1Pagore rokufa kwamambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira, mipendero yenguvo dzake ichizadza temberi.
1In the year of the death of king Uzziah, I saw the Lord sitting upon a throne, high and lifted up; and his train filled the temple.
2Kumusoro kwake kwakanga kumire serafimi; imwe neimwe yakanga ina mapapiro matanhatu, neimwe mapapiro matanhatu; namaviri yakafukidza chiso chayo, namaviri yakafukidza makumbo ayo, namaviri yakanga ichibhururuka nawo.
2Seraphim were standing above him: each had six wings; with twain he covered his face, and with twain he covered his feet, and with twain he flew.
3Imwe yakadanidzira kune imwe, ichiti, Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha wehondo; nyika yose izere nokubwinya kwake.
3And one called to the other and said, Holy, holy, holy is Jehovah of hosts; the whole earth is full of his glory!
4Nheyo dzezvikumbaridzo dzikazununguka nenzwi rowakanga achidana, imba ikazadzwa noutsi.
4And the foundations of the thresholds shook at the voice of him that cried, and the house was filled with smoke.
5Ipapo ndikati, Ndine nhamo! nekuti ndoparara, nekuti ndiri munhu wemiromo yakanora, ndigere pakati pavanhu vemiromo yakanora; nekuti meso angu akaona Mambo; Jehovha wehondo.
5And I said, Woe unto me! for I am undone; for I am a man of unclean lips, and I dwell in the midst of a people of unclean lips: for mine eyes have seen the King, Jehovah of hosts.
6Ipapo imwe serafimi yakabhururukira kwandiri, yakabata zimbe rinopfuta muruoko rwayo, rayakanga yatora nembato paaritari; ikagumura muromo wangu naro, ikati,
6And one of the seraphim flew unto me, and he had in his hand a glowing coal, which he had taken with the tongs from off the altar;
7Tarira, zimbe iri ragumura miromo yako, zvakaipa zvako zvabviswa, zvivi zvako zvadzikunurwa.
7and he made it touch my mouth, and said, Behold, this hath touched thy lips; and thine iniquity is taken away, and thy sin expiated.
8Ipapo ndakanzwa nzwi raShe richiti, Ndingatuma aniko? Ndiani angatiendera? Ipapo ndakati, Ndiri pano ini, nditumei.
8And I heard the voice of the Lord saying, Whom shall I send, and who will go for us? And I said, Here am I; send me.
9Iye akati, Enda, unondoudza vanhu ava, uti, Rambai henyu muchinzwa, asi musanzwisisa, rambai henyu muchiona, asi musaonesesa.
9And he said, Go; and thou shalt say unto this people, Hearing ye shall hear and shall not understand, and seeing ye shall see and shall not perceive.
10Kodzai moyo yavanhu ava, remedzai nzeve dzavo, tsinzinisai meso avo, kuti varege kuona nameso avo, kana kunzwa nenzeve dzavo, kana kunzwisisa nemoyo yavo, vadzoke vapodzwe.
10Make the heart of this people fat, and make their ears heavy, and blind their eyes; lest they see with their eyes, and hear with their ears, and understand with their heart, and be converted, and healed.
11Zvino ndakati, Ishe kusvikira rinhiko? Akapindura, akati, Kusvikira maguta ava matongo, asina vanogaramo, nedzimba dzisina munhu, nenyika yaparadzwa chose,
11And I said, Lord, how long? And he said, Until the cities be wasted, without inhabitant, and the houses without man, and the land become an utter desolation,
12kusvikira Jehovha abvisira vanhu kure, nenzvimbo, dzashanduka matongo, dzava zhinji panyika.
12and Jehovah have removed men far away, and the solitude be great in the midst of the land.
13Kana kuchinge kwasara mukati mayo chegumi, naichowo chichadyiwazve; sezvakaita muterebhinti nomuouki wasiirwa hunde kana watemwa, saizvozvo rudzi rutsvene ndiyo hunde yawo.
13But a tenth part shall still be therein, and it shall return and be eaten; as the terebinth and as the oak whose trunk [remaineth] after the felling: the holy seed shall be the trunk thereof.