Shona

Georgian: Gospels, Acts, James

Amos

2

1Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Moabhi vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nekuti vakapisa mafupa amambo waEdhomu kusvikira aita madota.
2Asi ndichatuma moto kuvaMoabhi, uchapedza dzimba dzoushe dzeKerioti; Moabhi vachafa nebope nokudanidzira uye nokurira kwehwamanda;
3ndichaparadza vatongi pakati pavo; nokuuraya machinda avo ose pamwechete navo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
4Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Judha vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nekuti vakaramba murayiro waJehovha, vakasachengeta mitemo yake, vakarashiswa nenhema dzavo dzakateverwa namadzibaba avo.
5Asi ndichatuma moto kuna Judha, uchapedza dzimba dzoushe dzeJerusaremu.
6Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Isiraeri vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nekuti vakatengesa vakarurama nesirivha, uye anoshaiwa, vachipiwa shangu mbiri;
7ndivo vanoshuva kuona guruva rapasi pamusoro womurombo, vachitsausa nzira yomunhu munyoro; munhu nababa vake vachienda vose kumusikana mumwe, kuti vamhure zita rangu dzvene;
8vanovata pasi pamaaritari ose panguvo dzakatorwa dzichiitwa rubatso, vanomwa waini yavakaripiswa mumba maMwari wavo.
9Kunyange zvakadaro ndakaparadza vaAmori pamberi pavo, ivo vakanga vakareba semisidhari, vane simba semioki; kunyange zvakadaro ndakaparadza zvibereko zvavo kumusoro nemidzi yavo pasi.
10Ndakakubudisaiwo munyika yeEgipita, ndikakufambisai murenje makore makumi mana, kuti mundopiwa nyika yavaAmori.
11Ndakamutsawo vaporofita pakati pavanakomana venyu, navaNaziri pakati pavanakomana venyu, navaNaziri pakati pamajaya enyu. Handizvo here, imwi vana vaIsiraeri?
12Asi makapa vaNaziri waini vamwe, nokuraira vaporofita, muchiti, Regai kuporofita.
13Tarirai, ndichakutsikirirai pasi, sezvinotsikirira ngoro izere nemwanda.
14Anomhanyisa achakoniwa kutiza, anesimba haangasimbisi simba rake, kunyange nemhare haingazvirwiri.
15Kunyange anobata uta haangamiri, anetsoka dzinomhanyisa haangazvirwiri; kunyange akatasva bhiza haangarwiri hupenyu hwake;
16ane mwoyo mukuru pakati pemhare achatiza akashama nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha.