1Vongai Jehovha; nekuti wakanaka; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
2Isiraeri zvino ngavati, tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
3Imba yaAroni zvino ngaiti: Tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
4Avo vanotya Jehovha zvino ngavati: Tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
5Ndakadanidzira kuna Jehovha pakutambudzika kwangu, Jehovha paakandipindura, akandiisa pakafarikana.
6Jehovha ari kurutivi rwangu; handingatyi; Munhu angandiiteiko?
7Jehovha ari kurutivi rwangu pakati pavanondibatsira; Saka ndichaona kukundwa kwavanondivenga.
8Zviri nani kutizira kuna Jehovha Pakuvimba nomunhu.
9Zviri nani kutizira kuna Jehovha Pakuvimba namachinda.
10Vahedheni vose vakandikomba; Ndichavaparadza nezita raJehovha.
11Vakandikomba, zvirokwazvo, vakandikomba, Ndichavaparadza nezita raJehovha.
12Vakandikomba senyuchi; vakadzimwa somoto wemhinzwa; Ndichavaparadza nezita raJehovha.
13Kundisundidzira wakandisundidzira iwe kuti ndiwe; Asi Jehovha akandibatsira.
14Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; Iye akava muponesi wangu.
15inzwi rokufara nerokuponeswa riri mumatende avakarurama; Ruoko rworudyi rwaJehovha runokunda.
16Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzwa, Ruoko rworudyi rwaJehovha runokunda.
17Handingafi, asi ndichararama, Ndichadudzira mabasa aJehovha.
18Kundiranga Jehovha akandiranga; Asi haana kundiisa pakufa.
19Ndizarurirei masuwo okururama; Ndichapinda nawo, ndivonge Jehovha.
20iri ndiro suwo raJehovha; Vakarurama vachipinda naro.
21Ndichakuvongai, nekuti makandipindura, Mukava muponesi wangu.
22Ibwe rakaraswa navavaki Ndiro rakazova musoro wekona.
23Ichi chinhu chakabva kuna Jehovha; Zvinoshamisa kana tichizviona.
24Rino izuva rakaitwa naJehovha; Ngatifare kwazvo tirifarire.
25Tiponesei zvino, Jehovha ndizvo zvatinonyengetera; Jehovha, tipei mufaro ndizvo zvatinonyengetera.
26Akaropafadzwa iye anouya nezita raJehovha; Takaropafadzwa tiri mumba maJehovha.
27Jehovha ndiye Mwari, ndiye akativhenekera; Sungirai chibayiro namabote ipo panyanga dzearitari pamene.
28imwi muri Mwari wangu, ndichakuvongai; Muri Mwari wangu, ndichakukudzai.
29Vongai Jehovha; nekuti akanaka; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.