1Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vawanda sei! Vazhinji vanondimukira.
2Vazhinji variko vanoti kumweya wangu, Haano ruponeso kuna Mwari.
3Asi imwi Jehovha muri nhovo yangu kumativi ose; Kudzo yangu, nomusimudzi womusoro wangu,
4Ndinodana kuna Jehovha nenzwi rangu, Iye anondipindura ari pagomo rake dzvene.
5Ndakavata pasi ndikabatwa nehope; Ndikamuka; nekuti Jehovha anonditsigira.
6Handingatyi zviuru zvamazana zvavanhu, Vakandikomberedza kuzorwa neni.
7Simukai, Jehovha; ndirwirei, Mwari wangu. Nekuti makarova vavengi vangu vose pashaya dzavo; Makavhuna meno avakaipa.
8Ruponeso runobva kuna Jehovha; Kukomborera kwenyu ngakuve pamusoro pavanhu venyu.