Shona

Darby's Translation

Mark

10

1Zvino wakati asimukapo, akauya kumiganhu yeJudhiya, achigura nemhiri kwaJoridhani; chaunga chikaunganirazve kwaari; akapamha kuvavadzidzisa zvose sezvaakange ajaira.
1And rising up thence he comes into the coasts of Judaea, and the other side of the Jordan. And again crowds come together to him, and, as he was accustomed, again he taught them.
2VaFarisi vakauya kwaari, vakamubvunza vachiti: Zviri pamutemo here kuti murume arambe mukadzi? vachimuidza.
2And Pharisees coming to [him] asked him, Is it lawful for a man to put away [his] wife? (tempting him).
3Akapindura, akati kwavari: Mozisi wakakurairai chii?
3But he answering said to them, What did Moses command you?
4Zvino vakati: Mozisi wakatendera kunyora rugwaro rwerambano, nekumuramba.
4And they said, Moses allowed to write a bill of divorce, and to put away.
5Jesu akapindura akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo yenyu, wakakunyorerai murairo uyu.
5And Jesus answering said to them, In view of your hard-heartedness he wrote this commandment for you;
6Asi kubva pakutanga kwezvisikwa, Mwari wakavaita murume nemukadzi.
6but from [the] beginning of [the] creation God made them male and female.
7Nekuda kweizvozvo munhu uchasiya baba namai vake, anamatire mukadzi wake;
7For this cause a man shall leave his father and mother and shall be united to his wife,
8zvino avo vaviri vachava nyama imwe. Naizvozvo havasichiri vaviri, asi nyama imwe.
8and the two shall be one flesh: so that they are no longer two but one flesh.
9Naizvozvo Mwari zvaakabatanidza, ngapasava nemunhu unoparadzanisa.
9What therefore God has joined together, let not man separate.
10Mumba vadzidzi vake vakapamha kumubvunza pamusoro pazvo.
10And again in the house the disciples asked him concerning this.
11Zvino akati kwavari: Ani nani unoramba mukadzi wake, akawana umwe, unoita upombwe kwaari.
11And he says to them, Whosoever shall put away his wife and shall marry another, commits adultery against her.
12Uye kana mukadzi achiramba murume wake, achiwanikwa neumwe, unoita upombwe.
12And if a woman put away her husband and shall marry another, she commits adultery.
13Zvino vakauya nevana vaduku kwaari, kuti avabate; asi vadzidzi vakatsiura avo vaiuya navo.
13And they brought little children to him that he might touch them. But the disciples rebuked those that brought [them].
14Zvino Jesu wakati achizviona, akatsamwa zvikuru, akati kwavari: Tenderai vana vaduku kuuya kwandiri, uye musavadzivisa, nekuti ushe hwaMwari ndohwevakadai.
14But Jesus seeing [it], was indignant, and said to them, Suffer the little children to come to me; forbid them not; for of such is the kingdom of God.
15Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani usingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri.
15Verily I say to you, Whosoever shall not receive the kingdom of God as a little child, shall in no wise enter into it.
16Uye akavagumbatira, achiisa maoko pamusoro pavo, akavaropafadza.
16And having taken them in his arms, having laid his hands on them, he blessed them.
17Zvino wakati achibudira kunzira, umwe wakamumhanyira, akamufugamira akamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?
17And as he went forth into the way, a person ran up to [him], and kneeling to him asked him, Good Teacher, what shall I do that I may inherit eternal life?
18Jesu akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, iye Mwari.
18But Jesus said to him, Why callest thou me good? no one is good but one, [that is] God.
19Unoiziva mirairo inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, usabiridzira, kudza baba namai vako.
19Thou knowest the commandments: Do not commit adultery, Do not kill, Do not steal, Do not bear false witness, Do not defraud, Honour thy father and mother.
20Zvino akapindura akati kwaari: Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubva pauduku hwangu.
20And he answering said to him, Teacher, all these things have I kept from my youth.
21Jesu ndokumutarira akamuda, akati kwaari: Chinhu chimwe chaunoshaiwa; enda, utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, zvino uchava nefuma kudenga; ugouya utakure muchinjikwa, unditevere.
21And Jesus looking upon him loved him, and said to him, One thing lackest thou: go, sell whatever thou hast and give to the poor, and thou shalt have treasure in heaven; and come, follow me, [taking up the cross].
22Asi atsamwa neshoko iro, wakaenda neshungu, nekuti wakange ane nhumbi zhinji.
22But he, sad at the word, went away grieved, for he had large possessions.
23Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake: Vacharemerwa sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari!
23And Jesus looking around says to his disciples, How difficultly shall they that have riches enter into the kingdom of God!
24Vadzidzi vakashamisika nemashoko ake. Asi Jesu wakapindurazve, akati kwavari: Vana, zvinorema sei kune vanovimba nefuma kupinda muushe hwaMwari;
24And the disciples were amazed at his words. And Jesus again answering says to them, Children, how difficult it is that those who trust in riches should enter into the kingdom of God!
25zvingarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, pane kuti mufumi apinde muushe hwaMwari.
25It is easier for a camel to go through the eye of a needle than for a rich man to enter into the kingdom of God.
26Ipapo vakashamisika zvisingaverengeki, vachitaurirana vachiti: Ndiani zvino ungagoponeswa?
26And they were exceedingly astonished, saying to one another, And who can be saved?
27Zvino Jesu wakati achivatarira, akati: Kuvanhu hazvibviri, asi kwete kuna Mwari; nekuti kuna Mwari zvinhu zvose zvinobvira.
27But Jesus looking on them says, With men it is impossible, but not with God; for all things are possible with God.
28Petro akatanga kuti kwaari: Tarira, isu takasiya zvose tikakuteverai.
28Peter began to say to him, Behold, *we* have left all things and have followed thee.
29Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwangu nekweevhangeri,
29Jesus answering said, Verily I say to you, There is no one who has left house, or brethren, or sisters, or father, or mother, [or wife], or children, or lands, for my sake and for the sake of the gospel,
30usingazogamuchiri kane zana ikozvino nenguva ino, dzimba, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, nanamai, nevana, neminda; pamwe nekushushwa, neupenyu husingaperi munguva inouya.
30that shall not receive a hundredfold now in this time: houses, and brethren, and sisters, and mothers, and children, and lands, with persecutions, and in the coming age life eternal.
31Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzira vekutanga.
31But many first shall be last, and the last first.
32Zvino vachiri munzira vachikwira kuJerusarema; Jesu akavatungamirira; vakashamisika; zvino pavaitevera, vaitya. Akatorazve vanegumi nevaviri, akatanga kuvaudza zvinhu zvakange zvichizoitika,
32And they were in the way going up to Jerusalem, and Jesus was going on before them; and they were amazed, and were afraid as they followed. And taking the twelve again to [him], he began to tell them what was going to happen to him:
33achiti: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye Mwanakomana wemunhu uchakumikidzwa kuvapristi vakuru nekuvanyori, uye vachamutongera rufu, nekumukumikidza kuvahedheni,
33Behold, we go up to Jerusalem, and the Son of man shall be delivered up to the chief priests and to the scribes, and they shall condemn him to death, and shall deliver him up to the nations:
34vachamusveveredza, vachamurova netyava, nekumupfira, nekumuuraya; zvino nezuva retatu uchamukazve.
34and they shall mock him, and shall scourge him, and shall spit upon him, and shall kill him; and after three days he shall rise again.
35Zvino Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari vachiti: Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire chero chatichakumbira.
35And there come to him James and John, the sons of Zebedee, saying [to him], Teacher, we would that whatsoever we may ask thee, thou wouldst do it for us.
36Akati kwavari: Chii chamunoda kuti ndikuitirei?
36And he said to them, What would ye that I should do for you?
37Vakati kwaari: Tipei kuti tigare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, uye umwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.
37And they said to him, Give to us that we may sit, one on thy right hand, and one on thy left hand, in thy glory.
38Asi Jesu wakati kwavari: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kumwa mukombe wandinomwa ini here? nekubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini here?
38And Jesus said to them, Ye do not know what ye ask. Are ye able to drink the cup which *I* drink, or be baptised with the baptism that *I* am baptised with?
39Vakati kwaari: Tingagona. Jesu akati kwavari: Muchamwa zvirokwazvo mukombe wandinomwa ini, nekubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini;
39And they said to him, We are able. And Jesus said to them, The cup that *I* drink ye will drink and with the baptism that *I* am baptised with ye will be baptised,
40asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kupa, asi zvevakazvigadzirirwa.
40but to sit on my right hand or on my left is not mine to give, but for those for whom it is prepared.
41Vanegumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira zvikuru Jakobho naJohwani.
41And the ten having heard [of it], began to be indignant about James and John.
42Asi Jesu akavadanira kwaari akati kwavari: Munoziva kuti avo vanonzi machinda evahedheni anovadzvinyirira, nevakuru vavo vanoshandisa simba pamusoro pavo.
42But Jesus having called them to [him], says to them, Ye know that those who are esteemed to rule over the nations exercise lordship over them; and their great men exercise authority over them;
43Zvino hazvingadaro pakati penyu; asi ani nani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu;
43but it is not thus among you; but whosoever would be great among you, shall be your minister;
44ani nani wenyu unoda kuva wokutanga, ngaave mushandi wevose.
44and whosoever would be first of you shall be bondman of all.
45Nekuti kunyange Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nekupa upenyu hwake ruve rudzikunuro rwevazhinji.
45For also the Son of man did not come to be ministered to, but to minister, and give his life a ransom for many.
46Vakasvika Jeriko; zvino wakati achibuda Jeriko nevadzidzi vake nechaunga chikuru, Bhatimio bofu, mwanakomana waTimio, akange agere padivi penzira achipemha.
46And they come to Jericho, and as he was going out from Jericho, and his disciples and a large crowd, the son of Timaeus, Bartimaeus, the blind [man], sat by the wayside begging.
47Wakati anzwa kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira nekuti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!
47And having heard that it was Jesus the Nazaraean, he began to cry out and to say, O Son of David, Jesus, have mercy on me.
48Vazhinji vakamutsiura kuti anyarare; asi iye wakanyanya kudanidzira kwazvo, achiti: Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!
48And many rebuked him, that he might be silent; but he cried so much the more, Son of David, have mercy on me.
49Jesu ndokuramba amire, akati adamwe; vakadana bofu vachiti kwariri: Tsunga moyo; simuka, unokudana.
49And Jesus, standing still, desired him to be called. And they call the blind [man], saying to him, Be of good courage, rise up, he calls thee.
50Ipapo rikarasha nguvo yaro rikasimuka, rikauya kuna Jesu.
50And, throwing away his garment, he started up and came to Jesus.
51Jesu akapindura, akati kwariri: Unoda kuti ndikuitirei? Bofu rikati kwaari: Rabhoni*, kuti ndionezve.
51And Jesus answering says to him, What wilt thou that I shall do to thee? And the blind [man] said to him, Rabboni, that I may see.
52Jesu akati kwariri: Enda; rutendo rwako rwakuponesa. Pakarepo rikaonazve, rikatevera Jesu munzira.
52And Jesus said to him, Go, thy faith has healed thee. And he saw immediately, and followed him in the way.