1Farisai munaJehovha, imwi vakarurama; Kurumbidza kwakafanira vakarurama.
2Vongai Jehovha nembira; Muimbirei nziyo dzokurumbidza nomutengeramwa une hungiso dzine gumi.
3Muimbirei rwiyo rutsva; Ridzai zvakanaka nokuridza kukuru.
4nekuti shoko raJehovha rakarurama, Anoita zvose nokutendeka.
5Iye anoda kururama nokururamisa; Nyika izere nounyoro hwaJehovha.
6Kudenga-denga kwakaitwa neshoko raJehovha, Uye hondo dzose dzoko nokufema komuromo wake.
7Anounganidza mvura zhinji yegungwa pamwechete somurwi; Anochengeta mvura zhinji dzakadzika mumatura.
8Nyika yose ngaitye Jehovha; Vose vagere panyika ngavadedere pamberi pake.
9nekuti iye akataura, zvikaitika; Akaraira, zvikamira zvikasimba.
10Jehovha anoparadza zano ravahedheni; Mifungo yendudzi dzavanhu anoishaisa simba.
11Zano raJehovha rakasimba nokusingaperi, Nendangariro dzomoyo wake kusvikira kundudzi dzose.
12Rwakakomborerwa rudzi rwakaita Jehovha Mwari warwo; Rudzi rwaakatsaura kuva nhaka yake.
13Jehovha anotarira ari kudenga; Anoona vanakomana vose vavanhu;
14Anotarira ari ipapo paagere Achiona vanhu vose vagere panyika.
15Iye anoumba moyo yavo vose, Anocherekedza mabasa avo ose
16Hapana mambo anoponeswa nokuwanda kwehondo; Mhare hairwirwi nesimba guru.
17Bhiza haribatsiri pakukunda; Harigoni kurwira nesimba raro guru.
18Tarirai, ziso raJehovha rinotarira vanomutya, Ivo, vanorindira tsitsi dzake;
19Kurwira mweya wavo parufu, Nokuvararamisa panguva yenzara.
20Mweya yedu yakarindira Jehovha; Ndiye mubatsiri wedu nenhovo yedu.
21Nekuti moyo yedu ichafara kwazvo maari, Zvatakavimba nezita rake dzvene.
22Tsitsi dzenyu ngadzive nesu, Jehovha, Sezvatakakurindirai.