1Nezuva iro uchati, Ndinokuvongai Jehovha; makanga makanditsamwira, asi kutsamwa kwenyu kwakadzorwa, munondinyaradza.
1And in that day thou shalt say, Jehovah, I will praise thee; for though thou wast angry with me, thine anger is turned away, and thou hast comforted me.
2Tarirai, Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba ndisingatyi; nekuti Jehovha, iye Jehovha, ndiye simba rangu norwiyo rwangu; iye wava ruponeso rwangu.
2Behold, ùGod is my salvation: I will trust, and not be afraid; for Jah, Jehovah, is my strength and song, and he is become my salvation.
3Saka muchachera mvura nomufaro pamatsime oruponeso.
3And with joy shall ye draw water out of the wells of salvation.
4Zvino nezuva iro muchati, Vongai Jehovha, paridzai zita rake, zivisai mabasa ake pakati pavanhu, muudze vanhu kuti zita rake rinokudziwa.
4And in that day shall ye say, Give ye thanks to Jehovah, call upon his name, declare his deeds among the peoples, make mention that his name is exalted.
5Imbirai Jehovha; nekuti akaita zvinhu zvakaisvonaka-naka; izvi ngazvizikamwe panyika yose.
5Sing psalms of Jehovah, for he hath done excellent things: this is known in all the earth.
6Danidzira upururudze, iwe ugere paZiyoni; nekuti Mutsvene waIsiraeri mukuru pakati penyu.
6Cry out and shout, thou inhabitress of Zion; for great is the Holy One of Israel in the midst of thee.