Shona

Georgian: Gospels, Acts, James

Psalms

136

1Vongai Jehovha, nekuti akanaka; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
2Vongai Mwari wavamwari; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
3Vongai Ishe wamadzishe; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
4Iye oga, anoita zvishamiso zvikuru; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
5Iye, akaita kudenga-denga nenjere dzake; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
6Iye akatatamura pasi pamusoro pemvura zhinji; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
7Iye akaita zviedza zvikuru; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
8Zuva, kuti ribate ushe masikati; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
9Mwedzi nenyeredzi, kuti zvibate ushe usiku; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
10Iye, akarova veEgipita pamatangwe avo; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
11Akabudisa Isiraeri pakati pavo; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
12Nechanza chine simba, uye noruoko rwakatambanudzwa; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
13Iye akaparadzanisa Gungwa Dzvuku napakati; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
14Akayambusa Isiraeri nomukati maro; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
15Akawisira Farao nehondo yake muGungwa Dzvuku; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
16Iye, akaperekedza vanhu vake murenje; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
17Iye, akaparadza madzimambo makuru; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
18Akauraya madzimambo akakurumbira; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
19Sihoni mambo wavaAmori; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
20NaOgi mambo weBhashani; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
21Akapa nyika yavo ive nhaka; tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
22Ive nhaka yaIsiraeri muranda wake; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
23Iye, akatirangarira paurombo bwedu; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi;
24Akatirwira pavadzivisi vedu; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
25Ndiye anopa zvinhu zvose zvokudya zvazvo; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
26Vongai Mwari wokudenga; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.