndangariro dzevakachenjera, kuti hadzina maturo.
20And again, [The] Lord knows the reasonings of the wise that they are vain.
21Naizvozvo ngakurege kuva neunozvikudza nevanhu. Nekuti zvinhu zvose ndezvenyu,
21So that let no one boast in men; for all things are yours.
22kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu; kana rufu, kana zvinhu zviripo, kana zvinhu zvinouya; zvose ndezvenyu,
22Whether Paul, or Apollos, or Cephas, or [the] world, or life, or death, or things present, or things coming, all are yours;
23nemwi muri vaKristu, naKristu ndewaMwari.
23and *ye* [are] Christ's, and Christ [is] God's.