1Haiwa, dai maibvarura denga, mukaburuka, makomo akadedera pamberi penyu,
1Oh, that thou wouldest rend the heavens, that thou wouldest come down, -- that the mountains might flow down at thy presence,
2sezvinoita moto kana uchipisa utsotso, nomoto kana uchivirisa mvura, kuti muzivise vadzivisi venyu zita renyu, kuti marudzi adedere pamberi penyu!
2-- as fire kindleth brushwood, as the fire causeth water to boil, to make thy name known to thine adversaries, that the nations might tremble at thy presence!
3Panguva yamakaita zvinhu zvinotyisa, zvatakanga tisina kutarira, mukaburuka, makomo akadedera pamberi penyu.
3When thou didst terrible things [which] we looked not for, thou camest down, and the mountains flowed down at thy presence.
4nekuti kubva panguva yakare vanhu havana kunzwa, kana kunzwisisa nenzeve, kunyange neziso harina kuona Mwari kunze kwenyu, iye anobatira vanomumirira.
4Never have [men] heard, nor perceived by the ear, nor hath eye seen a God beside thee, who acteth for him that waiteth for him.
5Munosangana nowanofarira kuita zvakarurama, ivo vanokurangarirai panzira dzenyu; tarirai, makanga makatsamwa, nesu takatadza; takanga takadaro nguva refu, zvino tingaponeswa here?
5Thou meetest him that rejoiceth to do righteousness, those that remember thee in thy ways: (behold, thou wast wroth, and we have sinned:) in those is perpetuity, and we shall be saved.
6nekuti isu tose tava soune tsvina, kururama kwedu kose kwafanana nenguvo ine tsvina; isu tose tinooma seshizha, zvakaipa zvedu zvinotibvisa semhepo.
6And we are all become as an unclean [thing], and all our righteousnesses are as filthy rags; and we all fade as a leaf, and our iniquities, like the wind, have carried us away;
7Hakuna anodana zita renyu, anozvimutsa kuti akunamatireyi; nekuti makativanzira chiso chenyu, mukatinyungurusa nezvakaipa zvedu.
7and there is none that calleth upon thy name, that stirreth up himself to take hold of thee; for thou hast hidden thy face from us, and hast caused us to melt away through our iniquities.
8Asi zvino Jehovha, muri baba vedu; isu tiri ivhu, imwi muri muumbi wedu, isu tose tiri basa roruoko rwenyu.
8And now, Jehovah, thou art our Father; we are the clay, and thou our potter; and we all are the work of thy hand.
9Regai kutsamwa zvikuru, Jehovha, uye regai kurangarira zvakaipa zvedu nokusingaperi; tarirai, doonai, tiri vanhu venyu.
9Be not wroth very sore, O Jehovah, neither remember iniquity for ever. Behold, see, we beseech thee, we are all thy people.
10Maguta enyu matsvene ashanduka renje, Ziyoni rava renje, Jerusaremu idongo.
10Thy holy cities are become a wilderness, Zion is a wilderness, Jerusalem a desolation.
11Imba yedu tsvene, yakanakisa, pamakarumbidzwa namadzibaba edu, yatsva nomoto; nzvimbo dzedu dzose, dzataifarira, dzaparadzwa.
11Our holy and our beautiful house, where our fathers praised thee, is burnt up with fire, and all our precious things are laid waste.
12Jehovha, mungazvidzora nokuda kwezvinhu izvi here? Mucharamba munyerere, muchititambudza zvikuru here?
12Wilt thou restrain thyself in presence of these things, Jehovah? Wilt thou hold thy peace, and afflict us very sore?