1Zvino Dhavhidhi wakati apfuura musoro wegomo zvishoma akaona Zibha, muranda waMefibhosheti osangana naye, ane mbongoro mbiri dzakanga dzatakudzwa zvingwa zvina mazana maviri, namasumbu amazambiringa akawomeswa ane zana, nemichero yezhezha ine zana, nehomo yewaini.
1And when David was a little past the summit, behold, Ziba, Mephibosheth's servant, met him, with a couple of asses saddled, and upon them two hundred [loaves] of bread, and a hundred raisin-cakes, and a hundred cakes of summer fruits, and a flask of wine.
2Mambo akati kuna Zibha, Unodiniko nezvizvi? Zibha akati, Mbongoro ndinopa veimba yamambo kuti vatasve; zvingwa nemichero yezhezha ndizvo zvokudya zvamajaya, newaini kuti vanoziya murenje vamwe.
2And the king said to Ziba, What meanest thou by these? And Ziba said, The asses are for the king's household to ride on; and the bread and summer fruits for the young men to eat; and the wine, that such as are faint in the wilderness may drink.
3Mambo akati, Mwanakomana washe wako uripiko? Zibha akati kuna mambo, Tarirai, wakasara Jerusaremu, nekuti wakati, Nhasi imba yaIsiraeri vachandidzosera ushe hwababa vangu.
3And the king said, And where is thy master's son? And Ziba said to the king, Behold, he abides at Jerusalem; for he said, To-day shall the house of Israel restore me the kingdom of my father.
4Ipapo mambo akati kuna Zibha, Tarira, zvose zvaMefibhosheti ndezvako. Zibha akati, Ndinokotamira pasi; ndinzwirei nyasha, ishe wangu mambo.
4And the king said to Ziba, Behold, thine are all that pertained to Mephibosheth. And Ziba said, I humbly bow myself: may I find favour in thy sight, my lord, O king.
5Zvino mambo Dhavhidhi wakati asvika paBhahurimu, mumwe munhu weimba yaSauro, wainzi Shimei, mwanakomana waGera, akabudapo;
5And when king David came to Bahurim, behold, there came out from thence a man of the family of the house of Saul, whose name was Shimei, the son of Gera: he came forth, and cursed,
6akabuda, akafamba achingotuka, akaposhera Dhavhidhi namabwe, navaranda vose vamambo Dhavhidhi; zvino vanhu vose navarume vose vesimba vakanga vari kurudyi rwake no kuruboshwe rwake.
6and cast stones at David, and at all the servants of king David; and all the people and all the mighty men were on his right hand and on his left.
7Shimei akatuka akati, Chibva, chibva, iwe munhu weropa, iwe munhu wakaisvoipa;
7And thus said Shimei as he cursed: Away, away, thou man of blood and man of Belial!
8Jehovha wakadzosera pamusoro pako ropa rose reimba yaSauro, wawakanga wakabata ushe panzvimbo yake. Jehovha wakapa ushe muruoko rwaAbhusaromu mwanakomana wako; tarira, wabatwa nezvakaipa zvako, nekuti uri munhu weropa.
8Jehovah has returned upon thee all the blood of the house of Saul, in whose stead thou hast reigned; and Jehovah has given the kingdom into the hand of Absalom thy son; and behold, thou art [taken] in thine own evil, for thou art a man of blood.
9Ipapo Abhishai mwanakomana waZeruya akati kuna mambo, Imbwa iyi yakafa ingatuka seiko ishe wangu mambo? Nditenderei henyu ndiyambukire mhiri, ndimugure musoro.
9And Abishai the son of Zeruiah said to the king, Why should this dead dog curse my lord the king? let me go over, I pray thee, and take off his head.
10Mambo akati, Ndine mhosva yeiko nemi, imwi vana vaZeruya; ngaatuke hake, kana Jehovha achinge ati kwaari, Tuka Dhavhidhi, ndianiko ungati, Waitireiko kudai?
10And the king said, What have I to do with you, ye sons of Zeruiah? so let him curse, for Jehovah has said to him, Curse David! Who shall then say, Why dost thou so?
11Dhavhidhi akati kuna Abhishai, nokuvaranda vake vose, Tarirai, iye mwanakomana wangu wandakabereka, unotsvaka kundiuraya; ndoda zvino muBhenjamini uyu! Muregei, ngaatuke hake, nekuti Jehovha wakamuraira.
11And David said to Abishai, and to all his servants, Behold, my son, who came forth of my bowels, seeks my life: how much more now a Benjaminite? let him alone and let him curse; for Jehovah has bidden him.
12Zvimwe Jehovha uchaona zvakaipa zvandakaitirwa, zvimwe Jehovha uchandiitira zvakanaka pamusoro pokundituka kwake nhasi.
12It may be that Jehovah will look on mine affliction, and that Jehovah will requite me good for my being cursed this day.
13Naizvozvo Dhavhidhi navanhu vake vakaramba vachifamba havo nenzira, Shimei akaramba achifamba nomujinga megomo pakatarisana naDhavhidhi, akafamba achingotuka nokumuposhera namabwe, nokumupfumburira guruva.
13And David and his men went by the way; and Shimei went along on the hill's side over against him, and cursed as he went, and threw stones at him, and cast dust.
14Mambo navanhu vose vakanga vanaye vakasvika vaneta, vakazororapo.
14And the king, and all the people that were with him, came weary, and refreshed themselves there.
15Abhusaromu navanhu vose, ivo varume vaIsiraeri, vakasvika Jerusaremu, Ahitoferi anayewo.
15Now Absalom, and all the people, the men of Israel, came to Jerusalem, and Ahithophel with him.
16Zvino Hushai muAriki, shamwari yaDhavhidhi, wakati asvika kuna Abhusaromu, Hushai akati kuna Abhusaromu, Mambo ngaararame, mambo ngaararame!
16And it came to pass, when Hushai the Archite, David's friend, came to Absalom, that Hushai said to Absalom, Long live the king! Long live the king!
17Abhusaromu akati kuna Hushai, Ndizvo zvakanaka zvaunoitira shamwari yako? Wakaregereiko kuenda neshamwari yako?
17And Absalom said to Hushai, Is this thy kindness to thy friend? why didst thou not go with thy friend?
18Hushai akati kuna Abhusaromu, Kwete, asi wakatsaurwa naJehovha uye vanhu ava, uye navarume vose vaIsiraeri, ndiye wandichava wake, ndiye wandichagara naye.
18And Hushai said to Absalom, No; but whom Jehovah, and this people, and all the men of Israel choose, his will I be, and with him will I abide.
19Uye ndingafanira kushumira aniko? Handifaniri kushumira mwanakomana wake here? Sezvandakashumira baba venyu, ndichakushumiraiwo imwi saizvozvo.
19And again, whom should I serve? should it not be in the presence of his son? as I have served in thy father's presence, so will I be in thy presence.
20Ipapo Abhusaromu akati kuna Ahitoferi, Tipei zano rako, tinofanira kuiteiko?
20And Absalom said to Ahithophel, Give counsel among you what we shall do.
21Ahitoferi akati kuna Abhusaromu, Pindai kuvarongo vababa venyu vavakasiya, kuti vachengete imba; ipapo vaIsiraeri vose vachanzwa kuti mosemwa nababa venyu; ipapo maoko avose vamunavo achasimbiswa.
21And Ahithophel said to Absalom, Go in to thy father's concubines, whom he has left to keep the house; and all Israel shall hear that thou art become odious with thy father; and the hands of all that are with thee shall be strong.
22Naizvozvo vakadzikira Abhusaromu tende pamusoro peimba, Abhusaromu akapinda kuvarongo vababa vake vaIsiraeri vose vachizviona.
22So they spread a tent for Absalom upon the roof; and Absalom went in to his father's concubines in the sight of all Israel.
23Zvino mano aAhitoferi aakapa mazuva iwayo, akanga akaita samashoko akabvunzwa kuna Mwari; ndizvo zvakanga zvakaita mano aAhitoferi aakapa Dhavhidhi naAbhusaromu vose.
23And the counsel of Ahithophel, which he counselled in those days, was as if a man had inquired of the word of God: so was all the counsel of Ahithophel both with David and with Absalom.