1Hareruya! Ndichavonga Jehovha nomoyo wangu wose, Parangano yavakarurama, napaungano.
2Mabasa aJehovha makuru, Anocherechedzwa navose vanowafarira.
3Basa rake rinoratidza kukudzwa noumambo; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.
4Mabasa ake, anoshamisa, wakaaita chiyeudziro; Jehovha anenyasha netsitsi.
5Akapa zvokudya vanomutya; Acharangarira sungano yake nokusingaperi.
6Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake, Zvaakavapa nhaka yavahedheni.
7Mabasa amaoko ake izvokwadi nokururamisira; Mirairo yake yose yakasimba.
8Yakasimbiswa nokusingaperi-peri, Yakaitwa nezvokwadi nokururama.
9Akatumira vanhu vake rudzikunuro; Akaraira sungano yake nokusingaperi; Zita rake idzvene rinotyisa.
10Kutya Jehovha ndiko kutanga kouchenjeri; Vose vanozviita vanomurangariro wakanaka; Kurumbidzwa kwake kunogara nokusingaperi.