Shona

Georgian: Gospels, Acts, James

Psalms

140

1Ndirwirei Jehovha pamunhu wakaipa, Ndichengetei pamunhu anehasha;
2Ivo, vanofunga zvakaipa mumoyo yavo; Vanogara vachimutsa kurwa.
3Vakarodza rurimi rwavo senyoka; Uturu bwechiva huri pasi pemiromo yavo.
4Ndichengetei, Jehovha, pamaoko owakaipa; Ndichengetei pamunhu anomanikidza; Vanofunga mano okugumburisa tsoka dzangu.
5Vanozvikudza vakandivanzira musungo namabote; Vakadzika mumbure parutivi rwenzira, Vakanditeyera rugombe.
6Ndakati kuna Jehovha, Mwari wangu; Teererai, Jehovha, munzwe inzwi rokukumbira kwangu.
7Mwari Ishe, ndimi simba rokuponeswa kwangu, Makafukidza musoro wangu pazuva rokurwa.
8Jehovha, regai kupa wakaipa zvaanotsvaka; Musapfuudza zano rake rakaipa; kuti varege kuzvikudza.
9Kana uri musoro wavanondikomba, Zvakashata zvemiromo yavo imene ngazvivafukidze.
10Mazimbe omoto, anopfuta, ngaawire pamusoro pavo; Ngavakandirwe mumoto; Nomumakomba akadzika, kuti varege kumukazve.
11Munhu, anamakuhwa, haangasimbiswi pasi; Zvakaipa zvichavhima munhu anomanikidza kuti zvimuparadze.
12Ndinoziva kuti Jehovha achagadzira mhosva yavanotambudzika, Nokururamisira vashaiwi.
13Zvirokwazvo, vakarurama vachavonga zita renyu; Vanemoyo yakarurama vachagara pamberi penyu.