Shona

Georgian: Gospels, Acts, James

Psalms

17

1Inzwai zvakarurama Jehovha, muteerere kuchema kwangu; Rerekerai nzeve dzenyu kumunyengetero wangu, unobva pamiromo isinganyengeri.
2Kutongwa kwangu ngakubve pamberi penyu; Meso enyu ngaatarire zvakarurama.
3Makaidza moyo wangu; makandishanyira usiku; Makandiidza, mukasawana kufunga kwakaipa mandiri Ndakazvisunga kuti muromo wangu urege kudarika.
4Kana ari mabasa avanhu; neshoko remiromo yenyu, Ini ndakanzvenga nzira dzomuparadzi.
5Kutsika kwangu kwakarambira panzira dzenyu, Tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.
6Ini ndakadana kwamuri, nekuti muchandipindura, imwi Mwari; Rerekerai nzeve dzenyu kwandiri, munzwe kutaura kwangu.
7Ratidzai nokushamisa rudo rwenyu rweunyoro, imwi, munoponesa vanovimba nemi, imwi munoponesa noruoko rwenyu rworudyi, ava vanovimba nemwi Kuna vanovamukira simba.
8Ndichengetei semboni, mukunda weziso; ndivanzei pasi pomumvuri wamapapiro enyu,
9Kunavakaipa, vanondiparadza, Ivo vavengi vangu vakaipa, vanondikomba.
10Vakadzivira moyo yavo;
11Vanotaura vachikudza nemiromo yavo. Vakatikomba zvino pakufamba kwedu; Vanocherekedza nameso avo kuti vatiwisire pasi.
12Vakafanana neshumba inokarira kuparadza, somwana weshumba inovandira panzvimbo dzakavanda.
13Simukai, Jehovha, Mirai pamberi pake, mumuwisire pasi; Rwirai mweya wangu nomunondo wenyu kuna vakaipa;
14Kuvanhu, noruoko rwenyu imwi Jehovha, Kuvanhu venyika, vanomugove wavo paupenyu uhwu, Vamunozadza dumbu ravo nefuma yenyu; Vana vana vazhinji, Vanosiira vacheche vavo zvakasara zvefuma yavo.
15Ini ndichaona chiso chenyu pakururama; Ndichaguta nomufananidzo wenyu pakumuka kwangu.