1Ndichakuvongai nomoyo wangu wose; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pamberi pavamwari.
2Ndichanamata ndakatarira kutemberi yenyu tsvene, Nokuvonga zita renyu nokuda kounyoro bwenyu nokutendeka kwenyu; nekuti makakurisa shoko renyu kupfuura zita renyu rose.
3Pazuva randakadana makandipindura, Makandisimbisa nesimba pamweya wangu.
4Madzimambo ose enyika achakuvongai, Jehovha, nekuti vakanzwa mashoko omuromo wenyu.
5Zvirokwazvo, vachaimba vachireva nzira dzaJehovha; nekuti kubwinya kwaJehovha kukuru.
6nekuti Jehovha ari kumusoro, kunyange zvakadaro ane hanya neanozvininipisa; Asi anamanyawi Jehovha anomuziva ari kure.
7Kana ndichifamba pakati penhamo, imwi muchandiponesa; Muchatambanudza ruoko rwenyu kudzivisa kutsamwa kwavavengi vangu, Ruoko rwenyu rworudyi ruchandiponesa.
8Jehovha achandikwanisira zvinhu zvangu. Tsitsi dzenyu, Jehovha, dzinogara nokusingaperi; Musarega mabasa amaoko enyu.