1Nekuti murairo zvaune mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya usati uri mufananidzo chaiwo wezvinhu izvozvo, haungatongogoni kuperedzera avo vanoswedera gore rimwe nerimwe naizvozvo zvibayiro zvavanoramba vachibayira.
1For the law, having a shadow of the coming good things, not the image itself of the things, can never, by the same sacrifices which they offer continually yearly, perfect those who approach.
2Dai zvakanga zvakadaro zvingadai zvisina kupera kubayirwa here? nekuti vashumiri, kana vakange vanatswa kamwe chete vangadai vasingazivi zvivi zvavo.
2Since, would they not indeed have ceased being offered, on account of the worshippers once purged having no longer any conscience of sins?
3Asi kuzvibayiro izvozvo vanoyeudzirwa zvivi gore rimwe nerimwe.
3But in these [there is] a calling to mind of sins yearly.
4Nekuti hazvibviri kuti ropa rehando nerembudzi ribvise zvivi.
4For blood of bulls and goats [is] incapable of taking away sins.
5saka paanosvika panyika, unoti: Chibayiro nechipiriso hamuna kuzvida, asi makandigadzirira muviri;
5Wherefore coming into the world he says, Sacrifice and offering thou willedst not; but thou hast prepared me a body.
6pazvibayiro zvinopiswa, nezvechivi hamuna kuzvifarira;
6Thou tookest no pleasure in burnt-offerings and sacrifices for sin.
7Zvino ndikati: Tarirai ndauya (Murugwaro rwakapetwa makanyorwa pamusoro pangu) Kuita chido chenyu, Mwari.
7Then I said, Lo, I come (in [the] roll of the book it is written of me) to do, O God, thy will.
8Zvaanoti pakutanga: Zvibayiro nezvipiriso, nezvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvechivi hamuna kuzvida kana kufadzwa nazvo izvo zvinobayirwa sezvinoreva murairo),
8Above, saying Sacrifices and offerings and burnt-offerings and sacrifices for sin thou willedst not, neither tookest pleasure in (which are offered according to the law);
9ndokuzoti: Tarira, ndinovuya kuzoita chido chenyu imwi Mwari. Unobvisa chekutanga kuti amise chechipiri.
9then he said, Lo, I come to do thy will. He takes away the first that he may establish the second;
10Nekuda ikoku takaitwa vatsvene kubudikidza nekubayirwa kwemuviri waJesu Kristu kamwe.
10by which will we have been sanctified through the offering of the body of Jesus Christ once for all.
11Mupristi umwe neumwe unomira zuva rimwe nerimwe achishumira, nekubayira kazhinji zvibayiro izvozvo zvisingatongogoni kubvisa zvivi;
11And every priest stands daily ministering, and offering often the same sacrifices, which can never take away sins.
12asi murume uyu wakati abayira chibayiro chimwe nekuda kwezvivi nekusingaperi, akagara pasi kuruoko rwerudyi rwaMwari;
12But *he*, having offered one sacrifice for sins, sat down in perpetuity at [the] right hand of God,
13kubva zvino achitarisira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake.
13waiting from henceforth until his enemies be set [for the] footstool of his feet.
14Nekuti nechibayiro chimwe chete wakaperedzera nekusingaperi avo vanoitwa vatsvene.
14For by one offering he has perfected in perpetuity the sanctified.
15Mweya Mutsvenewo unotipupurira; nekuti pakutanga wakange amboti:
15And the Holy Spirit also bears us witness [of it]; for after what was said:
16Iyi ndiyo sungano yandichaita navo shure kwemazuva iwayo, ndizo zvinotaura Ishe, Ndichaisa mirairo yangu mumoyo yavo, nokuinyora mufungwa dzavo.
16This [is] the covenant which I will establish towards them after those days, saith [the] Lord: Giving my laws into their hearts, I will write them also in their understandings;
17Nezvivi zvavo nekuipa kwavo handichatongozvirangaririzve.
17and their sins and their lawlessnesses I will never remember any more.
18Zvino apo pane kangamwiro yezvizvi, hapachina kubayirwa kwechivi.
18But where there [is] remission of these, [there is] no longer a sacrifice for sin.
19Naizvozvo, hama, zvatingatsunga kupinda panzvimbo tsvene neropa raJesu,
19Having therefore, brethren, boldness for entering into the [holy of] holies by the blood of Jesus,
20nenzira itsva mhenyu, yaakatizarurira kubudikidza nemuvheiri, ndiyo nyama yake;
20the new and living way which he has dedicated for us through the veil, that is, his flesh,
21uye tine mupristi mukuru pamusoro peimba yaMwari,
21and [having] a great priest over the house of God,
22ngatiswedere nemoyo wechokwadi, nechivimbo chakazara cherutendo, moyo yedu yasaswa pahana yakaipa, nemiviri yedu yakashambidzwa nemvura yakachena.
22let us approach with a true heart, in full assurance of faith, sprinkled as to our hearts from a wicked conscience, and washed as to our body with pure water.
23Ngatibatisise chitendero chetariro yedu, tisingazungunuki; nekuti iye wakavimbisa wakatendeka;
23Let us hold fast the confession of the hope unwavering, (for he [is] faithful who has promised;)
24uye ngatirangariranei pakumutsirana rudo namabasa akanaka,
24and let us consider one another for provoking to love and good works;
25tisarega kuungana kwedu, setsika yevamwe, asi tichikurudzirana; zvikuru zvamunovona zuva richiswedera.
25not forsaking the assembling of ourselves together, as the custom [is] with some; but encouraging [one another], and by so much the more as ye see the day drawing near.
26Nekuti kana tichitadza maune, tambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hakusisina chibayiro pamusoro pezvivi,
26For where we sin wilfully after receiving the knowledge of the truth, there no longer remains any sacrifice for sins,
27asi kumwe kumirira tichitya kutongwa nekutsamwa kunopfuta moto, kuchapedza vevengi.
27but a certain fearful expectation of judgment, and heat of fire about to devour the adversaries.
28Munhu unozvidza murairo waMozisi unofa kunze kwetsitsi nezvapupu zviviri kana zvitatu;
28Any one that has disregarded Moses' law dies without mercy on [the testimony of] two or three witnesses:
29zvino unofunga kuti uchanzi wakafanira kurangwa zvinorwadza sei, wakatsikira pasi Mwanakomana waMwari, uye ukatora ropa resungano, raakaitwa mutsvene naro serisina maturo, uye akazvidza Mweya wenyasha?
29of how much worse punishment, think ye, shall he be judged worthy who has trodden under foot the Son of God, and esteemed the blood of the covenant, whereby he has been sanctified, common, and has insulted the Spirit of grace?
30Nekuti tinomuziva iye wakati: Kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, ndizvo zvinotaura Ishe, uyezve unoti: Ishe uchatonga vanhu vake.
30For we know him that said, To me [belongs] vengeance; *I* will recompense, saith the Lord: and again, The Lord shall judge his people.
31Zvinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.
31[It is] a fearful thing falling into [the] hands of [the] living God.
32Asi rangarirai mazuva akare, amakati mavhenekerwa maari mukatsunga pakurwa kukuru kwematambudziko;
32But call to mind the earlier days in which, having been enlightened, ye endured much conflict of sufferings;
33pamwe nekuti makaitwa chiokero zvose nekunyombwa nematambudziko; pamwe nekuti makagovanawo naivo vakaitirwa izvozvo.
33on the one hand, when ye were made a spectacle both in reproaches and afflictions; and on the other, when ye became partakers with those who were passing through them.
34Nekuti makanzwira tsitsi zvisungo zvangu, makagamuchira nemufaro kupambwa kwenhumbi dzenyu, muchiziva mukati menyu kuti imwi mune fuma yakapfuura nekunaka, inogara iri kumatenga.
34For ye both sympathised with prisoners and accepted with joy the plunder of your goods, knowing that ye have for yourselves a better substance, and an abiding one.
35Naizvozvo regai kurasha kushinga kwenyu, kune muripo mukuru wemubayiro.
35Cast not away therefore your confidence, which has great recompense.
36Nekuti munoshaiwa moyo murefu, zvokuti, kana maita kuda kwaMwari, mugamuchire chivimbiso.
36For ye have need of endurance in order that, having done the will of God, ye may receive the promise.
37Nekuti pachine kanguva kaduku-duku, uye unouya uchauya, uye haanganonoki.
37For yet a very little while he that comes will come, and will not delay.
38Asi wakarurama uchararama nerutendo; zvino kana akadzokera shure, mweya wangu haungafari naye.
38But the just shall live by faith; and, if he draw back, my soul does not take pleasure in him.
39Zvino isu hatizi veavo vanodzokera shure kukuparadzwa; asi veavo vanotenda kukuponeswa kwemweya.
39But *we* are not drawers back to perdition, but of faith to saving [the] soul.