Shona

Esperanto

Isaiah

21

1Chirevo pamusoro perenje regungwa. Zvinobva kurenje, kunyika inotyisa, sezvamupupuri zvinopfuura kurutivi rweZasi.
1Profetajxo pri la apudmara dezerto: Kiel renversanta de ventego de sudo, li venas el la dezerto, el lando terura.
2Ndaratidzwa chiratidzo chinochemedza; munyengeri anoita nokunyengera, nomuparadzi anoparadza. Simuka iwe Erami, komba, iwe Medhia; ndagumisa kugomera kwavo kose.
2Kruela vizio estas montrita al mi:rabanto rabas, kaj ruiniganto ruinigas. Supreniru, ho Elam; siegxu, ho Medujo; cxiun gxemadon mi cxesigis.
3Saka zviuno zvangu zvizere nokurwadziwa; ndabatwa nokurwadziwa, sokurwadziwa komukadzi unosununguka; ndakotamiswa, saka handigoni kunzwa; ndavhunduswa, saka handigoni kuona,
3Tial mia lumbo estas plena de doloro; turmentoj kaptis min, kiel turmentoj de naskantino; mi tordigxis, kiam mi auxdis; mi sentis teruron, kiam mi vidis.
4moyo wangu une dzungu, ndavhunduswa nezvinotyisa; rubvunzavaeni rwandaida rwashanduka chinhu chinondidederesa.
4Konsternigxas mia koro, teruro min frapis; la cxarma nokto farigxis por mi teruro.
5Vanogadzira tafura, vanoisa varindi, vanodya, vanomwa. Simukai, imwi machinda, muzodze nhovo.
5Preparu tablon, starigu gardostarantojn, mangxu, trinku. Levigxu, princoj, sxmiru la sxildon.
6nekuti hezvi zvandaudzwa naShe, Enda, undoisa murindi; ngaareve zvaanoona;
6CXar tiele diris al mi mia Sinjoro:Iru, starigu observanton; kion li vidos, li diru.
7zvino kana achiona boka, navatasvi vamabhiza vakaita vaviri-vaviri, neboka rembongoro, neboka ramakamera, ngaateerere zvakanaka-naka.
7Kaj li vidis vicojn da cxevaloj duope, vicojn da azenoj, vicojn da kameloj; kaj li auxskultis atente, kun granda atento.
8Iye akadanidzira seshumba, achiti, Ishe, ndimire nguva dzose masikati pashongwe yokurinda, nousiku hwose ndimire panzvimbo yangu;
8Kaj li ekkriis kiel leono:Mia sinjoro, mi staris konstante sur mia observejo dum la tago, kaj sur mia gardejo mi staris tutajn noktojn;
9zvino tarirai, kouya boka ravanhu, vatasvi vamabhiza vakaita vaviri-vaviri. Akapindura, akati, Bhabhironi rawa, rawa; mifananidzo yake yose yakavezwa yavamwari vavo yaputsikira pasi.
9kaj jen venis viro, veturanta sur ducxevala cxaro, kaj li ekkrias kaj diras:Falis, falis Babel, kaj cxiuj idoloj de gxiaj dioj rompigxis sur la teron.
10Haiwa, vanhu vangu vakapurwa, zviyo zveburiro rangu, zvandakanzwa kuna Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ndizvo zvandakakuzivisai.
10Mia drasxajxo, kaj filo de mia garbejo! kion mi auxdis de la Eternulo Cebaot, Dio de Izrael, tion mi diris al vi.
11Chireve pamusoro peDhuma. Mumwe anondidana, ari paSeiri, achiti, Nhai, murindi, inguva ipi yousiku?
11Profetajxo pri Duma: Oni krias al mi el Seir:Gardisto, kiom da nokto restas? gardisto, kiom da nokto restas?
12Murindi ndokuti, Mambakwedza osvika, nousikuwo. Kana muchida kubvunza, bvunzai; dzokai, uyai.
12La gardisto diris:Venis la mateno, kaj tamen estas nokto; se vi volas demandi, demandu, revenu denove.
13Chirevo pamusoro peArabhia. Musango reArabhia ndimo mamuchavata, imwi mapoka avafambi veDhedhani.
13Profetajxo pri Arabujo: En la arbaro Arabuja pasigu la nokton, karavanoj Dedanaj!
14Vigirai ane nyota mvura! Vagere panyika yeTema vakachingamidza vatizi nechingwa chavo.
14Elportu akvon renkonte al la soifanto, vi, logxantoj de la lando Tema, kun pano renkontu la forkurinton;
15nekuti vakanga vachitiza minondo, minondo yakavhomorwa, nouta hwakakungwa, nokumanikidzwa kokurwa.
15cxar oni forkuras de glavo, de akrigita glavo, kaj de pafarko strecxita, kaj de kruela batalo.
16nekuti hezvi zvandakaudzwa naJehovha, Gore risati rapera, samakore omunhu anobatira mubayiro, mbiri yose yeKedhari ichapera.
16CXar tiele diris al mi la Sinjoro:Post unu jaro, kiel la jaro de dungito, malaperos la tuta gloro de Kedar;
17Vakasara veboka ravanofura nouta, ivo vanhu vane simba vavana veKedhari, vachava vashoma; nekuti Jehovha, Mwari waIsiraeri, akazvitaura.
17kaj la restajxo de la heroaj arkpafistoj de Kedar estos malgranda; cxar la Eternulo, Dio de Izrael, diris.