1Ndichaimba ndichireva tsitsi nokururama; Ndimi Jehovha wandichaimbira nziyo dzokurumbidza.
2Ndichaita zvose nokugwara panzira yakarurama; Haiwa, muchauya kwandiri rinhiko? Ndichafamba mumba mangu nomoyo wakarurama.
3Handingavavariri chinhu chakaipa; Ndinovenga zvinoitwa navanotsauka; Hazvingandinamatiri.
4Moyo wakatsauka ngaubve kwandiri; Handidi kuziva zvakaipa.
5Anoitira vokwake makuhwa, ndichamuparadza; Anotarira namanyawi, nounomoyo unozvikudza, handingavi nehanya naye.
6Meso angu achatarira vakatendeka panyika, kuti vagare neni; Munhu anofamba nenzira yakarurama, ndiye angava mushumiri wangu.
7Anonyengera haangagari mumba mangu; Anoreva nhema haangarambiri pamberi pangu.
8Mangwanani ose ndichaparadza vakaipa vose venyika; Kuti ndipedze vose vanoita zvakaipa paguta raJehovha.