1Nomwedzi wechinomwe, nezuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti,
1In the seventh [month], on the one and twentieth [day] of the month, came the word of Jehovah by the prophet Haggai, saying,
2Zvino chitaura naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, navanhu vose vakasara, uti,
2Speak now to Zerubbabel the son of Shealtiel, governor of Judah, and to Joshua the son of Jehozadak, the high priest, and to the remnant of the people, saying,
3Ndiani wakasara pakati penyu, wakadeya kuona imba ino pakubwinya kwayo kokutanga? Zvino munoiona yakadiniko? Pakuona kwenyu haina kuita sapasina here?
3Who is left among you that saw this house in its former glory? and how do ye see it now? Is it not as nothing in your eyes?
4Asi zvino chiva nesimba, iwe Zerubhabheri ndizvo zvinotaura Jehovha; newe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, iva nesimba; nemwi vanhu vose venyika, ivai nesimba, mubate ndizvo zvinotaura Jehovha; nekuti ndinemwi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
4But now be strong, Zerubbabel, saith Jehovah; and be strong, Joshua son of Jehozadak, the high priest; and be strong, all ye people of the land, saith Jehovah, and work: for I am with you, saith Jehovah of hosts.
5Ndiro shoko resungano yandakaita nemi, nguva yamakabuda Egipita, mweya wangu uchigere pakati penyu; regai kutya.
5The word that I covenanted with you when ye came out of Egypt, and my Spirit, remain among you: fear ye not.
6nekuti zvanzi naJehovha wehondo, Kamwe chete, kwasara chinguva chiduku, ndichazunungusa denga rose, nenyika negungwa, nenyika yakaoma;
6For thus saith Jehovah of hosts: Yet once, it is a little while, and I will shake the heavens, and the earth, and the sea, and the dry [land];
7ndichazunungusa ndudzi dzose; zvose zvinodikamwa nendudzi dzose zvichauya; ndichazadza imba ino nokubwinya, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
7and I will shake all nations, and the desire of all nations shall come; and I will fill this house with glory, saith Jehovah of hosts.
8Sirivha ndeyangu, nendarama ndeyangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
8The silver is mine, and the gold is mine, saith Jehovah of hosts.
9Kubwinya kokupedzisira kweimba ino kuchapfuura kokutanga ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; panzvimbo ino ndichapa rugare ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
9The latter glory of this house shall be greater than the former, saith Jehovah of hosts; and in this place will I give peace, saith Jehovah of hosts.
10Nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti,
10On the four and twentieth [day] of the ninth [month], in the second year of Darius, came the word of Jehovah by Haggai the prophet, saying,
11Zvanzi naJehovha wehondo, Chibvunza vapristi pamusoro pomuriro, uti,
11Thus saith Jehovah of hosts: Ask now the priests [concerning] the law, saying,
12Kana munhu achitakura nyama tsvene mumupendero wenguwo yake, akagunzva nomupendero chingwa, kana zvakabikwa, kana waini, kana mafuta, kana zvokudya zvipi nezvipi, ko zvava zvitsvene here? Vapristi vakapindura, vakati, Kwete.
12If one bear holy flesh in the skirt of his garment, and with his skirt do touch bread, or pottage, or wine, or oil, or any food -- shall it become holy? And the priests answered and said, No.
13Ipapo Hagai akati, Kana munhu, wakasvibiswa nemhaka yokubata chitunha, akagunzva chinhu chimwe chaizvozvi, ko chasvibiswa here? Vapristi vakapindura, vakati, Chasvibiswa.
13And Haggai said, If one that is unclean by a dead body touch any of these, is it become unclean? And the priests answered and said, It shall be unclean.
14Ipapo Hagai akapindura, akati, Ndizvo zvakaita vanhu ava norudzi urwu pamberi pangu ndizvo zvinotaura Jehovha; ndizvo zvakaita zvose zvavanoita namaoko avo, uye zvavanobayirapo zvakasvibiswa.
14Then answered Haggai and said, So is this people, and so is this nation before me, saith Jehovah, and so is every work of their hands; and that which they offer there is unclean.
15Zvino fungai henyu kubva pazuva ranhasi muchidzokera shure, ibwe rimwe richigere kuiswa pamusoro pebwe muTemberi yaJehovha.
15And now, I pray you, consider from this day and onward, from before a stone was laid upon a stone in the temple of Jehovah,
16Nenguva iyo yose kana munhu achinge asvika pamurwi wezviyo zvezviyero zvina makumi maviri, zvaingovapo zvine gumi; kana munhu akasvika pachisviniro chewaini achiti ndinochera hari dzina makumi mashanu, dzaingovapo dzina makumi maviri.
16-- before those [days] were, when one came to a heap of twenty [measures], there were but ten; when one came to the vat to draw out fifty press-measures, there were but twenty.
17Ndakakurovai nenyunje nokuvhuvha nechimvuramabwe pamabasa ose amaoko enyu; asi hamuna kutendeukira kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.
17I smote you with blasting and with mildew and with hail in all the work of your hands; and ye [turned] not to me, saith Jehovah.
18Chifungai henyu kubva pazuva ranhasi muchienda mberi, kubva pazuva remakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, kubva pazuva rakateyiwa nheyo dzeTemberi yaJehovha, fungai izvozvo.
18Consider, I pray you, from this day and onward, from the four and twentieth day of the ninth [month], from the day that the foundation of Jehovah's temple was laid, consider [it].
19Ko mbeu ichimo mudura here? Zvirokwazvo, muzambiringa nomuonde nomutamba nomuorivhi hazvina kubereka; kubva pazuva rino ndichakuropafadzai.
19Is the seed yet in the barn? yea, the vine, and the fig-tree, and the pomegranate, and the olive-tree have not brought forth: from this day will I bless [you].
20Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Hagai nezuva ramakumi maviri namana romwedzi, richiti,
20And the word of Jehovah came the second time unto Haggai on the four and twentieth [day] of the month, saying,
21Taura naZerubhabheri, mubati waJudha, uti, Ndichazunungusa denga rose nenyika;
21Speak to Zerubbabel, governor of Judah, saying, I will shake the heavens and the earth;
22ndichawisira pasi zvigaro zvoushe; ndichaparadza simba roushe bwendudzi; ndichawisira pasi ngoro navanofamba nadzo; mabhiza navanotasva achawira pasi, mumwe nomumwe nomunondo wehama yake.
22and I will overthrow the throne of kingdoms, and I will destroy the strength of the kingdoms of the nations; and I will overthrow the chariots, and those that ride therein; and the horses and their riders shall come down, every one by the sword of his brother.
23Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichakutora iwe, Zerubhabheri, muranda wangu, mwanakomana waShearitieri ndizvo zvinotaura Jehovha ndichakuita sechisimbiso; nekuti ndakakusanangura ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
23In that day, saith Jehovah of hosts, will I take thee, Zerubbabel son of Shealtiel, my servant, saith Jehovah, and will make thee as a signet; for I have chosen thee, saith Jehovah of hosts.