1Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, Kuchema kwangu ngakusvikire kwamuri.
2Regai kundivanzira chiso chenyu pazuva rokutambudzika kwangu; Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; Pazuva rokudana kwangu kurumidzai kundipindura.
3nekuti mazuva angu anopera soutsi, mafupa angu anotsva sechitsa.
4Moyo wangu warohwa souswa, waoma, nekuti ndinokangamwa kudya zvokudya zvangu.
5Nokuda kwenzwi rokugomera kwangu mafupa angu anonamatira nyama yangu.
6Ndafanana nehukurwizi yomurenje; Ndava sezizi romumatongo.
7Handivati, ndafanana Neshiri iri yoga pamusoro pedenga reimba.
8Vavengi vangu vanondituka zuva rose; Avo vanondipengera vanonditukisa kwazvo.
9Nekuti ndakadya madota sezvokudya, Ndikavhenganisa zvokumwa zvangu nemisodzi.
10Nokuda kwehasha dzenyu nokutsamwa kwenyu; nekuti makandisimudza mukandirasha.
11Mazuva angu akafanana nomumvuri wareba; Ndaoma souswa.
12Asi imwi Jehovha, muchavapo nokusingaperi; Marudzi namarudzi achakurangarirai.
13Imwi muchasimuka, mukanzwira Ziyoni tsitsi; nekuti nguva yavapo yokurinzwira tsitsi, zvirokwazvo, nguva, yakatarwa, yasvika.
14Nekuti varanda venyu vanofarira mabwe aro, Vanonzwira tsitsi guruva raro.
15Naizvozvo vahedheni vachatya zita raJehovha, Namadzimambo ose apasi kubwinya kwenyu;
16Jehovha zvaakavaka Ziyoni, Akaonekwa nokubwinya kwake;
17Akava nehanya nomunyengetero wavakakamurwa, Akasazvidza munyengetero wavo.
18Izvi zvichanyorerwa rudzi runozouya; Vanhu, vachazosikwa, vacharumbidza Jehovha.
19Nekuti wakatarira pasi ari panzvimbo yake tsvene yakakwirira; Jehovha akacherekedza nyika ari kudenga;
20Kuti anzwe kugomera komusungwa; Kuti asunungure vakatemerwa rufu;
21Kuti vanhu vaparidze zita raJehovha paZiyoni, Nokurumbidzwa kwake paJerusaremu;
22Kana marudzi avanhu aungana, Noushe huzhinji, kuti vashumire Jehovha.
23Wakatapudza simba rangu panzira; Wakafupisa mazuva angu.
24Ndakati, Mwari wangu, regai kundibvisa mazuva angu achigere kusvika; Makore enyu anosvika kumarudzi namarudzi.
25Makateya nyika kare-kare; Nedenga rose ibasa ramaoko enyu.
26Zvichaparara izvo, asi imwi muchagara muripo; Zvirokwazvo, izvozvo zvose zvichasakara senguvo; Muchazvishandura sechisimiro, zvikashanduka;
27Asi imwi hamushanduki, Makore enyu haangavi nomugumo.
28Vana vavaranda venyu vachagara varipo, Navana vavo vachasimbiswa pamberi penyu.