1Zvino mambo Dhavhidhi wakange akwegura, ava namakore mazhinji; vakamufukidza namachira, asi haana kudziyirwa.
1And king David was old [and] advanced in age; and they covered him with clothes, but he obtained no warmth.
2Naizvozvo varanda vake vakati kwaari, Ishe wangu mambo ngaatsvakirwe mhandara, iye amire pamberi pamambo, avaonge avate pachipfuva chenyu, kuti ishe wangu mambo vadziyirwe.
2And his servants said to him, Let there be found for my lord the king a young virgin; and let her stand before the king, and let her cherish him, and let her lie in thy bosom, that my lord the king may get warm.
3Ipapo vakatsvaka musikana wakanaka panyika yose yaIsiraeri, vakawana Abhishagi muShunami, vakamuisa kuna mambo.
3And they sought for a fair damsel throughout the territory of Israel, and found Abishag a Shunammite, and brought her to the king.
4Uyu musikana wakange akanaka kwazvo, akachengeta mambo, akamushandira, asi mambo haana kupinda kwaari.
4And the damsel was very fair; and cherished the king, and ministered to him; but the king knew her not.
5Zvino Adhonia mwanakomana waHagiti wakazvikudza, akati, Ini ndichava mambo; akazvigadzirira ngoro navatasvi vamabhiza, navarume vana makumi mashanu kuzomhanya pamberi pake.
5And Adonijah the son of Haggith exalted himself, saying, I will be king; and he provided himself chariots and horsemen, and fifty men to run before him.
6Asi baba vake vakanga vasina kutongomuraira paupenyu hwake hwose, vachiti, Unoitireiko kudaro? wakange ari murume wakanaka kwazvo pamuviri wake; wakange achitevera Abhusaromu pakuzvarwa kwake.
6And his father had not grieved him at any time in saying, Why doest thou so? and he was also a very comely man; and [his mother] bore him after Absalom.
7Akarangana naJoabhu, mwanakomana waZeruya, naAbhiatari mupristi, ivo vakatevera Adhonia, vakamubatsira.
7And he conferred with Joab the son of Zeruiah, and with Abiathar the priest; and they helped Adonijah and followed [him].
8Asi Zadhoki mupristi, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, naNatani muporofita, naShimei, naRei, nemhare dzakanga dzina Dhavhidhi, havana kutevera Adhonia.
8But Zadok the priest, and Benaiah the son of Jehoiada, and Nathan the prophet, and Shimei, and Rei, and the mighty men whom David had, were not with Adonijah.
9Adhonia akabaya makwai nenzombe, nemhuru dzakakora, pabwe reZohereti, raiva paEni-rogeri, akadana hama dzake dzose ivo vanakomana vamambo, navarume vose vaJudha, varanda vamambo;
9And Adonijah sacrificed sheep and oxen and fatted cattle by the stone of Zoheleth, which is by En-rogel, and invited all his brethren, the king's sons, and all the men of Judah, the king's servants;
10asi haana kudana Natani muporofita, naBhenaya, nemhare, naSoromoni munin'ina wake.
10but Nathan the prophet, and Benaiah, and the mighty men, and Solomon his brother, he did not invite.
11Ipapo Natani akataura naBhatishebha mai vaSoromoni, akati, Hauna kunzwa here kuti Adhonia mwanakomana waHagiti, wobata ushe, asi Dhavhidhi ishe wedu haazvizivi?
11And Nathan spoke to Bathsheba the mother of Solomon, saying, Hast thou not heard that Adonijah the son of Haggith is king, and David our lord does not know [it]?
12Naizvozvo zvino uya ndikupe zano, kuti urwire upenyu bwako noupenyu bwomwanakomana wako Soromoni.
12And now, come, let me, I pray thee, give thee counsel, that thou mayest save thine own life, and the life of thy son Solomon.
13Enda upinde kuna mambo Dhavhidhi, uti kwaari, Ishe wangu mambo, hamuna kupikira murandakadzi wenyu here, mukati, Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako, ndiye uchanditevera paushe, iye uchagara pachigaro chenyu choushe? Zvino Adhonia unobatireiko ushe?
13Go and get thee in to king David, and say to him, Didst not thou, my lord, O king, swear to thy handmaid saying, Solomon thy son shall reign after me, and he shall sit on my throne? why then does Adonijah reign?
14Zvino tarira, iwe uchiri pakutaura namambo, ini ndichapindawo shure kwako, ndichisimbisa mashoko ako.
14Behold, while thou yet talkest there with the king, I also will come in after thee and confirm thy words.
15Bhati-shebha akapinda kuna mambo mumba; zvino mambo wakange akwegura kwazvo, Abhishagi muShunami waishandira mambo.
15And Bathsheba went in to the king into the chamber; and the king was very old; and Abishag the Shunammite ministered to the king.
16Ipapo Bhatishebha akakotama, akanamata kuna mambo. Mambo akati, Unoreveiko?
16And Bathsheba bowed and did obeisance to the king. And the king said, What wouldest thou?
17Iye akati kwaari, Ishe wangu, imwi makapikira murandakadzi wenyu naJehovha Mwari wenyu, mukati, Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako ndiye uchanditevera paushe, ndiye uchagara pachigaro changu choushe.
17And she said to him, My lord, thou hast sworn by Jehovah thy God to thy handmaid, [saying,] Solomon thy son shall reign after me, and he shall sit on my throne.
18Asi zvino tarirai, Adhonia wobata ushe; asi imwi ishe wangu mambo, hamuzvizivi.
18And now behold, Adonijah is king; and now, my lord the king, thou knowest it not.
19Iye wabaya nzombe, nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanakomana vose vamambo, naAbhiatari mupristi, naJoabhu mukuru wehondo, asi haana kudana Soromoni muranda wenyu.
19And he has sacrificed oxen and fatted cattle and sheep in abundance, and has invited all the sons of the king and Abiathar the priest and Joab the captain of the host; but Solomon thy servant has he not invited.
20Zvino ishe wangu mambo, meso avaIsiraeri vose anotarira kwamuri, kuti muvaudze kuti ndianiko unofanira kukuteverai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo.
20And thou, my lord the king, the eyes of all Israel are upon thee, that thou shouldest tell them who shall sit on the throne of my lord the king after him.
21Kana musingadaro, kana ishe wangu mambo avata namadzibaba ake, ini nomwanakomana wangu Soromoni tichaidzwa vatadzi.
21Otherwise it shall come to pass when my lord the king shall sleep with his fathers, that I and my son Solomon will be counted offenders.
22Zvino wakati achataura namambo, Natani muporofita akapindawo.
22And behold, while she yet talked with the king, Nathan the prophet also came in.
23Vakaudza mambo, vakati, Natani muporofita wasvika. Iye wakati apinda pamberi pamambo, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo.
23And they told the king saying, Behold, Nathan the prophet. And when he was come in before the king, he bowed himself before the king with his face to the ground.
24Zvino Natani akati, Ishe wangu, mambo, makareva here kuti Adhonia uchakuteverai pakubata ushe, uchagara pachigaro chenyu choushe here?
24And Nathan said, My lord, O king, hast thou said, Adonijah shall reign after me, and he shall sit on my throne?
25nekuti waburuka nhasi, akabaya nzombe nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanakomana vose vamambo, navakuru vehondo, naAbhiatari mupristi; tarirai, vodya nokumwa pamberi pake, vachiti, Mambo Adhonia ngaararame
25For he is gone down this day, and has sacrificed oxen and fatted cattle and sheep in abundance, and has invited all the king's sons, and the captains of the host, and Abiathar the priest; and behold, they eat and drink before him, and say, God save king Adonijah!
26Asi ini muranda wenyu, naZadhoki mupristi, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nomuranda wenyu Soromoni, haana kutidana.
26But me, [even] me thy servant, and Zadok the priest, and Benaiah the son of Jehoiada, and thy servant Solomon, he has not invited.
27Chinhu ichi chinoitwa nashe wangu mambo here, mukasazivisa varanda venyu kuti ndianiko unofanira kukuteverai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo?
27Is this thing done by my lord the king, and thou hast not shewn to thy servants who should sit on the throne of my lord the king after him?
28Ipapo mambo Dhavhidhi akapindura, akati, Ndidanirei Bhati-shebha. Iye akapinda kuna mambo, akamira pamberi pamambo.
28Then king David answered and said, Call me Bathsheba. And she came into the king's presence, and stood before the king.
29Zvino mambo akapika, akati, NaJehovha mupenyu, iye wakadzikunura upenyu hwangu panjodzi dzose,
29And the king swore, and said, [As] Jehovah liveth, who has redeemed my soul out of all distress,
30zvirokwazvo, sezvandakakupikira naJehovha Mwari waIsiraeri, ndichiti, Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako uchanditevera paushe, uchagara pachigaro changu choushe panzvimbo yangu; zvirokwazvo ndichazviita nhasi.
30even as I swore to thee by Jehovah the God of Israel, saying, Solomon thy son shall reign after me, and he shall sit on my throne in my stead; even so will I certainly do this day.
31Ipapo Bhati-shebha akakotamira pasi nechiso chake, akapfugamira mambo, akati, Ishe wangu mambo Dhavhidhi ngaararame nokusingaperi.
31And Bathsheba bowed with her face to the earth, and did reverence to the king, and said, Let my lord king David live for ever.
32Mambo Dhavhidhi akati, Ndidanirei Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha. Ivo vakapinda kuna mambo.
32And king David said, Call me Zadok the priest, and Nathan the prophet, and Benaiah the son of Jehoiada. And they came before the king.
33Mambo akati kwavari, Endai navaranda vashe wenyu, mutasvise Soromoni mwanakomana wangu pahesera rangu, mumuburusire Gihoni;
33And the king said to them, Take with you the servants of your lord, and cause Solomon my son to ride upon mine own mule, and bring him down to Gihon;
34Zadhoki mupristi naNatani muporofita vamuzodze ipapo, ave mambo waIsiraeri; muridze hwamanda, muchiti, Mambo Soromoni ngaararame.
34and let Zadok the priest and Nathan the prophet anoint him there king over Israel; and blow ye with the trumpet, and say, Long live king Solomon!
35Zvino mukwire muchimutevera, iye auye kuzogara pachigaro choushe, nekuti uchava mambo panzvimbo yangu; ini ndakaraira kuti ave muchinda waIsiraeri nowaJudha.
35And ye shall come up after him, that he may come and sit on my throne; for he shall reign in my stead, and I have appointed him to be ruler over Israel and over Judah.
36Ipapo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akapindura mambo, akati, Ameni! Jehovha, Mwari washe wangu mambo, unodarowo.
36And Benaiah the son of Jehoiada answered the king and said, Amen: Jehovah, the God of my lord the king, say so too.
37Jehovha sezvaaiva nashe wangu mambo, saizvozvowo ngaave naSoromoni, akurise chigaro chake choushe, chipfuure chigaro choushe chashe wangu mambo Dhavhidhi.
37As Jehovah has been with my lord the king, even so be he with Solomon, and make his throne greater than the throne of my lord king David.
38Ipapo Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti vakaburuka, vakatasvisa Soromoni pahesera ramambo Dhavhidhi, vakamuisa Gihoni.
38And Zadok the priest, and Nathan the prophet, and Benaiah the son of Jehoiada, and the Cherethites and the Pelethites went down, and caused Solomon to ride upon king David's mule, and brought him to Gihon.
39Zvino Zadhoki mupristi akatora gonamombe ramafuta paTende akazodza Soromoni. Vakaridza hwamanda, vanhu vose vakati, Mambo Soromoni ngaararame!
39And Zadok the priest took the horn of oil out of the tabernacle, and anointed Solomon. And they blew the trumpet; and all the people said, Long live king Solomon!
40Zvino vanhu vose vakakwira, vakamutevera; vanhu vakaridza nyere, vakafara nomufaro mukuru; naizvozvo nyika ikaunga nenzwi radzo.
40And all the people came up after him, and the people piped with pipes, and rejoiced with great joy, so that the earth rent with the sound of them.
41Zvino Adhonia navose vakanga vakokwa naye, vakazvinzwa, vapedza kudya. Ipapo Joabhu wakati achinzwa inzwi rehwamanda, akati, Mhere-mhere iyi inoitirweiko muguta, zvaranyonganiswa?
41And Adonijah and all the guests that were with him heard [it] as they were finishing their repast; and Joab heard the sound of the trumpet, and he said, Wherefore this noise of the city in an uproar?
42Wakati achitaura, Jonatani mwanakomana waAbhiatari mupristi, akasvika; Adhonia akati kwaari, Pinda, nekuti uri munhu wakatendeka, unouya namashoko akanaka.
42While he yet spoke, behold, Jonathan the son of Abiathar the priest came; and Adonijah said [to him], Come in; for thou art a valiant man, and bringest good news.
43Ipapo Jonatani akapindura, akati kuna Adhonia, Zvirokwazvo ishe wedu mambo Dhavhidhi wakagadza Soromoni paushe.
43And Jonathan answered and said to Adonijah, Indeed, our lord king David has made Solomon king.
44Uye mambo wakatuma Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti, vakamutasvisa pahesera ramambo;
44And the king has sent with him Zadok the priest, and Nathan the prophet, and Benaiah the son of Jehoiada, and the Cherethites and the Pelethites, and they have caused him to ride upon the king's mule;
45uye Zadhoki mupristi, naNatani muporofita vakamuzodza paGihoni kuti ave mambo; vakabva ipapo, vakakwira nomufaro, naizvozvo guta rinowunga. Ndiyo mhere-mhere yamanzwa.
45and Zadok the priest and Nathan the prophet have anointed him king at Gihon; and they are come up from thence rejoicing, so that the city is in an uproar. This is the noise which ye have heard.
46Zvino Soromoni wogara pachigaro choushe.
46And also Solomon is sitting on the throne of the kingdom.
47Uyewo, varanda vamambo vakaenda kuzokudza ishe wedu mambo Dhavhidhi, vachiti, Mwari ngaakurise zita raSoromoni, ripfuure zita renyu, akurise chigaro chake, chipfuure chigaro chenyu choushe; mambo akakotama panhovo dzake.
47And moreover the king's servants came to bless our lord king David, saying, Thy God make the name of Solomon more excellent than thy name, and make his throne greater than thy throne! And the king bowed himself on the bed.
48Uyezve mambo wakataura akati, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, wakagadza mumwe nhasi kuti agare pachigaro changu choushe, meso angu achizviona.
48And also thus said the king: Blessed be Jehovah, the God of Israel, who has given one to sit on my throne this day, mine eyes even seeing it.
49Zvino vose vakanga vakakokwa naAdhonia vakatya, vakasimuka, mumwe nomumwe akaenda hake.
49And all Adonijah's guests were afraid, and rose up and went every man his way.
50Adhonia akatya nokuda kwaSoromoni, akasimuka, akandobata nyanga dzeatari.
50And Adonijah feared because of Solomon, and arose and went and caught hold of the horns of the altar.
51Zvino Soromoni akaudzwa, zvichinzi, Tarirai, Adhonia unotya mambo Soromoni, nekuti wandobata nyanga dzeatari, akati, Mambo Soromoni ngaandipikire nhasi, kuti haangaurayi muranda wake nomunondo.
51And it was told Solomon saying, Behold, Adonijah fears king Solomon; for behold, he has caught hold of the horns of the altar, saying, Let king Solomon swear to me this day that he will not put his servant to death with the sword.
52Ipapo Soromoni akati, Kana akazova murume chaiye, ruvhudzi rwake kunyange rumwe harungawiri pasi; asi kana zvakaipa zvikawanikwa maari, uchafa.
52And Solomon said, If he be a worthy man, there shall not one of his hairs fall to the earth; but if wickedness be found in him, he shall die.
53Naizvozvo mambo Soromoni akatuma vanhu, vakandomubvisa paatari. Akauya, akanamata kuna mambo Soromoni. Soromoni akati kwaari, Enda kumba kwako.
53And king Solomon sent, and they brought him down from the altar. And he came and bowed himself to king Solomon; and Solomon said to him, Go to thy house.