1Zvino nenguva iyo Merodhaki bharadhani mwanakomana wa Bharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma tsamba nechipo kuna Hezekia; nekuti akanga anzwa kuti airwara akaporazve.
1At that time Merodach-Baladan, the son of Baladan, king of Babylon, sent a letter and a present to Hezekiah; for he had heard that he had been sick and had recovered.
2Hezekia akafara pamusoro pavo, akavaratidza imba yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuhwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzose dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri pafuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia.
2And Hezekiah was glad of them, and shewed them the house of his precious things, the silver and the gold, and the spices and the fine oil, and all the house of his armour, and all that was found amongst his treasures: there was nothing in his house, nor in all his dominion, that Hezekiah did not shew them.
3Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekia, akati kwaari, Varume ava vakati kudiniko? Vakasvika kwauri vachibvepi? Hezekia akati, Vakanga vabva kunyika iri kure, Bhabhironi vachiuya kwandiri.
3Then came the prophet Isaiah to king Hezekiah, and said to him, What said these men? and from whence came they to thee? And Hezekiah said, They came from a far country to me, from Babylon.
4Ipapo akati, Vakaonei mumba mako? Hezekia akapindura, akati, Vakaona zvose zviri mumba mangu; hakune chinhu pakati pefuma yangu chandisina kuvaratidza.
4And he said, What have they seen in thy house? And Hezekiah said, All that is in my house have they seen: there is nothing among my treasures that I have not shewn them.
5Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, Inzwa shoko raJehovha wehondo,
5And Isaiah said to Hezekiah, Hear the word of Jehovah of hosts:
6Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako, nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi, zvichaiswa Bhabhironi, hakuna chinhu chichasiiwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
6Behold, days come when all that is in thy house, and that which thy fathers have laid up until this day, shall be carried to Babylon: nothing shall be left, saith Jehovah.
7Vamwe vanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa; vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi.
7And of thy sons that shall issue from thee, whom thou shalt beget, shall they take away; and they shall be eunuchs in the palace of the king of Babylon.
8Ipapo Hezekia akati kuna Isaya, Shoko raJehovha ramataura rakanaka haro. Akatiwo, nekuti rugare nezvokwadi zvichavapo pamazuva angu.
8And Hezekiah said to Isaiah, Good is the word of Jehovah which thou hast spoken. And he said, For there shall be peace and truth in my days.