1Rumbidza Jehovha, mweya wangu; Zvose zviri mukati mangu ngazvirumbidze zita rake dzvene.
2Rumbidza Jehovha, mweya wangu, Urege kukangamwa mikomborero yake;
3Iye, anokangamwira zvakaipa zvako zvose; Anoporesa kurwara kwako kose;
4Anodzikunura hupenyu hwako pakuparadzwa; Anokuisa korona younyoro netsitsi;
5Anogutisa moyo wako nezvakanaka; Kuti utsva hwako huvandudzwe segondo.
6Jehovha anoita zvinhu zvakarurama, Nokururamisira vose vanomanikidzwa.
7Akazivisa Mozisi nzira dzake, Navana vaIsiraeri zvaakaita.
8Jehovha anetsitsi nenyasha, Haachimbidziki kutsamwa, ane tsitsi zhinji.
9Haangarambi achirwa; Uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi.
10Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, Kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.
11nekuti sokukwirira kokudenga kumusoro, Ndizvo zvakaita kukura kwetsitsi dzake kuna vanomutya.
12Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, Saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kose kure nesu.
13Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, Saizvozvo Jehovha anonzwira tsitsi vanomutya.
14Nekuti iye anoziva chatakaitwa nacho, Anorangarira kuti tiri guruva.
15Kana ari munhu, mazuva ake akaita souswa; Seruva resango, iye anokura saizvozvo.
16Nekuti imhepo inopfuura pamusoro paro, onei raenda; Nenzvimbo yaro haicharizivi.
17Asi tsitsi dzaJehovha dziripo nokusingaperi-peri kuna vanomutya, Nokururama kwake kuvana vavana vavo;
18kuna ivo vanochengeta sungano yake, Nokuna vanorangarira zvaakaraira, kuti vazviite.
19Jehovha akasimbisa chigaro chake choushe kudenga-denga; Ushe hwake hunobata zvinhu zvose.
20Rumbidzai Jehovha, imwi vatumwa vake; imwi mhare dzine simba, munoita zvaakataura, Muchiteerera inzwi reshoko rake.
21Rumbidzai Jehovha, imwi hondo dzake dzose; imwi vashumiri vake, vanoita zvinomufadza.
22Rumbidzai Jehovha, imwi mabasa ake ose, Panzvimbo dzose dzoumambo hwake; Rumbidza Jehovha, mweya wangu!