1Zvino vanhu vose vakaungana nomoyo mumwe padare rakanga riri pamberi pesuwo remvura; vakaudza Ezira munyori kuti auye nebhuku yomurayiro waMozisi, wakange warairwa vaIsiraeri naJehovha.
1all the people gathered together as one man to the open place that was before the water-gate; and they spoke to Ezra the scribe to bring the book of the law of Moses, which Jehovah had commanded Israel.
2Ezira mupristi ndokuuya nomurayiro pamberi peungano yavarume navakadzi, navose vakanga vachigona kunzwisisa, nezuva rokutanga romwedzi wechinomwe.
2And Ezra the priest brought the law before the congregation, both of men and women, and all that could hear with understanding, on the first day of the seventh month.
3Akaravamo padare rakanga riri pamberi pesuwo remvura, kubva mangwanani kusvikira masikati, pamberi pavarume navakadzi navose vakanga vachigona kunzwisisa; nzeve dzavanhu vose dzikateerera mashoko ebhuku yomurayiro.
3And he read in it before the open place that was before the water-gate from the morning until midday, in presence of the men and the women, and those that could understand. And the ears of all the people were [attentive] to the book of the law.
4Ezira munyori akamira pakakwirira pakanga pakavakirwa izvozvo namatanda; uye Matitia, naShema, naAnaya, naUriya, naHirikia naMaaseya vakamira kurutivi rwake rworudyi, naPedhaya, naMishaeri, naMarikiya, naHashumi, naHashibhadhana, naZekariya, naMeshurami vakamira kuruboshwe rwake.
4And Ezra the scribe stood upon a high stage of wood, which they had made for the purpose. And beside him stood Mattithiah, and Shema, and Anaiah, and Urijah, and Hilkijah, and Maaseiah on his right hand; and on his left hand, Pedaiah, and Mishael, and Malchijah, and Hashum, and Hashbaddana, Zechariah, Meshullam.
5Ezira akazarura bhuku pamberi pavanhu vose; (nokuti akanga amire kumusoro kwavanhu vose;) zvino akati achizarura vanhu vose ndokusimuka.
5And Ezra opened the book in the sight of all the people, for he was above all the people; and when he opened it, all the people stood up.
6Ipapo Ezira akavonga Jehovha, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura, vachiti, Ameni, Ameni, vachisimudza maoko avo; ipapo vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha zviso zvavo zvakatarira pasi.
6And Ezra blessed Jehovah, the great God; and all the people answered, Amen, Amen! with lifting up of their hands; and they bowed their heads, and worshipped Jehovah with their faces to the ground.
7Jeshua, naBhani, naSherebhia, naJamini, naAkubhi, naShabhetai, naHodhia, naMaaseya, naKerita, naAzaria, naJozabhadhi, naHanani, naPeraya, navaRevhi vakadudzira vanhu mirairo; vanhu vakaramba vamire panzvimbo yavo.
7And Jeshua, and Bani, and Sherebiah, Jamin, Akkub, Shabbethai, Hodijah, Maaseiah, Kelita, Azariah, Jozabad, Hanan, Pelaiah, and the Levites, caused the people to understand the law; and the people [stood] in their place.
8Vakarava zvichinzwika kwazvo mubhuku yomurayiro waMwari; vakazvidudzira, ,vakanzwisisa zvinorahwa.
8And they read in the law of God distinctly out of the book, and gave the sense, and caused [them] to understand the reading.
9Ipapo mubati Nehemiya, nomupristi Ezira munyori, navaRevhi vakadzidzisa vanhu, vakati kuvanhu vose, Zuva rino idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu; musaungudza nokuchema; nekuti vanhu vose vakachema vachinzwa mashoko omurayiro.
9And Nehemiah, that is, the Tirshatha, and Ezra the priest the scribe, and the Levites that explained to the people, said to all the people, This day is holy to Jehovah your God: mourn not, nor weep. For all the people wept when they heard the words of the law.
10Ipapo akati kwavari, Endai henyu, mudye zvakakora, nokumwa zvinozipa, mugotumirawo migove kuna vasina kugadzirirwa chinhu nekuti zuva rino idzvene kuna She wedu; musava neshungu, nekuti mufaro waJehovha isimba renyu.
10And he said to them, Go your way, eat the fat, and drink the sweet, and send portions to them for whom nothing is prepared; for the day is holy to our Lord; and be not grieved, for the joy of Jehovah is your strength.
11Naizvozvo vaRevhi vakanyaradza vanhu vose, vachiti, Nyararai henyu, nekuti izuva dzvene; musava neshungu.
11And the Levites quieted all the people, saying, Be still! for the day is holy; neither be grieved.
12Ipapo vanhu vose vakaenda kundodya nokumwa, nokutumira vamwe migove, nokufara kwazvo; nekuti vakanga vanzwisisa mashoko avakaparidzirwa.
12And all the people went their way, to eat and to drink, and to send portions, and to make great rejoicing. For they had understood the words that were declared to them.
13Zvino pazuva rechipiri vakuru vedzimba dzamadzibaba avanhu vose, navapristi, navaRevhi, vakaunganira kuna Ezira munyori, kuzoteerera mashoko omurayiro.
13And on the second day were gathered together the chief fathers of all the people, the priests, and the Levites, to Ezra the scribe, even to gain wisdom as to the words of the law.
14Vakawana pakanyorwa mumurayiro, kuti Jehovha akaraira Mozisi, kuti vana vaIsiraeri vanofanira kugara pamatumba pamutambo womwedzi wechinomwe;
14And they found written in the law which Jehovah had commanded through Moses, that the children of Israel should dwell in booths in the feast of the seventh month,
15uye kuti vanofanira kuzivisa nokuparidza shoko iro pamaguta avo ose, napaJerusaremu, vachiti, Budirai kugomo, mundotora matavi emiorivhi, namatavi emiorivhi yomusango, namatavi emimirite, namatavi emichindwe, namatavi emiti mikobvu, kuti muite matumba sezvakanyorwa.
15and that they should publish and proclaim through all their cities, and at Jerusalem, saying, Go forth to the mount, and fetch olive-branches, and wild olive-branches, and myrtle-branches, and palm-branches, and branches of thick trees, to make booths, as it is written.
16Naizvozvo vanhu vakabuda, vakauya nawo, vakazviitira matumba, mumwe nomumwe pamusoro pedenga reimba yake, napavazhe dzavo, napavazhe dzeimba yaMwari, napadare resuwo remvura, napadare resuwo raEfuremu.
16And the people went forth and brought [them], and made themselves booths, everyone upon the roof of his house, and in their courts, and in the courts of the house of God, and in the open space of the water-gate, and in the open space of the gate of Ephraim.
17Ungano yose yavakanga vakadzoka pakutapwa vakaita matumba, vakagara pamatumba; nekuti kubva pamazuva aJeshua mwanakomana waNuni kusvikira pazuva iro, vana vaIsiraeri vakanga vasina kuita izvozvo. Pakava nomufaro mukuru.
17And all the congregation of them that had come back from the captivity made booths, and dwelt in the booths. For since the days of Jeshua the son of Nun until that day had not the children of Israel done so. And there was very great gladness.
18Uye zuva rimwe nerimwe, kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rokupedzisira, akarava pabhuku yomurayiro waMwari. Vakaita mutambo mazuva manomwe; pazuva rorusere vakaita ungano yokupedzisira, sezvakanga zvatemwa.
18Also day by day, from the first day to the last day, he read in the book of the law of God. And they observed the feast seven days; and on the eighth day was a solemn assembly, according to the ordinance.