1Bhenjamini akabereka mwana wake wedangwe Bhera, naAshibheri wechipiri, naAhara wechitatu;
2naNowa wechina, naRafa weshanu.
3Bhera akabereka vanakomana: Adhari, naGera naAbhihudhi;
4naAbhishua, naNaamani, naAhoa;
5naGera, naShefufani, naHurami.
6Ava ndivo vanakomana vaEhudhi: Ndivo vakuru vedzimba dzamadzibaba aigara paGebha, vakavatapa, vakaenda navo Manahati;
7naNaamani, naAhiya, naGera, iye akavatapa; akabereka Uza naAhihudhi.
8Shaharaimi akabereka vanakomana panyika yaMoabhi, adzinga vakadzi vake Hushimi naBhaara.
9Akabereka kumukadzi wake Hodheshi: Jobhabhu, naZibhia, naMesha, naMarikami;
10naJeuzi, naShakia, naMirima. Ndivo vanakomana vake, vakuru vedzimba dzamadzibaba.
11Hushimi akabereka Abhitubhi naEripaari.
12Vanakomana vaEripaari: Ebheri, naMishami, naShemedhi; ndiye wakavaka Ono, naRodhi, nemisha yawo;
13naBheira, naShema, ivo vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba aigara paAjaroni, vakadzinga vakanga vagere paGati;
14naAhiyo, naShashaki, naJeremoti;
15naZebhedhia, naAradhi, naEdheri;
16naMikaeri, naIshipa, naJoha, ivo vanakomana vaBheira;
17naZebhedhia, naMeshurami, naHiziki, naHebheri;
18naIshimerai, naIziria, naJobhabhu, ivo vanakomana vaEripaari;
19naJakimi, naZikiri, naZabhudhi;
20naErienai, naZiretai, naErieri;
21naAdhaya, naBheraya, naShimirati, ivo vanakomana vaShimei;
22naIshipani, naEbheri, naErieri;
23naAbhidhoni, naZikiri, naHanani;
24naHanania, naErami, naAnatotiya;
25naIfudheya, naPenueri, ivo vanakomana vaShashaki;
26naShamisherai, neSheharia, naAtaria;
27naJareshia, naEria, naZikiri, ivo vanakomana vaJehorami.
28Ivo vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba kumarudzi avo ose, vakuru; ivo vaigara Jerusaremu.
29PaGibhiyoni paigara baba vaGibhiyoni, wainzi Jeyieri, zita romukadzi wake rakanga riri Maaka.
30Mwanakomana wake wedangwe aiva Abhidhoni, naZuri, naKishi, naBhaari, naNadhabhi;
31naGedhori, naAhio, naZekariya.
32Mikiroti akabereka Shimea. Naivo vaigara nehama dzavo Jerusaremu, vakatarisana nehama dzavo.
33Neri akabereka Kishi, Kishi akabereka Sauro, Sauro akabereka Jonatani, naMarikishua, naAbhinadhabhu, naEshibhaari.
34Mwanakomana waJonatani akanga ari Meribhibhaari; Meribhibhaari akabereka Mika.
35Vanakomana vaMika: Pitoni, naMereki, naTarea, naAhazi.
36Ahazi akabereka Joadha, Joadha akabereka Arimeti, naAzimavheti, naZimiri; Zimiri akabereka Moza;
37Moza akabereka Bhinea; Rafa waiva mwanakomana wake, naEreasa mwanakomana wake, naAzeri mwanakomana wake.
38Azeri wakange ana vanakomana vatanhatu; mazita avo ndiwo: Azirikami, naBhokeru, naIshimaeri, naShearia, naObhadhiya, naHanani. Ava vose vaiva vanakomana vaAzeri.
39Vanakomana vaEsheki munin'ina wake: Urami mwanakomana wake wedangwe, naJeuzi wechipiri, naErifereti wechitatu.
40Vanakomana vaUrami vaiva varume vane simba noumhare, vapfuri vemiseve; vakanga vana vanakomana vazhinji, navanakomana vavanakomana vavo, vakasvika zana namakumi mashanu. Ivo vose vaiva vanakomana vaBhenjamini.