Shona

Georgian: Gospels, Acts, James

Psalms

115

1Isu kwete, Jehovha, isu kwete, Asi zita renyu ngarikudzwe, Nokuda kwetsitsi dzenyu, uye nokuda kokutendeka kwenyu.
2Vahedheni vachareverei, vachiti, Ko Mwari wavo zvino uripi?
3Asi Mwari wedu ari kudenga-denga; Akaita zvose zvaakada.
4Zvifananidzo zvavo sirivha nendarama, Basa ramaoko avanhu.
5Zvinemiromo, asi hazvitauri; nameso zvinawo, asi hazvioni;
6Zvinenzeve, asi hazvinzwi; Nemhino zvinadzo, asi hazvinhuwhidzi;
7zvina maoko, asi hazvibati; Namakumbo zvinawo, asi hazvifambi; Hazvitauri napahuro pazvo.
8Ivo vanozviita vachafanana nazvo; Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo.
9lwe Isiraeri, vimba naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.
10Iwe imba yaAroni, vimba naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.
11imwi munotya Jehovha, vimbai naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.
12Jehovha akatirangarira; iye achatiropafadza; Acharopafadza imba yaIsiraeri, Acharopafadza imba yaAroni.
13Acharopafadza vanotya Jehovha, Vaduku navakuru vose.
14Jehovha acharamba achikuwanzai, imwi navana venyu.
15imwi makaropafadzwa naJehovha, Iye akaita kudenga napasi.
16Kudenga-denga ndiko kudenga-denga kwaJehovha; Asi pasi akapa vanakomana vavanhu.
17Vakafa havarumbidzi Jehovha, Kunyange ani naani anoburukira kwakanyarara;
18Asi isu hedu tichakudza Jehovha Kubva panguva ino kusvika pakusingaperi. Hareruya!