1Zvino Mweya unoreva zvakajeka kuti panguva dzekupedzisira vamwe vachatsauka parutendo, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzemadhimoni,
1But the Spirit speaks expressly, that in latter times some shall apostatise from the faith, giving their mind to deceiving spirits and teachings of demons
2paunyepedzeri vachireva nhema, vakapiswa pahana dzavo nedare rinopisa,
2speaking lies in hypocrisy, cauterised as to their own conscience,
3vachidzivisa kuwanana, kurega chimwe chikafu Mwari chaakasikwa kuti chigamuchirwe nekuvonga nevanotenda vanoziva chokwadi.
3forbidding to marry, [bidding] to abstain from meats, which God has created for receiving with thanksgiving for them who are faithful and know the truth.
4Nekuti chose chisikwa chaMwari chakanaka, uye hakuna chingafanira kurashwa kana chichigamuchirwa nekuvonga;
4For every creature of God [is] good, and nothing [is] to be rejected, being received with thanksgiving;
5Nekuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nemunyengetero.
5for it is sanctified by God's word and freely addressing [him].
6Kana uchiyevudzira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri wakanaka waJesu Kristu, wakafundwa namashoko erutendo needzidziso yakanaka, yaunotevera.
6Laying these things before the brethren, thou wilt be a good minister of Christ Jesus, nourished with the words of the faith and of the good teaching which thou hast fully followed up.
7Asi urambe ngano dzakaipa nedzechembere. Uzvirovedze pauMwari.
7But profane and old wives' fables avoid, but exercise thyself unto piety;
8Nekuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma, asi uMwari hunobatsira pazvinhu zvose, zvahune chivimbiso cheupenyu hwazvino nehwunouya.
8for bodily exercise is profitable for a little, but piety is profitable for everything, having promise of life, of the present one, and of that to come.
9Shoko iri rakatendeka, rinofanirwa nekugamuchirwa kose.
9The word [is] faithful and worthy of all acceptation;
10Nekuti naizvozvo isu tose tinoshanda nesimba, nekushorwa, nekuti tinovimba naMwari mupenyu, unova Muponesi wevanhu vose, zvikuru waavo vanotenda.
10for, for this we labour and suffer reproach, because we hope in a living God, who is preserver of all men, specially of those that believe.
11Raira zvinhu izvi udzidzise:
11Enjoin and teach these things.
12Kusava nemunhu unozvidza uduku hwako, asi uve muenzaniso wevanotenda, pashoko pamufambiro, parudo, paMweya, parutendo, nepautsvene.
12Let no one despise thy youth, but be a model of the believers, in word, in conduct, in love, in faith, in purity.
13Kusvikira ndasvika, ngwarira pakuverenga, pakuraira nepadzidziso.
13Till I come, give thyself to reading, to exhortation, to teaching.
14Usashaya hanya nechipo chiri mauri, chawakapiwa nechiporofita, nokuiswa maoko eutariri.
14Be not negligent of the gift [that is] in thee, which has been given to thee through prophecy, with imposition of the hands of the elderhood.
15Funganya pamusoro pezvinhu izvi, uzvipe nemoyo wose kwazviri, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe kune vose.
15Occupy thyself with these things; be wholly in them, that thy progress may be manifest to all.
16Uzvichenjerere iwe nedzidziso. Urambire pazviri, nekuti mukuita izvi, uchazviponesa iwe nevanokunzwa.
16Give heed to thyself and to the teaching; continue in them; for, doing this, thou shalt save both thyself and those that hear thee.