1Pururudzai Jehovha, imwi nyika dzose.
2Shumirai Jehovha nomufaro; Uyai pamberi pake muchiimba.
3Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari; Ndiye wakatiita, tiri vanhu vake; Tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.
4Pindai pamasuwo ake muchivonga, Napavazhe dzake muchirumbidza; Chimuvongai, murumbidze zita rake.
5nekuti Jehovha akanaka; tsitsi dzake dziripo nokusingaperi; Nokutendeka kwake kumarudzi namarudzi.